< Maliro 5 >
1 Inu Yehova, kumbukirani zimene zinatichitikira; yangʼanani ndipo muone kunyozeka kwathu.
Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.
2 Apereka cholowa chathu kwa obwera, nyumba zathu kwa alendo.
Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa, misha yedu kumabvakure.
3 Takhala amasiye ndi wopanda abambo, amayi athu ali ngati akazi amasiye.
Tava nherera, hatina vabereki, vanamai vedu sechirikadzi.
4 Tiyenera kugula madzi amene timamwa, nkhuni zathunso nʼzogula.
Tinofanira kutenga mvura yatinonwa; huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.
5 Otilondola atigwira pakhosi; tafowoka ndipo sakutilola kupumula.
Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo; taneta uye hatina zororo.
6 Tinadzipereka kwa Aigupto ndi kwa Asiriya kuti tipeze chakudya.
Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria, kuti tiwane chingwa chakakwana.
7 Makolo athu anachimwa ndipo anafa kale, koma chilango chawo chili pa ife.
Madzibaba edu akatadza uye vakafa, uye tava kurangwa nokuda kwavo.
8 Akapolo akutilamulira, ndipo palibe ndi mmodzi yemwe angatimasule mʼdzanja lawo.
Varanda vanotitonga, uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo.
9 Timapeza chakudya chathu poyika miyoyo yathu pa chiswe chifukwa cha lupanga mʼchipululu.
Tinowana chingwa chedu nokuisa upenyu hwedu munjodzi, nokuda kwomunondo murenje.
10 Khungu lathu latentha ngati uvuni mʼngʼanjo, chifukwa cha kuwawa kwa njala.
Ganda redu rava kupisa sechoto, nokuda kwokupisa kwenzara.
11 Amayi agwiriridwa mu Ziyoni, ndi anamwali mʼmizinda ya Yuda.
Vakachinya vakadzi muZioni, mhandara, mumaguta eJudha.
12 Akalonga athu akuwapachika pomangirira manja awo, akuluakulu sakuwalemekeza.
Machinda akasungirirwa namaoko avo; vakuru havakudzwi.
13 Achinyamata akukakamizidwa kupera tirigu; anyamata akudzandira ndi mitolo ya nkhuni.
Majaya anoshanda paguyo; vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni.
14 Akuluakulu anachokapo pa chipata cha mzinda; achinyamata aleka nyimbo zawo.
Vakuru vakabva pasuo reguta; majaya akarega kuimba kwavo.
15 Chimwemwe chachoka mʼmitima yathu; kuvina kwathu kwasanduka maliro.
Mufaro mumwoyo medu waguma; kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema.
16 Chipewa chathu chaufumu chagwa pamutu pathu. Tsoka kwa ife, chifukwa tachimwa!
Korona yawa kubva pamusoro wedu. Tine nhamo isu, nokuti takatadza!
17 Mitima yathu yakomoka chifukwa cha zimenezi, chifukwa cha zinthu zimenezi maso athu sakuona bwino,
Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba, nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona,
18 pakuti phiri la Ziyoni, limene lasanduka bwinja, nkhandwe zikungoyendayendapo.
nokuti Gomo reZioni rava dongo, makava ofambamo.
19 Inu Yehova, lamulirani kwamuyaya; mpando wanu waufumu udzakhalabe ku mibadomibado.
Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kuzvizvarwa zvose.
20 Chifukwa chiyani mumatiyiwala nthawi zonse? Chifukwa chiyani mwatitaya nthawi yayitali chotere?
Sei muchigara muchitikanganwa? Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?
21 Yehova mutitembenuzire kwa Inu, kuti tibwerere; mukonzenso masiku athu akhale monga akale,
Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka; vandudzai mazuva edu senguva yekare,
22 pokhapokha ngati mwatitaya kotheratu, ndi kuti mwatikwiyira kobzola muyeso.
kana musina kutiramba zvachose kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.