< Rute 4 >

1 Nthawi yomweyo Bowazi anapita ku chipata cha mzinda ndi kukhala pansi kumeneko pabwalo losonkhanira. Tsono anangoona wachibale woyenera kulowa chokolo uja akufika. Ndipo Bowazi anati, “Patukirani kuno, bwenzi langa. Mubwere mudzakhale apa.” Choncho anapatuka nakakhala pansi.
Zvichakadaro, Bhoazi akakwira akaenda pasuo reguta akandogarapo. Hama yapedyo mudzikinuri uya waaireva akati asvika, Bhoazi akati kwaari, “Douya napano, shamwari yangu, ugogara pasi.” Naizvozvo akaenda akandogara pasi.
2 Bowazi anayitananso akuluakulu khumi a mu mzindamo nati, “Dzakhaleni pansi apa,” ndipo anadzakhala pansi.
Bhoazi akatora vakuru veguta gumi akati kwavari, “Garai pano apa,” ivo vakaita saizvozvo.
3 Kenaka anamuwuza oyenera kulowa chokolo uja kuti, “Naomi amene wabwera kuchoka ku Mowabu akugulitsa malo amene anali a malemu Elimeleki, mʼbale wathu uja.
Ipapo akati kuhama yapedyo, mudzikinuri, “Naomi uya akadzoka kumusha kubva kuMoabhu, ari kutengesa munda waiva waErimereki hama yedu.
4 Choncho ndinaganiza zokuwuza zimenezi kuti ugule mundawu pamaso pa anthu amene ali panowa, ndi pamaso pa akuluakulu mwa abale athu. Ngati ukufuna kuwuwombola, uwombole. Koma ngati sukufuna, undiwuze kuti ndidziwe, pakuti palibe wina angawuwombole koma iweyo, ndipo pambuyo pa iwe pali ine.” Iye anati, “Ine ndidzawuwombola.”
Ndafunga kuti ndiise nyaya kwauri nokukupa zano rokuti utenge pamberi paavo vagere pano uye napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikinura, ita hako izvozvo. Asi kana usingadi, ndiudze, kuti ndigoziva. Nokuti hapana mumwe ane mvumo yokuzviita kunze kwako, uye ini ndini ndinokutevera.” Iye akati, “Ndichautenga.”
5 Tsono Bowazi anati, “Tsiku limene ukagule mundawo kwa Naomi, udzatenganso Rute Mmowabu, mkazi wamasiye uja, kuti dzina la malemu lisungike pa cholowa chake.”
Ipapo Bhoazi akati, “Pazuva raunotenga munda uyu kubva kuna Naomi naRute muMoabhu, unotorawo chirikadzi yomushakabvu, kuitira kuti mumutse zita romufi nenhaka yake.”
6 Pamenepo wachibaleyo anati, “Sindingathe kuwuwombola mundawu kuti ukhale wanga, kuopa kuti kutaya cholowa changa. Mugule ndinu. Ine sindingathe.”
Uye hama yapedyo, mudzikinuri akati, “Kana zvakadaro handingagoni kuudzikinura nokuti ndingazokanganisa nhaka yanguwo. Chiutenga iwe pachako. Ini handikwanisi kuzviita.”
7 (Kale mu Israeli zinkatere ngati munthu afuna kuwombola kanthu kapena kusinthana kanthu ndi mnzake kuti chikhale chakechake. Iye ankavula nsapato imodzi namupatsa mnzakeyo. Imeneyo ndiyo inali njira yochitira umboni mu Israeli).
(Zvino pamazuva akare muIsraeri, pakutenga nokutsinhana midziyo uye kuti zvisimbiswe, mumwe aibvisa shangu yake oipa kuno mumwe. Iyi ndiyo yaiva nzira yokuita chibvumirano zviri pamutemo muIsraeri.)
8 Choncho wachibale uja atawuza Bowazi kuti, “Gulani ndinu mundawu.” Iye anavula nsapato yake namupatsa Bowazi.
Naizvozvo hama yapedyo, mudzikinuri akati kuna Bhoazi, “Chiutenga iwe.” Uye akabvisa shangu yake.
9 Ndipo Bowazi anawuza akuluakuluwo ndi anthu onse aja kuti, “Nonsenu ndinu mboni lero, kuti ine ndagula kwa Naomi zonse zimene zinali za malemu Elimeleki, zonse zimene zinali za malemu Kiliyoni ndiponso za malemu Maloni.
Ipapo Bhoazi akazivisa vakuru navanhu vose akati, “Nhasi muri zvapupu zvokuti ndatenga kubva kuna Naomi zvake zvose nazvose zvaiva zvaErimereki, zvaKirioni nezvaMaroni.
10 Ndatenganso Rute Mmowabu uja mkazi wa malemu Maloni, kuti akhale mkazi wanga, kuti dzina la malemu Maloni lisungike pa cholowa chake, ndipo lisafafanizike pakati pa abale ake ngakhalenso mʼmudzi mwake. Nonsenu ndinu mboni lero lino.”
Ndatorawo Rute muMoabhu, chirikadzi yaMaroni, kuti ave mukadzi wangu kuti ndimutse zita romushakabvu pamwe chete nenhaka yake, kuitira kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana mumabhuku eguta. Nhasi ndimi zvapupu!”
11 Ndipo akuluakulu aja ndi anthu onse amene anali pa chipata anati, “Ife ndife mboni, ndipo Yehova amusandutsa mkazi amene akudzalowa mʼnyumba yakoyu kuti akhale ngati Rakele ndi Leya, amene anamanga banja la Israeli. Ukhale munthu wosasowa kanthu mu Efurata ndi munthu wotchuka mu Betelehemu.
Ipapo vakuru navose vaiva pasuo vakati, “Tiri zvapupu isu. Jehovha ngaaite kuti mukadzi ari kuuya mumusha mako ave saRakeri naRea, avo vakavaka pamwe chete imba yaIsraeri. Iwe dai ukasimudzirwa muEfurata uye ukava nomukurumbira muBheterehema.
12 Ana amene Yehova adzakupatsa mwa mkaziyu adzamange banja lako kukhala la Perezi, amene Tamara anamubalira Yuda.”
Kubudikidza navana vaunopiwa naJehovha nomukadzi wechidiki uyu, mhuri yako ngaive seyaPerezi, uyo akaberekerwa Judha naTamari.”
13 Choncho Bowazi anakwatira Rute. Yehova anamudalitsa nakhala ndi pakati, ndipo anabereka mwana wamwamuna.
Naizvozvo Bhoazi akatora Rute akava mukadzi wake. Zvino akapinda kwaari Jehovha akamuita kuti abate pamuviri, iye akabereka mwanakomana.
14 Ndipo amayi osiyanasiyana anati kwa Naomi. “Alemekezeke Yehova, amene lero lino sanakusiyeni nokha wopanda wachibale. Mwanayu dzina lake likhale lotchuka mu Israeli.
Vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose!
15 Mwanayo adzakupatseni moyo watsopano ndi kukuthandizani pa ukalamba wanu. Inde, mpongozi wanu amene amakukondani, amenenso waonetsa kuti ali wopambana kwa inu kuposa ana aamuna asanu ndi awiri, ndiye wakubalirani mwanayu.”
Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.”
16 Kenaka Naomi anatenga mwanayo namufukata ndipo anakhala mlezi.
Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera.
17 Amayi achinansi ake anati, “Naomi ali ndi mwana wamwamuna.” Ndipo anamutcha dzina lake Obedi. Iye anali abambo a Yese abambo ake a Davide.
Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi.
18 Izi tsono ndizo zidzukulu za Perezi: Perezi anali abambo a Hezironi.
Iyi ndiyo imba yaPerezi: Perezi akabereka Hezironi,
19 Hezironi anali abambo a Ramu, Ramu anali abambo a Aminadabu,
Hezironi akabereka Ramu, Ramu akabereka Aminadhabhi,
20 Aminadabu abambo a Naasoni, Naasoni anali abambo a Salimoni,
Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni,
21 Salimoni abambo a Bowazi, Bowazi abambo a Obedi.
Sarimoni akabereka Bhoazi, Bhoazi akabereka Obhedhi,
22 Obedi anali abambo a Yese, ndipo Yese anali abambo a Davide.
Obhedhi akabereka Jese, uye Jese akabereka Dhavhidhi.

< Rute 4 >