< 希伯来书 10 >
1 律法只是即将到来之美好的影子,并非实物本身, 所以永远无法通过年复一年的反复献祭,让那些敬拜上帝之人实现正直良善。
Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungagoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.
2 如果敬拜的人一次得洁净,良心就不再觉得有罪,那么,献祭的事不是早就停止了吗?
Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?
Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,
nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
5 所以,基督到世上来的时候,会说:“祭品和礼物不是你所要的,你为我准备好身体。
Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati: “Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira;
zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo.
7 那时我说:‘上帝!看啊,我来做你让我做的事情,就像经书上记载的那些关于我的事。’”
Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’”
8 之前说道:“祭品和礼物,燔祭和赎罪祭,都不是你想要的,不会让你喜悦。”(尽管它们都是按照律法要求献祭的)。
Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).”
9 然后他又说:“看哪!我来了,是要做你想做的事情。”他废除了第一个约定,建立第二个。
Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.
10 我们通过这约定,借着耶稣基督一次献上他的身体,就已获得神圣。
Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.
11 所有祭司天天事奉,反复献上同样的祭品,那些祭品永远不能清除罪。
Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.
12 唯有这个祭司,进行一次永远有效的赎罪献祭,然后就在上帝的右边坐下来。
Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.
13 现在,他只需等待他的敌人被征服,让他们成为他的脚凳。
Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,
14 因为他的一次献祭,就让那些圣洁之人永远成为正直良善。
nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.
Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:
16 “主说:‘今后,我与他们所立的约是这样的:要把我的律法放在他们的心里面,写在他们的心上。’”他又说:
“Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
Ipapo anotizve: “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handizozvirangarirezve.”
Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.
19 所以,兄弟姐妹们,凭着耶稣的血,我们可以自信地进入至圣所。
Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu,
20 他通过其生死给我们开辟一条全新的、永生的道路,穿越帐幔来到上帝面前。
nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,
uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari,
22 我们良心的邪恶既然被洒净,身体也用清水洗净了,那么,我们就应该怀着真诚的心和完备的信,走近上帝;
ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena.
23 因此,让我们紧紧抓住对别人讲述的希望,不要犹豫,因为上帝的承诺值得信赖。
Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.
25 我们不可放弃聚会,好像有些人的习惯一样;要互相劝勉。你们既然知道那日子临近,就更应该这样。
Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.
26 如果我们领受了真理的知识,还是故意犯罪,就再没有留下赎罪的祭品了;
Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi,
27 剩下的只有恐惧,等待即将到来的审判,以及毁灭敌视上帝之人的可怕火焰。
asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.
28 如果有人违背摩西的律法,凭着两三个证人,他仍然得不到怜悯,需要去死;
Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu.
29 何况是践踏上帝之子,无视那让他圣洁的立约之血,把它当作俗物,滥用恩典之灵,你们想想,他会遭受怎样的惩罚?
Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?
30 我们知道上帝他说过:“我要确保正义得到伸张;我会给人们其应得的东西。”他还说:“主必审判他的子民。”
Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.”
Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
32 回想从前的日子,那时,你们理解了真理后,忍受了许多痛苦;
Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika.
33 有时会被侮辱和攻击, 又要与那些受苦的人团结地站在一起。
Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo.
34 你们同情那些遭监禁的人;你们的家业被抢夺的时候,又以欢喜的心接受,因为知道自己有更美长存的家业。
Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara.
35 所以,你们不可丢弃坦然无惧的心,这样的心必有丰厚赏赐。
Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.
36 你们还需要忍耐,好让你完成上帝的旨意,可以领受承诺的一切。
Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa.
37 “还有一点点的时候,他会来,正如他所说的,不会迟延。
Nokuti kanguva kaduku duku kasara, “Iye anouya, achauya, asinganonoki.
38 那些做正确之事的人,会因信上帝而活着;如果他们背弃承诺,他们不会让我感到满意。”
Asi akarurama wangu achararama nokutenda. Uye kana akadzokera shure, handizofadzwi naye.”
39 但我们不是那种退缩并最终迷失的人, 而是那些相信上帝会拯救我们的人。
Asi isu hatisi ivo vokudzokera shure, vanoparadzwa, asi tiri vokutenda vanoponeswa.