< Masalimo 23 >

1 Salimo la Davide. Yehova ndiye mʼbusa wanga, sindidzasowa kanthu.
Pisarema raDhavhidhi. Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
2 Amandigoneka pa msipu wobiriwira, amanditsogolera ku madzi akumwa abwino,
Anondivatisa pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza,
3 amatsitsimutsa moyo wanga. Amanditsogolera mʼnjira zachilungamo chifukwa cha dzina lake.
anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.
4 Ngakhale ndiyende mʼchigwa cha mdima wakuda bii, sindidzaopa choyipa, pakuti Inu muli ndi ine; chibonga chanu ndi ndodo yanu zimanditonthoza.
Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
5 Mumandikonzera chakudya adani anga akuona. Mumadzoza mutu wanga ndi mafuta; chikho changa chimasefukira.
Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira.
6 Zoonadi, zokoma ndi chikondi chosasinthika zidzanditsata masiku onse a moyo wanga, ndipo ndidzakhala mʼNyumba ya Yehova kwamuyaya.
Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.

< Masalimo 23 >