< Yesaya 23 >
1 Uthenga wonena za Turo: Lirani mofuwula, inu oyendetsa sitima za pa madzi za ku Tarisisi: pakuti mzinda wa Turo wawonongedwa ndipo mulibe nyumba kapena dooko. Zimenezi anazimva pochokera ku Kitimu.
Chirevo pamusoro peTire: Ungudzai imi zvikepe zveTashishi! Nokuti Tire raparadzwa uye rasiyiwa risina imba kana pangamira zvikepe. Shoko rakasvika kwavari richibva kunyika yeSaipurasi.
2 Khalani chete inu anthu okhala mʼmbali mwa nyanja, inu amalonda a ku Sidoni, iwe amene unalemera ndi anthu oyenda pa nyanja.
Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi nemi vatengesi veSidhoni, imi makapfumiswa navashambadzi vomunyanza.
3 Pa nyanja zazikulu panabwera tirigu wa ku Sihori; zokolola za ku Nailo, ndipo munachita malonda ndi anthu a mitundu ina.
Pamusoro pemvura zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa; mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire, uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi.
4 Chita manyazi, iwe Sidimu pakuti nyanja yayankhula, linga la ku nyanja (Turo) layankhula kuti, “Sindinamvepo zowawa za kubereka kapena kuberekapo mwana; sindinalerepo ana aamuna kapena kulera ana aakazi.”
Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”
5 Mawuwa akadzamveka ku Igupto, iwo adzachita mantha akadzamva kuti Turo wawonongeka.
Panosvika shoko kuIjipiti, vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire.
6 Wolokerani ku Tarisisi, lirani mofuwula, inu anthu okhala mʼmbali mwa nyanja.
Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.
7 Kodi uwu si mzinda wachisangalalo uja, mzinda wakalekale, umene anthu ake ankapita kukakhala ku mayiko akutali?
Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here, guta rakare kare, rakaendeswa kure kure netsoka dzaro kundogara kunyika iri kure?
8 Kodi ndani anakonza zimenezi kuti zigwere Turo, mzinda umene unakhazikitsa mizinda ina, mzinda umene amalonda ake ndi akalonga ndi otchuka pa dziko lapansi?
Ndianiko akarongera Tire izvozvi, iro raipa korona, vatengesi varo vari machinda, vashambadziri varo vane mukurumbira munyika?
9 Yehova Wamphamvuzonse anakonza zimenezi kuti athetse kunyada kwawo ndi kutsitsa anthu otchuka a pa dziko lapansi.
Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo, kuti adzikise kuzvikudza kwekukudzwa kwose, uye kuti aninipise vose vane mukurumbira panyika.
10 Mubalalike mʼdziko mwanu ngati mtsinje wa Nailo inu anthu a ku Tarisisi, pakuti mulibenso chokutetezani.
Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi, iwe mwanasikana weTashishi, nokuti hauchina panomira zvikepe.
11 Yehova watambasula dzanja lake kuloza ku nyanja ndipo wagwedeza maufumu ake. Iye walamula kuti Kanaani agwetse malinga ake.
Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye akaita kuti ushe hwaro hudedere. Akarayira pamusoro peKenani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.
12 Iye anati, “Simudzakondwanso konse, inu anthu opanikizidwa a ku Sidoni, tsopano wamphwanyidwa! “Ngakhale muwolokere ku Kitimu, kumeneko simukapezako mpumulo.”
Akati, “Mafaro ako haachazovapozve, iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa! “Simuka uyambukire kuSaipurasi; Kunyange naikoko haundowani zororo.”
13 Onani dziko la Ababuloni, anthu amenewa tsopano atheratu! Asiriya asandutsa Turo kukhala malo a zirombo za ku chipululu; anamanga nsanja zawo za nkhondo, anagumula malinga ake ndipo anawasandutsa bwinja.
Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo.
14 Lirani mofuwula, inu anthu oyendetsa sitima za pa madzi za ku Tarisisi; chifukwa malinga ako agwetsedwa!
Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa!
15 Pa nthawi imeneyo Turo adzayiwalika pa zaka 70, amene ndi masiku a moyo wa mfumu. Koma potsiriza pa zaka 70 zimenezi, Turo adzakhala ngati mkazi wachiwerewere woyimbidwa mu nyimbo:
Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:
16 “Tenga zeze wako uzungulire mzinda, iwe mkazi wachiwerewere woyiwalika; imba zeze mokometsera, imba nyimbo zambiri, kuti anthu akukumbukire.”
“Tora rudimbwa, ufambe nomuguta, iwe chifeve chakakanganikwa; ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji, kuitira kuti ugorangarirwa.”
17 Pakutha pa zaka 70, Yehova adzachitapo kanthu pa Turo. Iye adzabwerera ku ntchito yake yakale monga mkazi wachiwerewere ndipo adzachita zachiwerewere ndi maufumu onse a dziko lapansi.
Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzokerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika.
18 Koma phindu lake ndi malipiro ake adzazipereka kwa Yehova; sadzazikundika kapena kuzisunga. Phindu lake lidzapita kwa mtumiki wa Yehova kuti agule zakudya zambiri ndi zovala zokongola.
Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka.