< 帖撒罗尼迦后书 3 >

1 最后,兄弟姐妹们,请为我们祷告,让主之道可以传开并被人们真正地接受,就像你们所做的那样。
Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvakaitika nekwamuri,
2 祈祷我们可以摆脱那些不道德的邪恶之人,因为不是所有人都信上帝。
uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasingafungi nevakaipa; nokuti rutendo harwusi rwevese.
3 但主值得信赖,他将让你们更有力量,保护你们脱离邪恶之人。
Asi Ishe wakatendeka, achakusimbisai nekukuchengetai kubva kune wakaipa.
4 以主为名,我们深信你们现在和未来,都会继续按照我们所说的做,
Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoitawo zvinhu zvatinokurairai uye muchazviita.
5 愿主引导你们,更深刻地理解上帝对你们的爱以及基督的忍耐。
Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu.
6 兄弟姐妹们,我们以主耶稣基督之名想要告诉你们,如果哪个信徒游手好闲,不按照我们所进行的教导行事,就应当远离他。
Zvino tinokurairai, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira, uye kwete zvinoenderana netsika yamakagamuchira kwatiri.
7 你们当然知道应当以我们为榜样,因为我们与你们在一起时,我们没有游手好闲,
Nokuti imwi momene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nokuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu,
8 没有不付钱就吃其他人的食物。相反,我们辛苦劳碌,昼夜工作,免得加重你们任何一人的负担。
uye hatina kudya chingwa chemunhu pachena, asi pakushingaira nekutambudzika nekushanda siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu;
9 这不是因为我们没有权利,而是要给你们作榜样,好让你们照着做。
kwete nokuti hatina kodzero, asi kuti tizvipe kwamuri semuenzaniso wekutitevera.
10 我们与你们在一起的时候,曾经给出严格的指示,如果有人不肯工作,就不可吃饭。
Nokuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.
11 但现在我们听说,你们中有人游手好闲,从不工作,却专管闲事。
Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vanofamba-famba zvisakafanira, vasingatongobati, asi vachiita zvisina maturo.
12 通过主耶稣基督,我们劝告这样的人要安静工作,自食其力。
Zvino vakadaro tinoraira nekukurudzira naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye kudya kwavo pachavo.
13 兄弟姐妹们,不要放弃行善。
Asi imwi, hama, musaneta kuita zvakanaka.
14 如果有人不听从我们这封信上的教导,要把那个人记下来,不可与他来往,让他自己觉得惭愧。
Asi kana umwe asingateereri shoko redu netsamba, mutarisise uyo, uye musafambidzana naye, kuti anyare;
15 但不要把他看作仇敌,要像劝兄弟姐妹一样劝他。
uye musamutora semuvengi, asi mumuraire sehama.
16 愿赐平安的随时赐予你们平安。愿主与你们众人同在。
Zvino Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzese nemitoo yese. Ishe ngaave nemwi mese.
17 这是我保罗亲手写下的信函,向你们问候。这是我所写信函的标志。
Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro, ndiwo mucherechedzo patsamba imwe neimwe; ndinonyora saizvozvo.
18 愿我们主耶稣基督的恩典与你们众人同在。
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.

< 帖撒罗尼迦后书 3 >