< Masalimo 84 >
1 Kwa mtsogoleri wa mayimbidwe. Potsata mayimbidwe a Gititi. Salimo la ana a Kora. Malo anu okhalamo ndi okomadi, Inu Yehova Wamphamvuzonse!
Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora. Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose!
2 Moyo wanga ukulakalaka, mpaka kukomoka, kufuna mabwalo a Yehova; Mtima wanga ndi thupi langa zikufuwulira Mulungu wamoyo.
Mweya wangu unopanga, uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.
3 Ngakhale timba wapeza nyumba yokhalamo, ndiponso namzeze wadzipezera yekha chisa, kumene amagonekako ana ake pafupi ndi guwa lanu la nsembe, Inu Yehova Wamphamvuzonse, Mfumu yanga ndi Mulungu wanga.
Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.
4 Odala amene amakhala mʼNyumba yanu; nthawi zonse amakutamandani. (Sela)
Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu; vanogara vachikurumbidzai. Sera
5 Odala amene mphamvu yawo ili mwa Inu, mitima yawo ikufunitsitsa kuyenda mʼmisewu yopita ku Ziyoni.
Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri, vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.
6 Pamene akudutsa chigwa cha Baka, amachisandutsa malo a akasupe; mvula ya chizimalupsa imadzazanso mayiwe ake.
Pavanopfuura nomuMupata weBhaka, vanouita nzvimbo yamatsime; mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.
7 Iwo amanka nakulirakulira mphamvu mpaka aliyense ataonekera pamaso pa Mulungu mu Ziyoni.
Vanowedzera simba pasimba, kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.
8 Imvani pemphero langa, Inu Yehova Mulungu Wamphamvuzonse; mvereni Inu Mulungu wa Yakobo. (Sela)
Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho. Sera
9 Yangʼanani chishango chathu, Inu Mulungu; yangʼanani mokoma mtima pa wodzozedwa wanu.
Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu; ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.
10 Nʼkwabwino kukhala mʼmabwalo anu tsiku limodzi kuposa kukhala kwina kwake kwa zaka 1,000; Ine ndingakonde kukhala mlonda wa pa khomo la Nyumba ya Mulungu wanga kuposa kukhala mʼmatenti a anthu oyipa.
Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete, kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe; ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.
11 Pakuti Yehova Mulungu ndi dzuwa ndi chishango; Yehova amapereka chisomo ndi ulemu; Iye sawamana zinthu zabwino iwo amene amayenda mwangwiro.
Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama.
12 Inu Yehova Wamphamvuzonse, wodala ndi munthu amene amakhulupirira Inu.
Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, akaropafadzwa munhu anovimba nemi.