< Masalimo 122 >
1 Salimo la Davide. Nyimbo yoyimba pokwera ku Yerusalemu. Ndinakondwera atandiwuza kuti, “Tiyeni ku nyumba ya Yehova.”
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.”
2 Mapazi athu akuyima mʼzipata zako, Iwe Yerusalemu.
Tsoka dzedu dzimire mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema.
3 Yerusalemu anamangidwa ngati mzinda umene uli wothithikana pamodzi.
Jerusarema rakavakwa seguta rakapakata kwazvo.
4 Kumeneko ndiye kumene kumapita mafuko, mafuko a Yehova, umboni wa kwa Israeli, kuti atamande dzina la Yehova.
Ndiko kunokwira marudzi, iwo marudzi aJehovha, kundorumbidza zita raJehovha maererano nezvakatemerwa Israeri.
5 Kumeneko anayikako mipando yaufumu yachiweruzo, mipando yaufumu ya nyumba ya Davide.
Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko, zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
6 Pemphererani mtendere wa Yerusalemu: “Iwo amene amakukonda iwe zinthu ziwayendere bwino.
Nyengetererai rugare rweJerusarema: “Vanokuda dai vagara zvakanaka.
7 Mukhale mtendere mʼkati mwa makoma ako, ndipo mʼnyumba zako zaufumu mukhale chitetezo.”
Dai mukati mamasvingo ako maita rugare, nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.”
8 Chifukwa cha abale anga ndi abwenzi anga ndidzati, “Mtendere ukhale mʼkati mwako.”
Nokuda kwehama neshamwari dzangu, ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.”
9 Chifukwa cha Nyumba ya Yehova Mulungu wathu, ndidzakufunira zabwino.
Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu, ndichatsvaka kubudirira kwako.