< 1 Korintuh 6 >
1 Jumeiki mat ja mat nami ngvawk üng, khyang ngcime veia am phapüi u lü, am jumeikiea veia nami phapüi khai aw?
Umwe wenyu anoti ane mhosva neumwe unotsunga kutongwa pamberi pevasakarurama uye pasiri pamberi pevatsvene here?
2 Pamhnama Khyange naw khawmdek ngthumkhyah khaie tia am nami ksingkie aw? Acukba anita khawmdek ngthumkya khaiea naw apimsüm ta am nami cijang thei khai aw?
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, hamuna kufanira kutonga mhosva diki-diki here?
3 Khankhawngsä he pi ngthu jah mkhya pet vai am nami ksingkie aw? Acukba anita tuha kcün saka vekie cun ngthu am nami mkhya khai aw.
Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu huno?
4 Acubang a ve law üng sangcim üngka am kyakiea veia na cehpüi lü ngthu na mkhyahsak khai aw?
Naizvozvo kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu huno, vagadzei avo vanozvidzwa pakereke vatonge.
5 Ngkehkhyakei veng! jumeiki mat ja mata lei mkhya khawh khai akthem matca pi nami ksunga am veki aw?
Ndinotaura kuti munyare. Naizvozvo hakuna munhu wakachenjera pakati penyu here, kana neumwe, angagona kutonga pakati pehama dzake?
6 Acukba am kya lü jumeiki mat naw jumeiki mat cun am jumeikia veia a lei a mkhya pet vaia cehpüiki.
Asi hama inomhan'arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi.
7 Jumeiki mat ja mat nami ngkhyakei hin am nami dawnak mdan ve. Aning jah hmakatsak, aning jah huhei cun am daw bawk khai aw?
Zvino naizvozvo patova nekukundikana kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kutadzirwa pakudaro? Munoregerei kutenda kubiridzirwa pakudaro?
8 Acukba am kya lü nami mät naw mat ja mat hmakatsak lü jumeiki akceea ka pi nami jah huteiki.
Asi imwi munotadza nekubiridzira, uye izvi munozviita kuhama.
9 Am dawki he Pamhnama khyawngpe am pha u ti cun am nami ksingki aw? Nami mät naw nami mät käh mawgsak u; juktuh hjawkhahkie, khyanga khyu vepüikie, hüipawmkie, juktuh hjawkhahkie, kpami ja kpami ngkhyunglakie,
Kana hamuzivi here kuti vasakarurama havazogari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana vakapata paungochani, kana vanorara nevamwe varume,
10 mpyukie, hleikie, ju awki he, khyang ngvawk püikie, hleikie naküt cun Pamhnama khyawngpe am pha u.
kana mbavha, kana vachivi, kana vararadzi, kana vatuki, kana vapambi, vachagara nhaka yeushe hwaMwari.
11 Nangmi avange pi acukba nami vekie; acunsepi, Bawipa Jesuh Khritawa ngming ja Pamhnama Ngmüimkhya üng ngthiei u lü nami ngcimcaih pängkie.
Uye vamwe venyu vakange vari izvozvi; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makanzi makarurama muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu.
12 “Avan ka bi theiki” ti lü mat naw pyen khai, acunsepi, avan bilawh am daw; avan bi vai ka phäha kyaki ti lü ka pyen khai, acunsepi, kei cun acuna mpyaa am kya veng.
Zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira; zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi ini handizotongwi nechinhu.
13 Eiawk cun khawna phäha kya lü, khawn pi eiawka phäha kyaki; acunsepi, Pamhnam naw ani nghngih ja mkhyüh khai. Acunüng pumsa cun hüipawmnak vaia am kya lü Bawipa mhlünmtainak vai kyase pumsa hlüki cun Bawipa naw ja peki.
Kudya ndekwedumbu, nedumbu nderezvekudya; asi Mwari achaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupombwe, asi waIshe, naIshe ndevemuviri.
14 Pamhnam naw Bawipa thihnak üngkhyüh mtho beki, mimi pi a johit am jah mtho be khai.
Uye Mwari wakamutsa Ishewo achatimutsa nesu nesimba rake.
15 Nami pumsae cun Khritawa ngbana kyakie tia nami ksingki. Khritawa mtisa cun lo lü am nghnumi ksea pumsaa ka pawh khai aw? Am kya!
Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro!
16 Nghnumi kse ihpüiki cun pumsa üng nghnumi am mata kyaki ti cun am nami ksingkie aw?” Nghngih cun mata kya khai” ti lü Cangcim naw pyenki.
Kana hamuzivi kuti anobatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nokuti ava vaviri, anoti, vachava nyama imwe.
17 Bawipa üng ngpüilawki cun Ngmüimkhya lam üng Bawipa am mata kya khai.
Asi anobatanidzwa naIshe wava mweya umwe naye.
18 Hüipawmnak cän jeih u. Nghngicima mkhyekatnak hin pumsa kpung da kyaki; hüipawmnaka mkhyekatnak cun mäta pumsa mkhyekatnaka kyaki.
Tizai upombwe. Chivi chese munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi anoita upombwe anotadzira muviri wake amene.
19 Acunüng, nami pumsa cun Pamhnama ning jah pet, Ngmüimkhya ngcima Temple tia am nami ksingki aw? Nami mät naw nami mät am kana u lü Pamhnama a ning jah ka ni;
Kana hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene ari mamuri, wamunaye achibva kuna Mwari, uye imwi hamusi venyu?
20 A phu pe lü ning jah khyäih ni; acunakyase, nami pumsa Pamhnam mhlünmtainak vaia summang ua.
Nokuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu, uye mumweya wenyu, zviri zvaMwari.