< Zekariya 9 >
1 Mawu a Yehova odzudzula dziko la Hadiraki ndi mzinda wa Damasiko pakuti maso a anthu ndiponso mafuko onse a Israeli ali pa Yehova—
Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki uye richagara pamusoro peDhamasiko, nokuti meso avanhu naamarudzi ose eIsraeri ari pana Jehovha,
2 ndiponso mzinda wa Hamati, umene ukuchita malire ndi dzikoli, komanso pa Turo ndi Sidoni, ngakhale kuti iwo ndi anzeru kwambiri.
uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro, uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo.
3 Ndipo Turo anadzimangira linga; wadziwunjikira siliva ngati fumbi, ndi golide ngati zinyalala za mʼmisewu.
Tire yakazvivakira nhare; yakaunganidza sirivha seguruva uye goridhe samarara omumugwagwa.
4 Taonani Ambuye adzamulanda chuma chakecho ndi kuwononga mphamvu zake mʼnyanja, ndipo adzapserera ndi moto.
Asi Ishe achatora upfumi hwayo uye achaparadzira simba rayo pagungwa, uye ichaparadzwa nomoto.
5 Mzinda wa Asikeloni udzaona zimenezi, nʼkuchita mantha; Gaza adzanjenjemera ndi ululu, chimodzimodzinso Ekroni, chifukwa chiyembekezo chake chidzatheratu. Mfumu ya ku Gaza idzaphedwa ndipo Asikeloni adzakhala opanda anthu.
Ashikeroni richazviona, rigotya; Gaza richatambura mukurwadziwa, neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera. Gaza richarasikirwa namambo waro uye Ashikeroni haringavi navanhu.
6 Mu Asidodi mudzakhala mlendo, ndipo ndidzathetsa kunyada kwa Afilisti.
Vatorwa vachagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia.
7 Ndidzachotsa nyama ya magazi mʼkamwa mwawo, chakudya choletsedwa mʼmano mwawo. Amene atsala adzakhala anthu a Mulungu wathu, adzasanduka atsogoleri mu Yuda, ndipo Ekroni adzakhala ngati Ayebusi.
Ndichabvisa ropa pamiromo yavo, kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo. Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu uye vachava vatungamiri muJudha, uye Ekironi achava savaJebhusi.
8 Koma Ine ndidzalondera Nyumba yanga ndi kuyiteteza kwa ankhondo osakaza. Palibenso mdani amene adzagonjetse anthu anga, pakuti tsopano ndikuwayangʼanira.
Asi ndichadzivirira imba yangu pavarwi vanoirwisa. Hapachazovazve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu, nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira.
9 Sangalala kwambiri, iwe mwana wamkazi wa Ziyoni! Fuwula, mwana wamkazi wa Yerusalemu! Taona, mfumu yako ikubwera kwa iwe, yolungama ndi yogonjetsa adani, yodzichepetsa ndi yokwera pa bulu, pa mwana wamphongo wa bulu.
Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni! Danidzira, Mwanasikana weJerusarema! Tarira, mambo wako anouya kwauri, iye akarurama uye ano ruponeso, anozvininipisa akatasva mbongoro, iyo mhuru, mwana wembongoro.
10 Ndidzachotsa magaleta ankhondo ku Efereimu ndi akavalo ankhondo ku Yerusalemu, ndipo uta wankhondo udzathyoka. Mfumuyo idzabweretsa mtendere pakati pa mitundu ya anthu. Ulamuliro wake udzayambira ku nyanja ina mpaka ku nyanja ina, ndipo kuchokera ku Mtsinje (Yufurate) mpaka ku malekezero a dziko lapansi.
Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu, namabhiza ehondo kuJerusarema, uye uta hwehondo huchavhunwa. Achaparidzira ndudzi rugare. Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa, uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.
11 Tsono kunena za iwe, chifukwa cha magazi a pangano lako ndi Ine, ndidzamasula amʼndende ako, ndidzawatulutsa mʼdzenje lopanda madzi.
Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe, ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura.
12 Bwererani ku malo anu otetezedwa, inu amʼndende achiyembekezo; ngakhale tsopano ndikulengeza kuti ndidzakubwezerani zabwino mowirikiza.
Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro; kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri.
13 Ndidzakoka Yuda monga ndimakokera uta wanga, ndipo Efereimu ndiye muvi wake. Ndidzadzutsa ana ako iwe Ziyoni, kulimbana ndi ana ako iwe Grisi, ndipo ndidzakusandutsa iwe lupanga la munthu wankhondo.
Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu, uye ndichaizadza naEfuremu. Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi; uye ndichakuita somunondo wemhare.
14 Pamenepo Yehova adzaonekera kwa anthu ake; mivi yake idzangʼanima ngati chingʼaningʼani. Ambuye Yehova adzaliza lipenga; ndipo adzayenda mu mkuntho wochokera kummwera,
Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo; museve wake uchapenya semheni. Ishe Jehovha acharidza hwamanda; achafamba mudutu rezasi.
15 ndipo Yehova Wamphamvuzonse adzawateteza. Iwo adzawononga ndipo adzagonjetsa ndi miyala ya legeni. Adzamwa magazi ndi kubangula ngati amwa vinyo; magazi adzayenderera ngati a mʼmbale yowazira magazi pa ngodya za guwa lansembe.
Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira. Vachaparadza uye vachakunda nezvimviriri. Vachanwa vagoomba sevanwa waini; vachazara sembiya dzinoshandiswa pakusasa makona earitari.
16 Tsiku limenelo Yehova Mulungu wawo adzawapulumutsa pakuti anthu ake ali ngati nkhosa. Adzanyezimira mʼdziko lake ngati miyala yokongola pa chipewa chaufumu.
Jehovha Mwari wavo achavaponesa pazuva iroro seboka ravanhu vake, Vachavaima munyika yake samabwe anokosha ari mukorona.
17 Taonani chikoka ndi kukongola kwawo! Tirigu adzasangalatsa anyamata, ndi vinyo watsopano anamwali.
Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire, uye waini itsva kumhandara.