< 1 Setouknae 9 >

1 Hahoi teh, Isarelnaw pueng imthung lahoi separuinae teh, Isarel siangpahrangnaw cauk dawkvah a thut awh. Hateiteh, Judah teh yuemkamcu lah ao hoeh dawkvah, Babilon vah san lah a hrawi awh.
VaIsraeri vose vakanyorwa munhoroondo dzakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri. VaJudha vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi nokuda kwokusatendeka kwavo.
2 A coe awh e khonaw dawk hmaloe kaawm e naw teh Isarelnaw, vaihmanaw, Levihnaw, Nethinimnaw doeh.
Zvino vakatanga kugara panyika yavo mumaguta avo vaiva vamwe vaIsraeri, vaprista, vaRevhi navaranda vomutemberi.
3 Jerusalem vah Judah casak, Benjamin casak, Ephraim hoi Manasseh casak naw hai kho a sak awh.
Avo vaibva kuJudha, nevaibva kwaBhenjamini nevaibva kwaEfuremu naManase vaigara muJerusarema vaiva:
4 Judah capa Perez casak Bani, Benjamin capa Imri, Imri capa Omri, Omri capa Ammihud, Ammihud capa Uthai.
Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmuri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, chizvarwa chaPerezi mwanakomana waJudha.
5 Shiloh e a camin Asaiah hoi ahnie casaknaw,
VaShiro: Asaya uyo aiva dangwe navanakomana vake.
6 Zerah casak Jeuel hoi a hmaunawngha 690 touh a pha awh.
VaZerahi: Jeueri. Vanhu vaibva kuJudha vaiva mazana matanhatu namakumi mapfumbamwe.
7 Benjamin casak Hassenuah capa Hodaviah, Hodaviah capa Meshullam, Meshullam capa Salu.
VaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua;
8 Jeroham capa Ibneiah, Uzzi capa Elah, Mikhri capa Uzzi, Shephatiah capa Meshullam, Reuel capa Sephatiah, Ibnijah capa Reuel.
Ibhineya mwanakomana waJerohamu; Era mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri; naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya.
9 Ahnimanaw teh a hmaunawnghanaw 956 a pha awh. Hetnaw pueng teh, miphun dawkvah imthung kahrawikungnaw doeh.
Vanhu vorudzi rwaBhenjamini sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo, vaisvika mazana mapfumbamwe namakumi mashanu navatanhatu. Varume ava vose vakanga vari vakuru vemhuri.
10 Vaihmanaw teh Jedaiah, Jehoiarib hoi Jakhin.
Vaprista: Jedhaya, naJehoyaribhi naJakini;
11 Cathut im dawk kahrawikung lah kaawm awh e Ahitub capa Meraioth, Meraioth capa Zadok, Zadok capa Meshullam, Meshullam capa Hilkiah, Hilkiah capa Azariah.
Azaria mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati mukuru muimba yaMwari.
12 Jeroham capa Adaiah, Pashhur capa Jeroham, Malkhijah capa Pashhur, Adiel capa Maasai, Jahzerah capa Adiel, Meshullam capa Jahzerah, Meshillemith capa Meshullam, Immer capa Meshillemith.
Adhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikia; naMaasai mwanakomana waAdhieri, mwanakomana waJahazera, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waMeshiremiti, mwanakomana waIma.
13 Ahnimouh a hmaunawnghanaw hai a napanaw e imthung dawk a lû lah kaawmnaw doeh. Hotnaw teh Cathut im dawk thaw ka tawk thai awh e lah ao awh teh, tami 1760 touh a pha awh.
Vaprista, vaiva vakuru vemhuri, vaisvika chiuru namazana manomwe namakumi matanhatu. Vose vaiva varume vaikwanisa uye vaibata basa rokushumira muimba yaMwari.
14 Levih, Merari casaknaw teh Hasshub capa Shemaiah, Azrikam capa Hasshub, Hashabiah capa Azrikam.
VaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, muMerari;
15 Bakbakkar Heresh hoi Galal, Mikha capa Mattaniah, Zikhri capa Mikha, Asaph capa Zikhri.
Bhakibhaka, Hereshi, Garari naMatania mwanakomana waMika, mwanakomana waZikiri, mwanakomana waAsafi;
16 Shemaiah capa Obadiah, Galal capa Shemaiah, Jeduthun capa Galal, Asa capa Berekhiah, Elkanah capa Asa teh Netophah kho dawk kho a sak awh.
Obhadhia mwanakomana waShemaya, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni; naBherekia mwanakomana waAsa, mwanakomana waErikana, vaigara mumisha yavaNetofati.
17 Longkha karingkungnaw teh Shallum, Akkub, Talmon hoi Ahiman. Shallum teh lû lah ao.
Vatariri vamasuo: Sharumi, Akubhi, Tarimoni, Ahimani navanunʼuna vavo, Sharumi ari mukuru wavo,
18 Ahni teh ha hoehnahlan vah, atunglah kaawm e lah ao. Ahnimouh teh Levih e catounnaw roenae hmuen longkha karingkungnaw lah ao awh.
vakaiswa paSuo raMambo kumabvazuva, kusvikira nanhasi. Ava ndivo vaiva vatariri vamasuo, okumusasa wavaRevhi.
19 Kore capa Shallum, Ebiasaph capa Kore, Korah capa Ebiasaph hoi a hmaunawnghanaw. Mintoenaw e BAWIPA im dawk thaw katawknaw, kâennae longkha karingkungnaw lah ao awh.
Sharumi mwanakomana waKore mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora navamwe vatariri vamasuo vokumhuri yake, vaKora, vaiva nebasa rokuchengetedza mikova yeTende sezvaingoitwa namadzibaba avo vakanga vane basa rokurinda suo rokupinda kuugaro hwaJehovha.
20 Eleazar capa Phinehas teh BAWIPA ni a okhai teh kahrawikung lah ao.
Panguva dzapakutanga Finehasi mwanakomana waEreazari ndiye aiva mukuru wavatariri vamasuo, uye Jehovha aiva naye.
21 Meshelemiah capa Zekhariah teh kamkhuengnae lukkareiim takhang ka ring e lah ao.
Zekaria mwanakomana waMesheremia aiva mutariri wesuo pamukova weTende Rokusangana.
22 Longkha ka ring hanelah a rawi e naw teh, 212 touh a pha awh. Devit hoi Samuel ni a tawk awh hane a pouk e naw teh, mae kho lengkaleng a tâconae patetlah separuinae dawk thut e lah ao.
Vose pamwe chete vakanga vasarudzwa kuti vave vatariri vamasuo pamikova vaisvika mazana maviri negumi navaviri. Vakanga vakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa dzemisha yavo. Vatariri vamasuo vakapiwa mabasa avo nenzvimbo dzavo naDhavhidhi naSamueri muoni.
23 Hettelah amamouh hoi a catounnaw haiyah BAWIPA e lukkareiim longkha ka ring hanelah ao awh.
Ivo nezvizvarwa zvavo vaiva nebasa rokurinda masuo eimba yaJehovha, imba yainzi Tende.
24 Kanîtho, kanîloum, atunglah, akalah, petkâtue lah longkha karingkungnaw thaw poe lah ao.
Vatariri vamasuo vaiva kumativi mana, kumabvazuva, kumavirira, kumusoro nezasi.
25 Khote lae a hmaunawnghanaw teh hnin sari touh thung hanelah hnin touh hoi hnin touh, a kâhlai awh vaiteh, meng a tho awh hane doeh.
Vanunʼuna vavo mumisha yavo vaiuya nguva nenguva vachizogoverana mabasa avo vachiita madzoro amazuva manomwe.
26 Bangkongtetpawiteh, longkha karingkungnaw pali touh teh Levihnaw doeh. Cathut e im dawk a hruek awh e hnopai karingkung lah ao awh.
Asi vakuru vana pakati pavatariri vamasuo, vaiva vaRevhi, vakapiwa basa rokuchengetedza makamuri namatura epfuma muimba yaMwari.
27 Hottelah amom tangkuem longkha paawng e hah thaw poe e lah ao dawkvah, Cathut e im petkâkalup lah a roe awh.
Vaipedza usiku hwose vari panzvimbo dzavo vakapoteredza imba yaMwari, nokuti vaifanira kuichengetedza; uye vaiva nebasa rokuizarura mangwanani oga oga.
28 Tangawn ni thaw tawknae puengcangnaw a ring awh, a kuem awh, a la awh, ouk a touk awh.
Vamwe vavo vaiva nebasa rokuchengetedza midziyo yaishandiswa muTemberi; vaiiverenga ichibuda voiverengazve yodzorerwa.
29 Tangawn teh hnopai hmuen kathoung dawk e puengcangnaw hah, tavai, misur, satui, hmuitui a kuemyawt awh teh a ring awh.
Vamwe vakapiwa basa rokuti vachengetedze nhumbi nemimwe midziyo yose yapanzvimbo tsvene pamwe chete noupfu hwakatsetseka newaini, namafuta, nezvinonhuhwira nemiti inonhuhwira.
30 Vaihma capa tangawn ni hmuitui hah ouk a sak awh.
Asi vamwe vavaprista vaiitawo basa rokusanganisa miti inonhuhwira.
31 Korah tami Shallum e capa kacuepounge Levih tami Mattithiah teh vaiyei karê thaw a tawk.
MuRevhi ainzi Matitia, dangwe raSharumi muKora, akagadzwa basa rokubika chingwa chechipiriso.
32 Kohath capanaw thung dawk hoi a hmaunawngha tangawn teh Sabbath hnintangkuem hanelah, vaiyei ka rakueng e lah ao.
Vamwe vehama dzavo vaKohati vakapiwa basa rokubika chingwa chaizoiswa patafura pamaSabata ose.
33 Hetnaw heh la ka sak e Levihnaw a na pa imthung kahrawikung, bawkim rakhan karingnaw, lah ao awh teh, alouke thaw kâbet awh hoeh. Bangkongtetpawiteh, karum khodai thaw katawknaw lah ao awh.
Avo vaiva vaimbi, vakuru vemhuri dzavaRevhi, vaigara mumakamuri omuTemberi uye vaisaita mamwe mabasa ose nokuti vaifanira kuita basa iri masikati nousiku.
34 Levih imthung kacuenaw teh, amamae se dawk kacue e lah Jerusalem vah pou ao awh.
Ava vose vaiva vakuru vemhuri dzavaRevhi, vakuru sezvavakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa kwavo. Uye vaigara muJerusarema.
35 Gibeon na pa Jeiel, Jeiel teh Gibeon vah kho a sak teh, a yu min teh Maakah doeh.
Jeyeri baba vaGibheoni aigara muGibheoni. Mukadzi wake ainzi Maaka,
36 A camin teh Abdon doeh. Hahoi Zur, Kish, Baal, Ner hoi Nadab.
uye dangwe rake raivawo Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,
37 Gedor, Ahio, Zekhariah hoi Mikloth naw a sak.
Gedhori, Ahio, Zekaria naMikiroti.
38 Mikloth ni Shimeah a sak. Ahni hai Jerusalem vah a hmaunawnghanaw koe ao.
Mikiroti aiva baba vaShimeamu. Ivowo vaigara pedyo nehama dzavo muJerusarema.
39 Ner ni Kish a sak, Kish ni Sawl a sak, Sawl ni Jonathan, Malkhishua, Abinadab hoi Eshbaal a sak.
Neri aiva baba vaKishi, Kishi ari baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abhinadhabhi naEshi-Bhaari.
40 Jonathan casak Meribbaal doeh, Meribbaal ni Maikah a sak.
Mwanakomana waJonatani ainzi Meribhi-Bhaari uye aiva baba vaMika.
41 Maikah casak teh Pithon, Melek hoi Tahrea.
Vanakomana vaMika vaiva Pitoni: Mereki, Tahirea naAhazi.
42 Ahaz ni Jarah a sak, Jarah ni Alemeth, Azmaveth hoi Zimri a sak. Zimri ni Moza a sak.
Ahazi aiva baba vaJadha, Jadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri, uye Zimiri aiva baba vaMoza.
43 Moza ni Binea a sak teh Binea capa Rephaiah, Rephaiah capa Eleasah, Eleasah capa Azel.
Moza aiva baba vaBhinea; Refaya aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.
44 Azel teh capa taruk touh a tawn. A minnaw teh: Azrikam, Bokeru, Ishmael, Sheariah, Obadiah hoi Hanan doeh. Hetnaw teh Azel capanaw doeh.
Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo: Azirikami, Bhokeru, Ishumaeri, Sheariya, Obhadhia naHanani. Ava ndivo vaiva vana vaAzeri.

< 1 Setouknae 9 >