< Yobu 27 >

1 Ndipo Yobu anapitiriza kuyankhula kwake:
Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:
2 “Ndithu pali Mulungu wamoyo, amene wakana kundiweruza molungama, Wamphamvuzonse, amene wawawitsa mtima wanga,
“Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,
3 nthawi zonse pamene ndili ndi moyo, mpweya wa Mulungu uli mʼmphuno mwanga,
chero ndichine upenyu mandiri, ndichine kufema kwaMwari mumhino dzangu,
4 pakamwa panga sipadzatuluka mawu oyipa, lilime langa silidzayankhula zachinyengo.
miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.
5 Sindidzavomereza kuti inu mukunena zoona; mpaka imfa yanga, sindidzataya ungwiro wanga.
Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.
6 Ndidzasunga chilungamo changa ndipo sindidzalola kuti chindichokere; chikumbumtima changa sichidzanditsutsa nthawi yonse ya moyo wanga.
Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.
7 “Mdani wanga akhale ngati woyipa, wondiwukira akhale ngati munthu wosalungama!
“Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama!
8 Nanga chiyembekezo cha munthu wosapembedza nʼchiyani pamene aphedwa, pamene Mulungu achotsa moyo wake?
Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake?
9 Kodi Mulungu amamva kulira kwake pamene zovuta zamugwera?
Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here?
10 Kodi adzapeza chikondwerero mwa Wamphamvuzonse? Kodi adzapemphera kwa Mulungu nthawi zonse?
Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?
11 “Ndidzakuphunzitsani za mphamvu ya Mulungu ndipo sindidzabisa njira za Wamphamvuzonse.
“Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.
12 Inu mwadzionera nokha zonsezi. Nanga bwanji mukuyankhula zopanda pake?
Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo?
13 “Pano pali chilango chimene Mulungu amasungira woyipa, cholowa chimene munthu wankhanza amalandira kuchokera kwa Wamphamvuzonse.
“Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.
14 Angakhale ana ake achuluke chotani adzaphedwa ndi lupanga ndipo zidzukulu zake zidzasowa zakudya.
Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; zvizvarwa zvake hazvizombowani zvokudya zvakakwana.
15 Amene adzatsalireko adzafa ndi mliri, ndipo akazi awo amasiye sadzawalira.
Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.
16 Ngakhale aunjike siliva ngati fumbi, ndi kukundika zovala ngati mchenga,
Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokupfeka zvikaita somurwi wevhu,
17 zimene wasungazo wolungama ndiye adzavale, ndipo anthu osalakwa ndiwo adzagawane siliva wakeyo.
zvaanowana zvichapfekwa navakarurama, uye vasina mhaka vachagovana sirivha yake.
18 Nyumba imene akuyimanga ili ngati mokhala kadziwotche, ili ngati msasa umene mlonda amamanga.
Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi.
19 Amapita kokagona ali wolemera koma kutha kwake nʼkomweko; akatsekula maso ake, chuma chake chonse chapita.
Anovata pasi akapfuma, asi haachazviitizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.
20 Zoopsa zimamukokolola ngati madzi achigumula; mphepo yamkuntho imamunyamula usiku.
Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.
21 Mphepo ya kummawa imamuwulutsa ndipo iye saonekanso ndipo imamuchotsa pamalo pake.
Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, achibva zvachose. Inomukukura kubva panzvimbo yake.
22 Imakuntha pa iye osamuchitira chisoni, pamene akuyesa kuthawa mphamvu zake mwaliwiro.
Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.
23 Mphepoyo imamuwomba ndithu ndipo kuchokera pamalo pake imamuopseza.”
Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.

< Yobu 27 >