< 1 Mbiri 26 >
1 Magulu a alonda a pa zipata: Kuchokera ku banja la Kora: Meselemiya mwana wa Kore, mmodzi mwa ana a Asafu.
Mapoka avachengeti vemikova aiva: Kubva kuvaKora: Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi.
2 Meselemiya anali ndi ana awa: woyamba Zekariya, wachiwiri Yediaeli, wachitatu Zebadiya, wachinayi Yatinieli,
Mesheremia aiva navanakomana vaiti: Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri, Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina,
3 wachisanu Elamu, wachisanu ndi chimodzi Yehohanani, ndipo wachisanu ndi chiwiri Elihunai.
Eramu wechishanu, Jehohanani wechitanhatu, naEriehoenai wechinomwe.
4 Obedi-Edomu analinso ndi ana awa: woyamba Semaya, wachiwiri Yehozabadi, wachitatu Yowa, wachinayi Sakara, wachisanu Netaneli,
Obhedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti: Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri, Joa wechitatu, Sakari wechina, Netaneri wechishanu,
5 wachisanu ndi chimodzi Amieli, wachisanu ndi chiwiri Isakara ndipo wachisanu ndi chitatu Peuletayi. (Pakuti Mulungu anadalitsa Obedi-Edomu).
Amieri wechitanhatu, Isakari wechinomwe naPeuretai wechisere. (Nokuti Mwari akanga aropafadza Obedhi-Edhomu.)
6 Mwana wake Semaya analinso ndi ana amene anali atsogoleri mʼbanja la abambo awo chifukwa anali anthu amphamvu.
Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa kwazvo.
7 Ana a Semaya anali: Otini, Refaeli, Obedi ndi Elizabadi; abale ake, Elihu ndi Semakiya, analinso anthu amphamvu.
Vanakomana vaShemaya vaiti: Otini, Refaeri, Obhedhi naErizabhadhi; hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa.
8 Onsewa anali adzukulu a Obedi-Edomu. Iwo ndi ana awo ndiponso abale awo anali anthu aluso ndi amphamvu pogwira ntchito. Zidzukulu zonse za Obedi-Edomu zinalipo 62.
Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu. Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete.
9 Meselemiya anali ndi ana ndi abale ake amene anali aluso ndipo onse analipo 18.
Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete.
10 Hosa Mmerari anali ndi ana awa: woyamba anali Simiri (ngakhale kuti iye sanali woyamba kubadwa, abambo ake anamusankha kuti akhale mtsogoleri),
Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti: Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe, baba vake vakamuita wokutanga.)
11 wachiwiri Hilikiya, wachitatu Tebaliya ndipo wachinayi Zekariya. Ana ndi abale onse a Hosa analipo 13.
Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu naZekaria wechina. Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete.
12 Magulu amenewa a alonda a pa zipata, motsogozedwa ndi atsogoleri awo, anali ndi ntchito yotumikira mʼNyumba ya Yehova, monga momwe amachitira abale awo.
Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo.
13 Iwo anachita maere mwa mabanja awo aangʼono ndi aakulu omwe kuti apeze mlonda pa chipata chilichonse.
Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rimwe nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete.
14 Maere a chipata chakummwa anagwera Selemiya. Maere anachitikanso chifukwa cha mwana wake Zekariya, phungu wanzeru ndipo maere a chipata chakumpoto anagwera iye.
Mujenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia. Zvino mijenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.
15 Maere a chipata chakummwera anagwera Obedi-Edomu, ndipo maere a nyumba yosungiramo katundu anagwera ana ake.
Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obhedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.
16 Maere a chipata chakumadzulo ndi chipata cha Saleketi ku msewu wa ku mtunda anagwera Supimu ndi Hosa. Mlonda ankayangʼanana ndi mlonda mnzake:
Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reShareketi kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa. Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.
17 Mbali ya kummawa kunkakhala Alevi 6 pa tsiku, kumpoto anayi pa tsiku, kummwera anayi pa tsiku ndipo awiri ankakhala pa nyumba yosungiramo katundu.
Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva, kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva, zasi kuine vana pazuva uye vaviri panguva imwe chete padura.
18 Ndipo ku bwalo cha kumadzulo, anayi amakhala mu msewu ndi awiri pabwalo penipeni.
Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.
19 Awa anali magulu a alonda a pa zipata amene anali zidzukulu za Kora ndi Merari.
Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.
20 Abale awo Alevi, motsogozedwa ndi Ahiya, anali oyangʼanira chuma cha nyumba ya Mulungu ndi zinthu zoperekedwa kwa Mulungu.
Pakati pehama dzavo vaRevhi, Ahija ndiye aiva mukuru wavachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa.
21 Adzukulu a Ladani, mmodzi mwa ana a Geresoni, amene anali atsogoleri a mabanja a Ageresoni, anali awa: Yehieli,
Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri,
22 ana a Yehieli, Zetamu ndi mʼbale wake Yoweli. Iwo amayangʼanira chuma cha ku Nyumba ya Mulungu wa Yehova.
vanakomana vaJeheri, Zetami, nomununʼuna wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha.
23 Kuchokera ku banja la Amramu, banja la Aizihara, banja la Ahebroni ndi banja la Auzieli:
Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri:
24 Subaeli, chidzukulu cha Geresomu, mwana wa Mose, anali mkulu woyangʼanira chuma.
Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma.
25 Abale ake obadwa mwa Eliezara, anali Rekabiya mwana wake, Yesaya mwana wake, Yoramu mwana wake, Zikiri mwana wake ndi Selomiti mwana wake.
Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake.
26 Selomiti ndi abale ake amayangʼanira zinthu zonse zoperekedwa kwa Mulungu ndi mfumu Davide, atsogoleri a mabanja amene anali olamulira ankhondo 1,000, olamulira ankhondo 100, ndi olamulira ankhondo ena.
(Sheromiti nehama dzake vaiva nebasa rokuchengetedza pfuma yose yezvinhu zvakakumikidzwa naMambo Dhavhidhi, navakuru vemhuri dzavo vaiva vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana uye navamwe vatungamiri.
27 Zina zofunkha ku nkhondo anazipereka kuti zikhale zokonzera Nyumba ya Yehova.
Zvimwe zvezvakapambwa muhondo vakazvikumikidza kuti zvishandiswe pakugadziridza temberi yaJehovha.
28 Ndipo zonse zimene zinaperekedwa ndi Mlosi Samueli, Sauli mwana wa Kisi, Abineri mwana wa Neri ndiponso Yowabu mwana wa Zeruya ndi zinthu zonse zimene zinkaperekedwa zimasungidwa ndi Selomiti ndi abale ake.
Uye zvose zvakakumikidzwa naSamueri muoni naSauro naJoabhu mwanakomana waZeruya, nezvimwe zvinhu zvose zvakakumikidzwa zvaichengetwa naSheromiti nehama dzake.)
29 Kuchokera ku banja la Izihari: Kenaniya ndi ana ake anapatsidwa ntchito kutali ndi Nyumba ya Mulungu ngati akuluakulu ndi oweruza Israeli.
Kubva kuvaIzhari: Kenania navanakomana vake vakapiwa mabasa ekure netemberi vari machinda navatongi muIsraeri.
30 Kuchokera ku banja la Ahebroni: Hasabiya ndi abale ake, anthu anzeru 1,700. Iwo ankayangʼanira ntchito zonse za Yehova ndi ntchito yonse ya mfumu cha kumadzulo kwa Yorodani.
Kubva kuvaHebhuroni: Hashabhia nehama dzake, varume chiuru namazana manomwe vaikwanisa ndivo vaiva vakuru muIsraeri kumadokero kweJorodhani pabasa rose raJehovha napabasa rose ramambo.
31 Pa banja la Ahebroni, Yeriya anali mtsogoleri monga mwa mbiri ya mibado ya mabanja awo. Mʼchaka cha 40 cha ufumu wa Davide, panachitika kafukufuku ndipo ena mwa anthu aluso a banja la Hebroni anapezeka kuti anali ku Yazeri ku Giliyadi.
Kana vari vaHebhuroni, Jeria ndiye aiva mukuru wavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo dzemhuri dzavo. (Mugore ramakumi mana rokutonga kwaDhavhidhi, pakaitwa ongororo yezvinyorwa zvenhoroondo, uye pakawanikwa varume vaikwanisa pakati pavaHebhuroni paJazeri muGireadhi.
32 Yeriya anali ndi abale 2,700 amene anali aluso ndiponso atsogoleri a mabanja. Mfumu Davide anawayika iwowa kuti aziyangʼanira fuko la Rubeni, fuko la Gadi ndi theka la fuko la Manase pa zinthu zonse za Mulungu ndi za mfumu.
Jeria aiva nehama zviuru zviviri namazana manomwe vaiva varume vaikwanisa uye vari vakuru vemhuri dzavo, uye Mambo Dhavhidhi akavaita kuti vave vatariri vavaRubheni, vaGhadhi, nehafu yorudzi rwaManase kuti vagadzirise nyaya dzose dzezvaMwari nenyaya dzose dzamambo.)