< Rute 2 >

1 Naomi anali ndi mʼbale wake wolemera kwambiri wochokera ku banja la mwamuna wake Elimeleki, dzina lake Bowazi.
Zvino Naomi aiva nehama yokumurume wake, aibva kuimba yaErimereki, murume akasimukira, zita rake richinzi Bhoazi.
2 Tsiku lina Rute, Mmowabu uja anati kwa Naomi, “Mundilole kuti ndikakunkhe barele ku munda wa munthu aliyense amene akandikomere mtima.” Naomi anati kwa iye, “Pita mwana wanga.”
Zvino Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Regai ndiende kuminda ndinonongera zviyo zvinosara ndiri shure kwaani zvake achandiitira nyasha.” Naomi akati kwaari, “Enda hako mwanasikana wangu.”
3 Choncho Rute ananyamuka kupita kukakunkha ku minda yokololedwa kale. Tsono zinangochitika kuti Rute anafika mʼmunda wa Bowazi, yemwe anali wochokera ku banja la Elimeleki.
Naizvozvo akaenda kuminda akatanga kunongera ari muminda achitevera shure kwavacheki. Zvakaitika ndezvokuti akabva angoenda kundoshanda mumunda waBhoazi, uyo aibva kuimba yaErimereki.
4 Posakhalitsa Bowazi anafika kuchokera ku Betelehemu ndipo analonjera okolola aja kuti, “Yehova akhale nanu!” Iwo anayankha kuti, “Yehova akudalitseni.”
Panguva iyoyo Bhoazi akasvika achibva kuBheterehema ndokukwazisa vacheki achiti, “Jehovha ave nemi!” Ivo vakapindura vachiti, “Jehovha akuropafadzei!”
5 Bowazi anafunsa kapitawo wake amene ankayangʼanira okolola aja kuti, “Mayi uyo ndi ndani?”
Bhoazi akabvunza mutariri wavacheki akati, “Ko, mukadzi wechidiki uyo ndewani?”
6 Kapitawo uja anayankha kuti, “Mayiyu ndi Mmowabu amene anabwera ndi Naomi kuchokera ku dziko la Mowabu.
Mutariri akapindura akati, “Mukadzi wechiMoabhu akadzoka pamwe chete naNaomi vachibva kuMoabhu.
7 Iye anandipempha kuti, ‘Chonde mundilole kuti ndikunkhe barele mʼminda moti akololamo kale.’ Iye wakhala akukunkha kuyambira mmawa mpaka tsopano lino osapuma nʼpangʼono pomwe.”
Ati, ‘Ndapota nditenderei kunongera ndichiunganidza pakati pezvisote ndiri mushure mavacheki.’ Abva aenda mumunda akashanda nesimba kubva mangwanani kusvikira zvino, kunze kwenguva pfupi yaazorora ari mudumba iro.”
8 Choncho Bowazi anati kwa Rute, “Tamvera mwana wanga, usapite kukakunkha mʼmunda wina, ndipo usachoke mʼmunda uno. Koma uzitsata adzakazi angawa.
Saka Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa, mwanasikana wangu. Usaenda kunonongera uri kuno mumwe munda uye usaenda kure uchibva pano. Gara pano navashandi vangu vechisikana ava.
9 Uziyangʼana munda akukolola anyamatawo akamakolola mʼmundamu, ndipo iwe uzitsata pambuyo pawo. Ndawawuza anyamatawo kuti asakuvutitse. Ndipo ukamva ludzu, uzipita ku mitsuko ndi kukamwa madzi amene anyamatawa atunga.”
Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana. Ndarayira majaya kuti arege kukubata. Uye paunonzwira nyota, uende kunonwa mvura mumidziyo iyo yazadzwa namajaya.”
10 Atamva zimenezi Rute anawerama nazolikitsa nkhope yake pansi. Kenaka anafunsa kuti, “Mwandikomera mtima chotere mlendo ngati ine chifukwa chiyani?”
Ipapo, akawira pasi nechiso chake akatsikitsira pasi. Akashamisika, akati, “Zvaita sei kuti ndiwane nyasha dzakadai pamberi penyu kuti mundione ini mutorwa?”
11 Bowazi anayankha kuti, “Ine ndawuzidwa zonse zimene wakhala ukuchitira apongozi ako chimwalirire mwamuna wako. Ndamvanso kuti unasiya abambo ndi amayi ako komanso dziko la kwanu ndi kubwera kudzakhala ndi anthu amene sumawadziwa ndi kale lonse.
Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi.
12 Yehova akubwezere pa zimene wachitazi. Yehova Mulungu wa Israeli, amene wabwera pansi pa mapiko ake kuti akuteteze, akupatse mphotho yayikulu.”
Jehovha ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake.”
13 Rute anati, “Mwandikomera mtima, mbuye wanga. Ndipo mwandisangalatsa ndi kundiyankhula mwa chifundo ngakhale sindili mmodzi mwa adzakazi anu.”
Rute akati, “Regai ndirambe ndichiwana nyasha pamberi penyu, ishe wangu. Mandinyaradza uye mataura netsitsi kumurandakadzi wenyu kunyange ndisina kufanana navamwe varandakadzi venyu.”
14 Nthawi ya chakudya cha masana Bowazi anati kwa iye, “Bwera kuno, utenge buledi ndi kusunsa nthongo mu vinyo.” Choncho anakhala pansi pafupi ndi okololawo, ndipo Bowazi anamupatsa chakudya ndi nyama yowotcha. Anadya chilichonse amafuna ndipo chakudya china chinatsalako.
Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.” Akati agara pasi navacheki, Bhoazi akamupa zviyo zvakakangwa. Akadya zvose zvaaida zvimwe zvikasara.
15 Atanyamuka kuti azikakunkha, Bowazi analangiza anyamata ake kuti, “Ngakhale mayiyu azikunkha pakati pa mitolo musamuletse ndi kumuchititsa manyazi.
Paakasimuka kuti anongere, Bhoazi akarayira majaya ake achiti, “Kunyange akaunganidza pakati pezvisote, musamudzivisa.
16 Koma muzimusololerako ngala zina za mʼmitolo ndi kumusiyira kuti azikunkha ndipo musamukalipire.”
Asi, mumuvhomorere dzimwe tsama, kubva pamasumbu enyu mumusiyire agononga, uye musamutsiura.”
17 Choncho Rute anakunkha mʼmundamo mpaka madzulo. Kenaka anapuntha barele anakunkhayo, ndipo anakwanira pafupifupi makilogalamu khumi.
Naizvozvo Rute akanongera ari mumunda kusvikira manheru. Ipapo akapura bhari raakanga aunganidza, rikasvika pachiero cheefa.
18 Anasenza barele uja kupita naye ku mudzi, nakaonetsa apongozi ake. Kenaka anatulutsa chakudya chimene chinatsalira atakhuta chija ndi kupatsa apongozi ake.
Akaritakura akaenda naro kuguta, vamwene vake vakaona kuti akanga aunganidza zvakadini. Rute akavigirawo vamwene vake zvaakanga asiya paakanga adya akaguta.
19 Apongozi akewo anamufunsa kuti, “Kodi lero unakakunkha kuti? Unakagwira kuti ntchitoyi? Adalitsike munthu amene anakukomera mtimayo.” Ndipo Rute anawuza mpongozi wake za munthu amene ku malo ake anakagwirako ntchito. Iye anati, “Munthuyo dzina lake ndi Bowazi.”
Vamwene vake vakamubvunza vakati, “Nhasi wanga uchinongera uri kupiko? Washandirepi? Ngaaropafadzwe murume uyo akuona.” Ipapo Rute akaudza vamwene vake pamusoro pomunhu akanga ari mwene wenzvimbo yaakanga achishandira. Akati kwaari, “Zita romurume wandashanda naye nhasi ndiBhoazi.”
20 Naomi anati kwa mpongozi wakeyo, “Munthu ameneyu amudalitse Yehova, amene sanasiye kuchitira chifundo anthu amoyo ndi akufa omwe. Anatinso munthu ameneyu ndi mnansi wapaphata. Ndiye ali ndi udindo wotisamalira.”
Naomi akati kumuroora wake, “Jehovha ngaamuropafadze! Iye asina kurega kuratidza tsitsi kuvapenyu navakafa.” Akatizve, “Murume iyeye ihama yedu yapedyo; mumwe wavadzikinuri vedu.”
21 Choncho Rute Mmowabuyo anati, “Iye anandiwuzanso kuti, ‘Uzitsata antchito angawa mpaka atamaliza kukolola munda wonse.’”
Ipapo Rute muMoabhu akati, “Abva ati kwandiri, ‘Gara navashandi vangu kusvikira vapedza kucheka zviyo zvangu zvose.’”
22 Naomi anati kwa Rute mpongozi wake, “Kuli bwino mwana wanga kuti uzipita ndi adzakazi ake kuopa kuti mʼmunda wa munthu wina angakuvute.”
Naomi akati kuna Rute muroora wake, “Zvichava zvakanaka kwauri mwanangu, kuti uende navasikana vake, nokuti ukaenda mumunda womumwe ungazokanganiswa.”
23 Choncho Rute ankatsatira adzakazi a Bowazi namakunkha mpaka anthu atamaliza kudula barele ndi tirigu. Ndipo amakhalabe ndi mpongozi wakeyo.
Saka Rute akagara pedyo navasikana vaishandira Bhoazi achinongera kusvikira kuchekwa kwegorosi nebhari kwapera. Uye iye akagara navamwene vake.

< Rute 2 >