< 哥林多前书 16 >

1 让我们来说说“为信徒捐赠”的事情。我之前怎么嘱咐加拉太的众教会,现在就怎么嘱咐你们。
Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo.
2 在每星期的第一天,你们所有人都要将自己赚的钱留下一部分。我不希望当我去见你们时,你们还要临时筹措。
Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.
3 当我抵达那里之后,会为你们选中的人写推荐信,让他们把你们的捐款送到耶路撒冷。
Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema.
4 如果我也应该去,他们就可以与我同去。
Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.
5 我此行将路过马其顿,之后就会去拜访你们,这条路刚好经过马其顿。
Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia;
6 我也许会和你们同住一段时间,甚至会在那里过冬。之后你们就可以送我走,我将去往该去的地方。
uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda.
7 这一次我造访你们,打算多停留一段时间。如果主允许,我希望能多点时间和你们在一起。
Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera.
8 我将在以弗所住到五旬节,
Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita.
9 因为那里虽然仍有很多人反对我,但也有大量的机会之门向我敞开。
Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye unesimba; nevanopikisa vazhinji varipo.
10 如果提摩太抵达这里,务必不要让他因为与你们在一起而感到害怕,因为他和我一样都服务于主。
Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo.
11 不要让任何人低看他,要高高兴兴地送他走,让他可以到我这里来,我和这里的兄弟姐妹们都在等他到来。
Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama.
12 至于亚波罗兄弟,我曾再三劝他和其他信徒一起去见你们,但他目前还不是很愿意这么做。待等到机会后,他便会去造访你们。
Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira.
13 请保持警惕,要立场坚定地相信上帝。要勇敢,要坚强。
Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe.
14 你们所做的一切都出自于爱。
Zvinhu zvenyu zvese ngazviitwe nerudo.
15 知道吗?司提芬一家人是亚该亚第一批改变信仰的信徒之一,将自己奉献于帮助上帝的子民。我的兄弟姐妹们,劝你们
Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;
16 要尊重他们的引领,尊重在这份工作中以这种奉献精神提供帮助的所有人。
kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira.
17 很高兴司提芬、福徒拿都和亚该古都到这里来了,因为他们能够弥补你们的不足,
Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.
18 他们让我备受鼓舞,你们也应该和我有同感。
Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro.
19 亚西亚的众教会问候你们。亚居拉和百基拉、以及他们家中与主同在的教会,也送去了他们最美好的祝愿。
Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.
20 这里所有的兄弟姐妹们都送去问候。以最热情的方式问候彼此。
Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
21 撰写这封信的我、也就是保罗,也在此送去问候。
Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro.
22 不爱主之人应从教会中驱逐。主啊,请降临吧!
Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe!
23 愿主耶稣基督的恩典与你们同在。
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi.
24 我以基督耶稣之名爱你们所有人。阿门。
Rudo rwangu ngaruve nemwi mese muna Kristu Jesu. Ameni.

< 哥林多前书 16 >