< Luka 14 >
1 Pa tsiku lina la Sabata, Yesu atapita kukadya ku nyumba ya Mfarisi wodziwika, Afarisi anamulonda mosamalitsa.
Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo.
2 Poteropo, patsogolo pake panali munthu amene anadwala matenda otupa mimba ndi miyendo.
Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe.
3 Yesu anafunsa Afarisi ndi akatswiri amalamulo kuti, “Kodi ndi zololedwa kuchiritsa pa tsiku la Sabata kapena ayi?”
Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?”
4 Koma iwo sanayankhe. Tsono atamutenga munthuyo, Iye anamuchiritsa ndipo anamuwuza kuti azipita.
Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.
5 Kenaka Iye anawafunsa kuti, “Kodi ngati mmodzi mwa inu ali ndi mwana wamwamuna kapena ngʼombe imene yagwera mʼchitsime tsiku la Sabata, kodi simungamuvuwulemo tsiku lomwelo?”
Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?”
6 Ndipo iwo analibe choyankha.
Ipapo vakashayiwa chokureva.
7 Iye ataona momwe alendo amasankhira malo aulemu pa tebulo, Iye anawawuza fanizo ili:
Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari,
8 “Pamene wina wakuyitanani ku phwando la ukwati, musakhale pa malo aulemu ayi, chifukwa mwina anayitananso munthu wina wolemekezeka kuposa inu.
“Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa.
9 Ngati zitatero, ndiye kuti munthu uja amene anakuyitani inu nonse awiri adzakuwuzani kuti, ‘Mupatseni munthu uyu malo anu.’ Pamenepo inu mudzachita manyazi, pokakhala malo wotsika.
Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira.
10 Koma akakuyitanani, khalani pa malo otsika, kuti amene anakuyitanani uja adzakuwuzeni kuti, ‘Bwenzi, bwera udzakhale pa malo aulemu pano.’ Pamenepo inu mudzalandira ulemu pamaso pa alendo anzanu onse.
Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo.
11 Pakuti aliyense wodzikuza adzamuchepetsa, ndipo aliyense wodzichepetsa adzamukweza.”
Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
12 Kenaka Yesu anati kwa mwini malo uja, “Ukakonza chakudya chamasana kapena chamadzulo, usamayitane abwenzi ako, abale ako, anthu afuko lako kapena anzako achuma; ngati iwe utero, iwo adzakuyitananso, choncho udzalandiriratu mphotho yako.
Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanunʼuna vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa.
13 Koma ukakonza phwando, itana anthu osauka, ofa ziwalo, olumala ndi osaona.
Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu,
14 Pamenepo udzakhala wodala, chifukwa iwo sangakubwezere kanthu, koma Mulungu ndiye adzakubwezera pa chiukitso cha olungama.”
ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
15 Mmodzi mwa amene amadya naye atamva izi, anati kwa Yesu, “Ndi wodala munthu amene adzadye nawo mu ufumu wa Mulungu.”
Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.”
16 Yesu anayankha kuti, “Munthu wina ankakonza phwando lalikulu ndipo anayitana alendo ambiri.
Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji.
17 Nthawi yaphwando itakwana anatuma wantchito wake kuti akawuze onse amene anayitanidwa kuti, ‘Bwerani, pakuti zonse zakonzeka.’
Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’
18 “Koma onse anayamba kupereka zifukwa mofanana. Woyamba anati, ‘Ine ndangogula kumene munda, ndipo ndikuyenera kupita kuti ndikawuone. Pepani mundikhululukire.’
“Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’
19 “Wina anati, ‘Ndangogula kumene ngʼombe khumi zokoka ngolo ndipo kupita kukaziyesa. Pepani mundikhululukire.’
“Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’
20 “Wina anatinso, ‘Ine ndangokwatira kumene, choncho sinditha kubwera.’
“Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’
21 “Wantchitoyo anabwera ndikudzamuwuza bwana wakeyo zimenezi. Pamenepo mphwandoyo anapsa mtima ndipo analamula wantchito wakeyo kuti, ‘Pita msangamsanga kunja mʼmisewu ndi mʼmakwalala a mu mzinda ndipo ukabweretse osauka, ofa ziwalo, osaona ndi olumala.’
“Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.’
22 “Wantchitoyo anati, ‘Bwana, zimene munanena zachitika koma malo akanalipobe.’
“Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’
23 “Ndipo mbuye uja anawuza wantchito wake kuti, ‘Pita kunja ku misewu ikuluikulu ndi kunja kwa mpanda ndipo ukawawuze kuti alowe, kuti nyumba yanga idzaze.
“Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.
24 Ine ndikukuwuzani inu kuti palibe ndi mmodzi yemwe mwa anthu amene anayitanidwa adzalawa phwandolo.’”
Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’”
25 Gulu lalikulu la anthu linkayenda naye Yesu ndipo atatembenukira kwa iwo anati,
Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye akatendeukira kwavari akati,
26 “Ngati wina aliyense abwera kwa Ine ndipo sadana ndi abambo ndi amayi ake, mkazi wake ndi ana, abale ake ndi alongo ake, inde ngakhale moyo wake omwe, iye sangakhale ophunzira wanga.
“Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.
27 Ndipo aliyense amene sasenza mtanda wake ndi kunditsata Ine sangakhale ophunzira wanga.
Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.
28 “Taganizani, ngati wina mwa inu akufuna kumanga nsanja, kodi iye sayamba wakhala pansi ndi kuganizira za mtengo wake kuti aone ngati ali ndi ndalama zokwanira kuti atsirizire?
“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?
29 Pakuti ngati ayika maziko ndi kulephera kutsiriza, aliyense amene adzayiona adzamuseka,
Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka,
30 nanena kuti, ‘Munthu uyu anayamba kumanga koma sanathe kutsiriza.’
achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’
31 “Kapena mfumu imene ikupita ku nkhondo kukamenyana ndi mfumu ina, kodi siyamba yakhala pansi ndi kulingalira ngati ingathe ndi anthu 10,000 kulimbana ndi amene akubwera ndi 20,000?
“Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri?
32 Ngati singathe, idzatuma nthumwi pomwe winayo ali kutali ndi kukapempha mgwirizano wamtendere.
Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari.
33 Mʼnjira yomweyo, wina aliyense wa inu amene sasiya zonse ali nazo sangakhale ophunzira wanga.
Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.
34 “Mchere ndi wabwino, koma ngati usukuluka adzawukoleretsanso ndi chiyani?
“Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko?
35 Suyeneranso ngakhale mʼnthaka kapena kudzala la manyowa; umatayidwa kunja. “Amene ali ndi makutu akumva, amve.”
Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze. “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”