< 1 Setouknae 5 >
1 Isarel e camin teh Reuben e capanaw katang doeh. Hateiteh, a na pa e ikhun a khin sak dawkvah, camin lah a onae hah Isarel e capa Joseph e capanaw koe poe e lah ao. Hatdawkvah, setouknae dawk camin lah a onae hah pakhum e lah awm hoeh.
Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri. (Ndiye aiva dangwe, asi paakasvibisa nhoo yewaniso yababa vake, kodzero dzoudangwe hwake dzakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; saka haana kuzoverengerwawo munhoroondo dzamadzitateguru ake maererano nekodzero yokuberekwa kwake.
2 Judah teh a hmaunawnghanaw hlak a tha a sai teh, ahni dawk hoi kaukkung a tâco. Camin lah a onae teh Joseph ni a coe.
Uye kunyange zvazvo Judha aiva akasimba kwazvo kupfuura vana vababa vake vose, uye kunyange zvazvo mutongi akazobuda maari, kodzero youdangwe yaiva yaJosefa.)
3 Isarel camin Reuben e casaknaw teh Hanok, Pallu, Hezron hoi Karmi.
Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKarimi.
4 Joel casak teh, a capa Shemaiah, Shemaiah capa Gog, Gog capa Shimei.
Zvizvarwa zvaJoere zvaiva: Shemaya mwanakomana wake, Gogi mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake,
5 Shimei capa Maikah, Mikah capa Reaiah, Reaiah capa Baal.
Mika mwanakomana wake, Reaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake.
6 Baal capa Beerah. Ahni teh Reuben e khobawi lah ao eiteh, Assyria siangpahrang Tiglathpileser ni san lah a hrawi.
Uye naBheera mwanakomana wake uyo akatorwa akaiswa muutapwa naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Bheera akanga ari mutungamiri wavaRubheni.
7 Amae a nawngha Jeiel hoi Zekhariah, ahnimouh roi teh ca catoun separuinae pakhumnae dawkvah, imthungnaw kahrawikung lah ao.
Hama dzavo nedzimba dzavo dzakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo dzaiva: Jeyeri aiva Ishe, naZekaria uye
8 Azaz capa Bela, Shema capa Azaz, Joel capa Shema ni Aroer hoi Nebo Baalmeon totouh kho a sak.
Bhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoere. Vakagara munzvimbo yaibva kuAroeri kusvikira kuNebho neBhaari Meoni.
9 Kanîtholah Euphrates palang hoi kahrawng thung kâennae totouh, a coe awh. Bangkongtetpawiteh, Gilead ram dawk saringnaw hah a pungdaw toe.
Kumabvazuva vakatora nyika kusvikira pamuganhu wegwenga rinosvika kuRwizi Yufuratesi nokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda muGireadhi.
10 Sawl se navah Hagri miphunnaw hoi a kâtuk awh teh, Gilead kanîtholah totouh, rimnaw dawk kho a sak awh.
Panguva yokutonga kwaSauro vakarwa navaHagiri vakavakunda vakagara mumatende avaHagiri mudunhu rose rokumabvazuva eGireadhi.
11 Gad e casaknaw teh avangvanglah Bashan ram dawk Salkah totouh ao awh.
VaGadhi vakanga vakavakidzana navo muBhashani kusvikira kuSareka:
12 Bashan vah a lû lah Joel, apâhni lah Shapham, Janai hoi Shaphat tinaw doeh.
Joere ndiye aiva ishe, Shafami ari wechipiri, kuchizotevera Janai naShafati, muBhashani.
13 A na pa imthung hoi a hmaunawnghanaw Michael, Meshullam, Sheba, Jorai, Jakhan, Zia, Eber hoi sari touh a pha awh.
Hama dzavo, tichiverenga mhuri dzavo, dzaiva: Mikaeri, Meshurami, Shebha, Jorai, Jakani, Zia naEbheri, vanomwe pamwe chete.
14 Hetnaw teh Huri capa Abihail e capanaw doeh. Ahni teh Jaorah capa doeh. Gilead capa, Michael capa, Jeshishai capa, Jahdo capa, Buz capa lah ao.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJarowa, mwanakomana Gireadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi.
15 Guni capa, Abdiel capa, Ahni teh imthung kahrawikung lah ao.
Ahi mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, ndiye aiva mukuru wemhuri yavo.
16 Hatdawkvah, Gilead hoi Bashan khotenaw tengpam e ram pueng khori totouh kho a sak awh.
VaGadhi vaigara muGireadhi, muBhashani nomumisha yaro yakaripoteredza, uye nomumafuro ose eSharoni kusvikira kwaanogumira.
17 Hote hnonaw pueng teh, Judah siangpahrang Jotham e se hoi Isarel siangpahrang Jeroboam e se teh setouknae dawk thut lah ao toe.
Iva vose vakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo munguva yokutonga kwaJotamu mambo weJudha naJerobhoamu mambo weIsraeri.
18 Reuben casak, Gad casak, hoi Manasseh miphun tangawn dawk hoi tarankahawinaw, bahling, tahloi ka patuem thai e naw, likathoumnaw, taran ka tuk thai e naw 44, 760 touh a pha awh.
VaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vaiva navarume zviuru makumi mana nezvina namazana manomwe namakumi matanhatu vakanga vakagadzirira kundorwa, varume vakasimba vaigona kushandisa nhoo nomunondo, uye vaigona kushandisa uta, uye vakanga vakadzidziswa kurwa.
19 Hatnavah, Hagri, Jetur, Naphish hoi Nodabnaw hoi a kâtuk awh.
Vakarwa navaHagiri, vaJeturi, vaNafishi navaNodhabhi.
20 Kâtuk nahaiyah Cathut koe a hram awh teh, ama a kâuep awh dawkvah, ahnimouh teh a kabawp awh. Hatdawkvah, Hagrinaw hoi ahnimouh koe kaawm e abuemlah a kut dawk hoi a rungngang awh.
Vakabatsirwa pakurwa navo, uye Mwari akaisa vaHagiri, navose vaiva kurutivi rwavo, mumaoko avo, nokuti vakanga vachema kwaari vari pakurwa. Akapindura minyengetero yavo nokuti vakavimba naye.
21 Saringnaw a man pouh awh teh, kalauk 50000, tu 250000, hoi la 2000 hoi tami 100000 a la awh.
Vakapamba zvipfuwo zvavaHagiri zvaiti: zviuru makumi mashanu zvengamera, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu zvamakwai nezviuru zviviri zvembongoro. Vakatapawo zviuru zana zvavanhu,
22 Tarantuknae teh Cathut e lah ao dawkvah, tami moikapap a due awh. San toung totouh a onae hmuen koe ao awh.
uye vamwe vazhinji vakaurayiwa nokuti kurwa uku kwaiva kwaMwari. Uye vakagara munyika iyoyi kusvikira pakutapwa.
23 Manasseh miphun tangawn teh, haw e ram dawk kho a sak awh. Bashan hoi Baalhermon hoi Senir hoi Hermon mon totouh tami teh a pungdaw awh.
Vanhu vehafu yorudzi rwaManase vaiva vazhinji kwazvo vakagara munyika yaibva kuBhashani ichisvika kuBhari Hemoni ndiko kuSeniri (Gomo reHemoni).
24 Hetnaw heh a imthungnaw kahrawikung lah a o: Epher, Ishi, Eliel, Azriel, Jeremiah, Hodaviah, Jahdiel. Ahnimanaw teh tami a thakaawme, min kamthang e, imthung kahrawikung lah ao awh.
Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavo: Eferi, Ishi, Erieri, Azireri, Jeremia, Hodhavhia naJadhieri. Ava vaiva varwi vakashinga, varume vembiri uye vari vakuru vedzimba dzavo.
25 Mintoenaw e Cathut koe yuemkamcu awh hoeh dawkvah, ahnimae hmaitung Cathut ni a raphoe teh, hote ram dawk e cathutnaw koe a kâyo awh.
Asi vakanga vasina kutendeka kuna Mwari wamadzibaba avo, vakaita ufeve hwokunamata vamwari vavanhu venyika iyi avo vakanga vaparadzwa naMwari pamberi pavo.
26 Hottelah Isarel Cathut ni Assiria siangpahrang Pul, Assiria siangpahrang Tiglathpileser e lungthin a tho sak teh, Reuben hoi Gad, Manasseh miphun tangawn hah san lah a man awh teh, Halah, Habor, Hara tinaw hah Gozan palang a ceikhai awh teh atu totouh ao awh.
Saka Mwari waIsraeri akamutsa mweya waPuri mambo weAsiria iwo mweya waTigirati-Pireseri mambo weAsiria, akatapa vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase. Akavatora akandovaisa kuHarahi, Habhori, Hara nokurwizi Gozani uko kwavari kusvikira zuva ranhasi.