< 1 Setouknae 18 >
1 Hathnukkhu hoi hettelah ao. Devit ni Filistinnaw a tuk teh a tâ. Gath hoi khotenaw hah Filistinnaw e kut dawk hoi a lawp.
Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia akavaisa pasi pake, uye akavatorera Gati nemisha yakaripoteredza kuti ribve pasi poruoko rwavaFiristia.
2 Moabnaw bout a tuk teh, Moabnaw teh Devit e san lah ao awh teh, tamuk ouk a poe awh.
Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu, uye vakava pasi pake, vakamuvigira mutero.
3 Euphrates palang teng e a uknae caksak hanelah, a cei nah Devit ni Zobah siangpahrang Hadadezer hai Hamath totouh a tâ.
Pamusoro pezvo Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri mambo weZobha kusvikira kuHamati, paakaenda kundosimbisa kutonga kwake achitevedza Rwizi Yufuratesi.
4 Devit ni rangleng 1, 000 hoi marangransanaw 7, 000, hoi ransa 20, 000 hah ahni koe e la a poe. Devit ni leng la sawn e marangnaw pueng hah be a raphoe pouh teh leng ka sawn e 100 touh dueng a pâhlung pouh.
Dhavhidhi akapamba chiuru chengoro dzake, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vetsoka zviuru makumi maviri. Akadimbura marunda amakumbo amabhiza ose kusara kwezana ramabhiza engoro.
5 Damaskas, Assirianaw hah Zobah siangpahrang Hadadezer ka bawm hanelah a tho awh navah, Devit ni Sirianaw 22, 000 a thei.
VaAramu veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri zvavo.
6 Hatdawkvah, Devit ni Siria ram Damaskas khovah, ransanaw a ta. Sirianaw ni hai Devit tamuk ka poe e lah ao awh. BAWIPA ni Devit teh a cei na tangkuem koe tânae a poe.
Akaisa mapoka avarwi vake muumambo hwavaAramu veDhamasiko, uye vaAramu vakava pasi pake uye vakamuvigira mutero. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda.
7 Devit ni Hadadezernaw e sui saipheinaw a la pouh teh, Jerusalem vah a ceikhai.
Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzaiva dzakatakurwa navatungamiri vehondo yaHadhadhezeri akaenda nadzo kuJerusarema.
8 Hadadezer khopui dawk e Tibhath kho hoi Kun kho dawk hoi, rahum moikapap a thokhai. Hote rahum hoi Solomon ni rahum tuiim, rahum khom, rahum puengcang aphunphun lah a sak.
Kubva kuTebha nokuKuni, maguta aHadhadhezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji, yakazoshandiswa naSoromoni kugadzira gungwa rendarira, nembiru uye nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana zvakazogadzirwa nendarira.
9 Hamath siangpahrang Toi ni Zobah siangpahrang, Hadadezer, ransanaw pueng Devit ni a tâ tie hah a thai awh torei teh,
Tou mambo weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri mambo weZobha,
10 Hadadezer hah a tuk teh a tâ dawkvah, kut man hanelah lunghawikhai hanelah, a capa Hadoram teh Devit koe a patoun. Bangkongtetpawiteh, Hadadezer ni Toi hah a tuk. Hahoi suingun rahum, hlaamnaw phunkuep hah a hni koe a patawn.
akatuma mwanakomana wake Hadhoramu akauya nezvinhu zvamarudzi ose zvegoridhe nesirivha nendarira.
11 Hote hnonaw hoi miphunnaw pueng Edom, moab, Ammon, Filistin hoi Amaleknaw koe e sui ngun a la e naw hoi Devit ni BAWIPA koe a pathung.
Mambo Dhavhidhi akakumikidza zvipo izvi kuna Jehovha sezvaakanga aita nesirivha negoridhe, zvaakanga atora kubva kundudzi idzi dzose dzaiti: Edhomu, Moabhu, vaAmoni, vaFiristia neAmareki.
12 Hothloilah, Zeruiah capa Abishai ni Edomnaw 18, 000 touh hah palawi tanghling dawk a thei awh.
Abhishai mwanakomana waZeruya akauraya vaEdhomu zviuru gumi nezvisere muMupata weMunyu.
13 Edom hai ransa a ta teh, Edomnaw pueng teh Devit ni tamuk a cawngnae kho lah ao awh. BAWIPA ni Devit teh a ceinae tangkuem koe tânae a poe.
Akaisa mapoka avarwi muEdhomu uye vaEdhomu vose vakava pasi poutongi hwaDhavhidhi. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda.
14 Hottelah Devit ni Isarelnaw a uk teh, a taminaw dawkvah, kalancalah lawk a ceng.
Dhavhidhi akatonga Israeri achiita zvose zvakarurama uye zvakanaka kuvanhu vake vose.
15 Zeruiah capa Joab teh ransahu ka hrawi e bawi lah ao. Ahilud e capa Jehoshaphat teh kamthang kathutkung lah ao.
Joabhu mwanakomana waZeruya aitungamirira hondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo;
16 Ahilud capa Zadok hoi Abiathar capa Abimelek teh vaihma lah ao awh teh, Shavsha teh cakathutkung lah ao.
Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Shavhisha akanga ari munyori;
17 Jehoiada capa Benaiah teh Kerethnaw hoi Pheletnaw kahrawikung lah ao teh, Devit capanaw teh, siangpahrang thaw dawk kho kakhangkungnaw lah ao awh.
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aitungamirira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva machinda makuru parutivi pamambo.