< Genesis 46 >
1 Israeli anasonkhanitsa zonse anali nazo napita ku Beeriseba kukapereka nsembe kwa Mulungu wa abambo ake Isake.
Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.
2 Ndipo Mulungu anayankhula ndi Israeli mʼmasomphenya usiku nati, “Yakobo! Yakobo!” Iye anayankha, “Ee, Ambuye.”
Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.”
3 Mulungu anati, “Ine ndine Mulungu. Mulungu wa abambo ako. Usachite mantha kupita ku Igupto, pakuti ndidzachulukitsa zidzukulu zako kumeneko moti zidzakhala mtundu waukulu.
Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko.
4 Ine ndidzapita ku Igupto pamodzi ndi iwe ndipo mosakayika konse zidzukulu zako ndidzazibweretsa konkuno. Yosefe adzakhalapo pa nthawi yako yomwalira.”
Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.”
5 Yakobo anachoka ku Beeriseba, ndipo ana ake anakweza abambo awo, ana awo, pamodzi ndi akazi awo pa ngolo zimene Farao anatumiza kuti adzakwerepo.
Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure.
6 Iwo anatenganso ziweto zawo ndi katundu wawo amene anali naye ku Kanaani, ndipo Yakobo pamodzi ndi ana ndi zidzukulu zake anapita ku Igupto.
Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti.
7 Ndiye kuti popita ku Igupto Yakobo anatenga ana aamuna, zidzukulu zazimuna, ana aakazi ndi zidzukulu zazikazi.
Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose.
8 Nawa ana a Israeli (ndiye kuti Yakobo ndi ana ake) amene anapita ku Igupto: Rubeni mwana woyamba wa Yakobo.
Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho.
9 Ana aamuna a Rubeni ndi awa: Hanoki, Palu, Hezironi ndi Karimi.
Vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKami.
10 Ana aamuna a Simeoni ndi awa: Yemueli, Yamini, Ohadi, Yakini, Zohari ndi Shaulo amene mayi wake anali wa ku Kanaani.
Vanakomana vaSimeoni vaiva: Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani.
11 Ana aamuna a Levi ndi awa: Geresoni, Kohati ndi Merari.
Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.
12 Ana aamuna a Yuda ndi awa: Eri, Onani, Sela, Perezi ndi Zera. Koma Eri ndi Onani anamwalira mʼdziko la Kanaani. Ana a Perezi anali Hezironi ndi Hamuli.
Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.
13 Ana aamuna a Isakara ndi awa: Tola, Puwa, Yobi ndi Simironi.
Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi.
14 Ana aamuna a Zebuloni ndi awa: Seredi, Eloni ndi Yahaleeli.
Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri.
15 Amenewa ndi ana aamuna a Leya amene anamubalira Yakobo ku Padanaramu. Panali mwana wamkazi dzina lake Dina. Ana onse analipo 33.
Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.
16 Ana aamuna a Gadi ndi awa: Zifioni, Hagi, Suni, Eziboni, Eri, Arodi ndi Areli.
Vanakomana vaGadhi vaiva: Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri.
17 Ana aamuna a Aseri ndi awa: Imuna, Isiva, Isivi, Beriya ndi Sera mlongo wawo. Ana aamuna a Beriya ndi awa: Heberi ndi Malikieli.
Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yakanga iri Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri.
18 Amenewa ndi zidzukulu za Yakobo mwa Zilipa amene Labani anapereka kwa mwana wake, Leya. Onse pamodzi analipo 16.
Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete.
19 Ana aamuna a Rakele mkazi wa Yakobo anali: Yosefe ndi Benjamini.
Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva: Josefa naBhenjamini.
20 Ku Igupto, Asenati mwana wa Potifara wansembe wa Oni, anamuberekera Yosefe ana awa: Manase ndi Efereimu.
MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni.
21 Ana aamuna a Benjamini ndi awa: Bela, Bekeri, Asibeli, Gera, Naamani, Ehi, Rosi, Mupimu, Hupimu ndi Aridi.
Vanakomana vaBhenjamini vaiva: Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi.
22 Amenewa ndi zidzukulu za Yakobo mwa mkazi wake Rakele. Onse analipo khumi ndi anayi.
Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaRakeri vakanga vaberekerwa Jakobho, gumi navana pamwe chete.
23 Mwana wa mwamuna wa Dani anali: Husimu.
Mwanakomana waDhani aiva: Hushimi.
24 Ana aamuna a Nafutali ndi awa: Yahazeeli, Guni, Yezeri ndi Silemu.
Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi.
25 Amenewa ndi zidzukulu za Yakobo mwa Biliha amene Labani anapereka kwa mwana wake Rakele. Onse pamodzi analipo asanu ndi awiri.
Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete.
26 Onse amene anapita ndi Yakobo (iwo amene anali akeake, osawerengera akazi a ana ake), analipo 66.
Vose vakaenda naJakobho kuIjipiti, vaya vakanga vari zvizvarwa zvake chaizvo, tisingaverengi vakadzi vavanakomana vake, vaiva vanhu makumi matanhatu navatanhatu pakuwanda.
27 Pophatikiza ana awiri a Yosefe obadwira ku Igupto, anthu a pa banja la Yakobo amene anapita ku Igupto, onse pamodzi analipo 70.
Pamwe chete navanakomana vaviri vakaberekerwa Josefa muIjipiti, vose vemhuri yaJakobho, avo vakaenda kuIjipiti, vakanga vari makumi manomwe pamwe chete.
28 Tsopano Yakobo anatumiza Yuda kwa Yosefe kukamupempha kuti akakumane naye ku Goseni. Iwo atafika ku chigawo cha Goseni,
Zvino Jakobho akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti aratidzwe nzira yokuenda nayo kuGosheni. Vakati vasvika mudunhu reGosheni,
29 Yosefe anakonza galeta nakwerapo ndi kupita ku Goseni kukakumana ndi abambo ake, Israeli. Yosefe atangofika pamaso pa abambo ake, anawakumbatira nalira kwa nthawi yayitali.
Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu.
30 Israeli anati kwa Yosefe, “Tsopano ndikhoza kumwalira poti ndaona nkhope yako kuti ukanali ndi moyo.”
Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.”
31 Ndipo Yosefe anati kwa abale ake pamodzi ndi a pa banja la abambo ake, “Ndipita kwa Farao ndipo ndikamuwuza kuti, ‘Abale anga pamodzi ndi onse a mʼnyumba ya abambo anga amene amakhala mʼdziko la Kanaani abwera kuno kwa ine.
Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri.
32 Anthuwa ndi abusa; amaweta ziweto zawo ndipo abwera ndi nkhosa ndi ngʼombe zawo, pamodzi ndi antchito awo.’
Vanhu ava vafudzi; vanochengeta zvipfuwo, uye vauya namakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo.’
33 Tsono Farao akakuyitanani nakufunsani kuti, ‘Kodi mumagwira ntchito yanji?’
Pamunodanwa naFaro uye akakubvunzai achiti, ‘Basa renyu ndereiko?’
34 Muyankhe kuti, ‘Ife, bwana ndife oweta ziweto kuyambira ubwana wathu mpaka tsopano. Takhala tikuweta ziweto monga mmene ankachitira makolo athu.’ Mukadzayankha choncho, ndiye kuti mudzakhala mʼdziko la Goseni chifukwa anthu a ku Igupto amanyansidwa nawo anthu oweta ziweto.”
imi munofanira kupindura muchiti, ‘Varanda venyu vaiva vachengeti vezvipfuwo kubvira pauduku hwavo, sezvakanga zvichiitawo madzibaba edu.’ Ipapo muchatenderwa kugara munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza kuvaIjipita.”