< Masalimo 87 >

1 Salimo la Ana a Kora. Iye wakhazikitsa maziko ake pa phiri loyera;
Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;
2 Yehova amakonda zipata za Ziyoni kupambana malo onse okhalamo a Yakobo.
Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.
3 Za ulemerero wako zimakambidwa, Iwe mzinda wa Mulungu: (Sela)
Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera
4 “Ndidzanena za Rahabe ndi Babuloni pakati pa iwo amene amandidziwa. Dzikonso la Filisitiya, Turo pamodzi ndi Kusi, ndipo ndidzati, ‘Uyu anabadwira mʼZiyoni.’”
“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’”
5 Ndithudi, za Ziyoni adzanena kuti, “Uyu ndi uyo anabadwira mwa iye, ndipo Wammwambamwamba adzakhazikitsa iyeyo.”
Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”
6 Yehova adzalemba mʼbuku la kawundula wa anthu a mitundu ina: “Uyu anabadwira mʼZiyoni.” (Sela)
Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera
7 Oyimba ndi ovina omwe adzati, “Akasupe anga onse ali mwa iwe.”
Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”

< Masalimo 87 >