< 启示录 8 >
1 当羔羊打开第七封印时,天堂里有大约半个小时的沉默。。
Zvino wakati azarura mucherechedzo wechinomwe, kwakavapo kunyarara kudenga kwakaita sehafu yeawa.
2 我看见站在上帝面前的七位天使,被赐予七枝号角。
Zvino ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari, kukapiwawo kwavari hwamanda nomwe.
3 另一位天使来到,站在祭坛前,手拿金香炉。他被赐予许多香,加入所有圣徒的祈祷之中,放在宝座前的金坛上。
Zvino umwe mutumwa wakauya akamira paaritari, ane mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe; kukapiwa kwaari zvinonhuhwira zvizhinji, kuti azvipe neminyengetero yevatsvene vese pamusoro pearitari yegoridhe yakange iri pamberi pechigaro cheushe.
4 香散发的烟和众圣徒的祈祷,从天使手中一同升到上帝面前。
Zvino utsi hwezvinonhuhwira hwakakwira neminyengetero yevatsvene huchibva muruoko rwemutumwa pamberi paMwari.
5 天使拿着香炉,用圣坛上的火把其填满,然后扔到大地;于是就有惊雷、闪电和可怕的地震。
Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, ndokuuzadza nemoto wearitari, ndokuukanda panyika; zvino kwakavapo manzwi nekutinhira nemheni nekudengenyeka kwenyika.
Zvino vatumwa vanomwe vakange vane hwamanda nomwe vakazvigadzirira kuti varidze.
7 第一位天使吹响他的号角,就有冰雹和混杂着血的火,投向大地。三分之一的大地被烧尽,三分之一的树被烧毁,所有的青草都被烧毁。
Zvino mutumwa wekutanga wakaridza, ndokuvapo chimvuramabwe nemoto zvakavhenganiswa neropa, ndokukandwa panyika; nechetatu chemiti chakapiswa, neuswa unyoro hwese hwakapiswa.
8 第二位天使也吹响号角,一座仿佛燃烧的大山被扔进大海,三分之一的海变成血。
Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, zvino chimwe segomo guru rinopfuta nemoto chikakandwa mugungwa; chetatu chegungwa ndokuva ropa;
ndokufa chetatu chezvisikwa zviri mugungwa zvine upenyu, nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.
10 第三位天使吹响号角,一颗燃烧的巨大星辰从天上落下来,落入三分之一的江河和水的泉源之中。
Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, kukawa kubva kudenga nyeredzi huru, ichipfuta semwenje, ndokuwira pamusoro pechetatu chenzizi, nepamusoro pezvitubu zvemvura.
11 这星名叫“苦堇。”三分之一的水变苦,因水变苦,许多人因为这水而被毒死。
Zvino zita renyeredzi rainzi Gavakava; chetatu chemvura ndokuva gavakava, nevanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakange yavaviswa.
12 第四位天使吹响号角,三分之一太阳、三分之一月亮、三分之一星辰都遭受到打击,于是三分之一的日月星都变黑,三分之一的白昼没有了光,夜晚也是如此。
Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva ndokurohwa nechetatu chemwedzi nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chemasikati chirege kuvhenekera, neusiku saizvozvo.
13 我看着,听见一只在天空中飞翔的鹰,大声说:“灾难!灾难!住在地上的人将迎来灾难!因为还有三位天使将要吹其他的号角。”
Zvino ndakatarira, ndokunzwa mutumwa umwe achibhururuka ari pakati pedenga achiti nenzwi guru: Mune nhamo, mune nhamo, mune nhamo vagari vepanyika, pamanzwi asara ehwamanda yevatumwa vatatu vachazoridza!