< 2 Mafumu 1 >

1 Atamwalira Ahabu, Mowabu anawukira Israeli.
Mushure mokufa kwaAhabhu, vaMoabhu vakamukira Israeri.
2 Ndipo Ahaziya anagwa kuchokera pa khonde la chipinda chake chammwamba ku Samariya, ndipo anavulala kwambiri. Choncho iye anatuma amithenga nawawuza kuti, “Pitani mukafunse kwa Baala-zebubu, mulungu wa ku Ekroni, ngati ndichire matendawa.”
Zvino Ahazia akanga awira pasi napawindo rekamuri reimba yake yapamusoro kuSamaria akakuvara. Saka akatuma nhume akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi, kuti aone kana ndichizopora pakukuvara uku.”
3 Koma mngelo wa Yehova anawuza Eliya wa ku Tisibe kuti, “Nyamuka, pita ukakumane ndi amithenga a mfumu ya ku Samariya ndipo ukawafunse kuti, ‘Kodi popeza kulibe Mulungu ku Israeli, nʼchifukwa chake inu mukupita kukafunsa nzeru kwa Baala-zebubu, mulungu wa ku Ekroni?’
Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvamunondobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi?’
4 Tsono Yehova akuti, ‘Iweyo sudzadzuka pa bedi wagonapo. Udzafa ndithu!’” Ndipo Eliya ananyamuka.
Naizvozvo zvanzi naJehovha: ‘Hauchabva pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’” Naizvozvo Eria akaenda.
5 Amithenga aja atabwerera kwa mfumu, mfumuyo inawafunsa kuti, “Chifukwa chiyani mwabwerera?”
Nhume dzakati dzadzokera kuna mambo, akavabvunza akati, “Madzokereiko?”
6 Iwo anayankha kuti, “Munthu wina anabwera kudzakumana nafe, ndipo anatiwuza kuti, bwererani kwa mfumu imene inakutumani ndipo mukayiwuze kuti, ‘Yehova akuti, kodi popeza kulibe Mulungu ku Israeli, nʼchifukwa chake mukupita kukafunsa nzeru kwa Baala-zebubu, mulungu wa ku Ekroni? Tsono sudzadzuka pa bedi wagonapo. Udzafa ndithu!’”
Ivo vakamupindura vakati, “Mumwe murume akauya akasangana nesu. Zvino akati kwatiri, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mundoti kwaari, “Zvanzi naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvaunotuma nhume kundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi? Naizvozvo hauchaburuki pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!”’”
7 Mfumu inafunsa amithengawo kuti, “Kodi munthu amene anabwera kudzakumana nanuyo ndi kukuwuzani zimenezi amaoneka bwanji?”
Mambo akavabvunza akati, “Ko, murume akauya akasangana nemi akakutaurirai izvi akanga akadini?”
8 Iwo anayankha kuti, “Munthuyo anavala zovala zaubweya ndi lamba wachikopa mʼchiwuno mwake.” Mfumu inati, “Munthu ameneyo ndi Eliya wa ku Tisibe.”
Ivo vakapindura vakati, “Akanga ari murume akapfeka nguo dzine mvere nebhanhire reganda muchiuno chake.” Mambo akati, “NdiEria muTishibhi.”
9 Pamenepo mfumu inatuma mtsogoleri wa ankhondo ndi anthu ake makumi asanu kwa Eliya. Mtsogoleriyo anapita kwa Eliya, amene anali atakhala pamwamba pa phiri, ndipo anati, “Munthu wa Mulungu, mfumu ikuti, ‘Tsikani!’”
Ipapo akatuma mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake kuna Eria. Mukuru uyu akaenda kuna Eria akanga akagara pamusoro pechikomo, ndokuti kwaari, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai!’”
10 Eliya anayankha mtsogoleriyo kuti, “Ngati ndine munthu wa Mulungu, moto utsike kuchokera kumwamba, ukupsereze iwe pamodzi ndi anthu makumi asanu akowo!” Pomwepo moto unatsikadi kuchokera kumwamba ndipo unapsereza mtsogoleriyo pamodzi ndi anthu akewo.
Eria akamupindura akati, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako makumi mashanu!” Ipapo moto wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake.
11 Zitachitika izi, mfumu inatumanso mtsogoleri wina pamodzi ndi asilikali ake makumi asanu. Mtsogoleriyo anati kwa Eliya, “Munthu wa Mulungu, zimene mfumu ikunena ndi izi, ‘Tsikani msangamsanga!’”
Zvadaro mambo akazotumazve mumwe mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake makumi mashanu! Mukuru uyu akati kuna Eria, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai izvozvi!’”
12 Eliya anayankha kuti, “Ngati ndine munthu wa Mulungu, moto utsike kuchokera kumwamba, ukupsereze iwe pamodzi ndi anthu ako makumi asanuwo!” Pomwepo moto unatsikadi kuchokera kumwamba ndipo unapsereza mtsogoleriyo pamodzi ndi anthu akewo.
Eria akati kwaari, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto waMwari wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake makumi mashanu.
13 Ndipo mfumu inatumanso mtsogoleri wachitatu pamodzi ndi asilikali ake makumi asanu. Mtsogoleri wachitatuyu anakwera pa phiripo ndi kugwada pamaso pa Eliya. Iye anayankhula mopemba kuti, “Munthu wa Mulungu, chonde musandiwononge ineyo pamodzi ndi atumiki makumi asanu anuwa!
Saka mambo akatumazve mumwe mukuru wechitatu ana varume makumi mashanu. Uyu mukuru wechitatu akakwira akazviwisira pasi namabvi ake pamberi paEria. Akamukumbira akati, “Haiwa, munhu waMwari, ndapota, upenyu hwangu nohwavarume ava makumi mashanu, isu varanda venyu, ngahuve hunokosha pamberi penyu.
14 Taonani, moto unatsika kuchokera kumwamba ndi kupsereza atsogoleri awiri pamodzi ndi anthu awo onse. Koma tsopano musawononge moyo wanga!”
Tarirai moto wakabva kudenga ukaparadza vakuru vaviri vokutanga navanhu vavo vose. Asi zvino upenyu hwangu ngahuve chinhu chinokosha pamberi penyu.”
15 Mngelo wa Yehova anati kwa Eliya, “Pita naye, usamuope.” Choncho Eliya ananyamuka natsika naye limodzi kupita kwa mfumu.
Zvino mutumwa waJehovha akati kuna Eria, “Buruka pamwe chete naye; usamutya.” Naizvozvo Eria akasimuka akaenda naye kuna mambo.
16 Eliya anawuza mfumu kuti, “Yehova akuti, ‘Chifukwa chiyani munatumiza amithenga kwa Baala-zebubu, mulungu wa ku Ekroni, kukafunsa ngati muti muchire? Kodi mu Israeli mulibe Mulungu woti nʼkukuyankhani funso lanu? Choncho, popeza mwachita izi, simudzadzuka pamene mwagonapo; mudzafa ndithu.’”
Akaudza mambo kuti, “Zvanzi naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvawatuma nhume kundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi? Nokuti waita izvi, hauchambobva pamubhedha pawakarara. Zvirokwazvo uchafa!”
17 Motero Ahaziya anafadi, monga mwa mawu a Yehova amene Eliya anayankhula. Tsono popeza Ahaziya analibe mwana, Yoramu analowa ufumu mʼmalo mwake mʼchaka chachiwiri cha Yehoramu mwana wa Yehosafati mfumu ya ku Yuda.
Naizvozvo akafa, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria. Nokuti Ahazia akanga asina mwanakomana, Joramu akazomutevera paushe pagore rechipiri raJehoramu, mwanakomana waJehoshafati, mambo weJudha.
18 Ntchito zina zonse zimene Ahaziya anachita, kodi sizinalembedwe mʼbuku la mbiri ya mafumu a ku Israeli?
Zvino, mabasa akaitwa pamazuva okutonga kwaAhazia, nezvaakaita iye hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

< 2 Mafumu 1 >