< 哥林多前書 2 >

1 弟兄們,就是我從前到你們那裡時,也沒有用高超的言論或智慧,給你們宣講天主的奧義,
Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari.
2 因為我曾決定,在你們中不知道別的,只知道耶穌基督,這被釘在十字架上的耶穌基督;
Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa.
3 而且當我們到你們那裡的時候,又軟弱,又恐懼,又戰懼不安;
Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru.
4 並且我的言論和我的宣講,並不在於智慧動聽的言辭,而是在於聖神和祂德能的表現,
Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya,
5 為使你們的信德不是憑人的智慧,而是憑天主的德能。
kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari.
6 我們在成全的人中,也講智慧,不過不是今世的智慧,也不是今世將要消滅的權勢者的智慧; (aiōn g165)
Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. (aiōn g165)
7 我們所講的,乃是那隱藏的,天主奧秘的智慧,這智慧是天主在萬世之前,為使我們獲得光榮所預定的; (aiōn g165)
Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. (aiōn g165)
8 今世有權勢的人中沒有一個認識她,因為如果他們認識了,決不至於將光榮的主釘在十字架上。 (aiōn g165)
Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. (aiōn g165)
9 經上這樣記載說:『天主為愛祂的人所準備的,是眼所未見,耳所未聞,心所未想到的。』
Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”
10 可是又主藉著聖神將這一切啟示給我們了,因為聖神洞察一切,就連天主的深奧事理也洞悉。
Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari.
11 除了人內裏的心神外,有誰能知道那人的事呢?同樣,除了天主聖神外,誰也不能明瞭天主的事。
Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari.
12 我們所領受的,不是這世界的精神,而是出於天主的聖神,為使我們能明瞭天主所賜與我們的一切。
Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena.
13 為此,我們宣講,並不用人的智慧所教的言詞,而是用聖神所教的言詞,給屬神的人講論屬神的事。
Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya.
14 然而屬血氣的人,不能領受天主聖神的事,因為為他是愚妄;他也不能領悟,因為這些事只有藉聖神才可審斷。
Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya.
15 惟有屬神的人能審斷一切,但他卻不為任何人所審斷。
Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu:
16 經上說:『誰知道上主的心意,去指教祂呢?』可是我們有基督的心意。
“Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.

< 哥林多前書 2 >