< San Mateo 19 >
1 YA malofan anae si Jesus munjayan este sija na finanagüeña, jumanao guiya Galilea, ya mato gui oriyan Judea, gui otro bandan Jordan.
Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko awa, akabva kuGarirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani.
2 Ya madalalag güe ni y dangculo na linajyan taotao, ya janafanjomlo güije.
Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo.
3 Ayo nae manmato guiya güiya y Fariseo sija, ya matienta güe ya ilegñija nu güiya: Siña y laje jayute y asaguaña pot jafa na rason?
VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi?
4 Güiya jaope ya ilegña: Ada ti intaetae na y fumatinas desde y tutujon, laje yan palaoan jafatinas sija;
Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti iye wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi?
5 Ya ilegña: Pot este y laje upolo si tataña yan si nanaña, ya udaña yan y asaguaña, ya sija na dos unoja catneñija?
Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu achasiya baba namai, uye achanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe.
6 Taegüenao sija ti udos, na unoja na catne. Pot enao mina y ninadaña Yuus, ti mauleg y taotao ujanaadesapatta.
Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza munhu ngaarege kuparadzanisa.
7 Ylegñija nu güiya: Pot jaf mina si Moises jatago na umatugue y papet umadesapatta, ya umayute?
Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba?
8 Güiya ilegña: Pot y manmajetog corasonmiyo, si Moises na japetmite na inyite y asaguanmiyo, lao y tutujonña ti taegüenao.
Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro.
9 Guajo jamyo sumangane, na jayeja y yumute y asaguaña ya ti pot y inabale, ya umasagua yan otro, umabale; ya y umasagua yan y umayute, umabaleja.
Asi ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, anopomba; neanowana wakarambwa anopomba.
10 Ylegñija y disipuluña sija nu güiya: Yaguin taegüenao nu y laje yan y asaguana, ti mauleg na umasagua.
Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana.
11 Ayo nae ilegña: Ti todo siña rumesibe este na sinangan: na ayoja sija y manmanae.
Asi akati kwavari: Vese havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa.
12 Sa guaja capon sija na y mafañago capon guine y jalom tuyan nanañija; ya guaja capon na ninafancapon ni y taotao sija; ya guaja capon na jacapon maesaja sija pot rason di y raenon langet. Y siña rumesibe este, güiya uresibe.
Nokuti kune vatenwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vatenwa, vakaitwa vatenwa nevanhu; uye kune vatenwa vakazviita vatenwa nekuda kweushe hwekumatenga. Anogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire.
13 Ayo nae machule guato guiya güiya famaguon sija, para upolo y canaeña gui jiloñija, ya ufanaetae; lao y disipulo sija manlinalatde y manmangongone guato.
Zvino kwakauyiswa kwaari vana vadiki, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.
14 Lao si Jesus ilegña: Polo y famaguon, ya chamiyo chumochoma, na ufanmamaela guiya guajo; sa iyon este sija y raenon langet.
Asi Jesu wakati: Tenderai vana vadiki, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai.
15 Ya anea munjayan japolo y canaeña gui jiloñija, mapos güije.
Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.
16 Ya estagüe uno na mato, ya ilegña: Maestro, jafa mauleg jufatinas, para juguaja taejinecog na linala? (aiōnios )
Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi? (aiōnios )
17 Güiya ilegña: Jafa na funaesenyo nu y minauleg? Guaja unoja mauleg: lao yaguin malagojao jumalom gui linâlâ, adaje y tinago sija.
Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.
18 Ylegña nu güiya: Jafa? Si Jesus ilegña: Munga mamuno; munga umabale; munga mañaque; munga masangan y ti magajet na testimonio;
Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema,
19 Onra si tatamo, yan si nanamo; Ya güaeya y tiguangmo calang jago maesaja.
kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe.
20 Y patgon na taotao ilegña nu güiya: Todo este sija juadaje: Jafa trabia fattaco?
Jaya rikati kwaari: Izvozvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu; ndichiri kushaiwei?
21 Ylegña si Jesus nu güiya: Yaguin malagojao na uncabales, janao, ya unbende todo y güinajamo, ya unnae y mamobble, ya uguaja güinajamo gui langet; ya maela dalalagyo.
Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere.
22 Lao anae jajungog y patgon na taotao, este na sinangan, ninatriste ya mapos; sa guaja megae iyoña na güinaja.
Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nokuti rakange rine nhumbi zhinji.
23 Ayo nae si Jesus ilegña ni disipuluña: Magajet jusangane jamyo, na y manrico mapot jumalom gui raenon langet.
Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga.
24 Ya jusangane jamyo talo, na mas guse un cameyo malofan gui matan jaguja, qui un rico ujalom gui raenon Yuus.
Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
25 Anae jajungog este sija y disipuluña, ninafangosmanman, ya ilegñija: Jaye nae siña satbo?
Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Saka ndiani angagona kuponeswa?
26 Maninatan as Jesus, ya ilegña nu sija: Yan y taotao sija, ti siña este; lao yan si Yuus, todo siña.
Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvese zvinobvira.
27 Ayo nae manope si Pedro, ilegña nu güiya: Estagüejamja, na inpelo todo, ya indadalalagjao; jafa nae uguajanmame?
Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai; zvino tichava nei?
28 Si Jesus ilegña nu sija: Magajet jusangane jamyo, na jamyo ni dumadalalagyo, y tiempon finamauleg, anae matachong y Lajin taotao gui tronon y langetña, jamyo locue infanmatachong gui jilo y dose na trono para injisga y dose na tribu guiya Israel.
Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu agara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
29 Ya jayeja y yumute gumaña, pat cheluña laje, pat cheluña palaoan, pat tataña, pat nanaña, pat lajiña, pat tanoña pot y naanjo, ufanresibe cien biaje, ya umaereda ni y taejinecog na linâlâ. (aiōnios )
Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi. (aiōnios )
30 Lao megae na manfinenana ufanuttimo; ya y manuttimo ufanfinenana.
Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.