< Откровение 5 >

1 И видях в десницата на седещия на престола книга, написана отвътре и отвън запечатана със седем печата.
Ipapo ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanga rakapetwa, rakanga rakanyorwa kumativi ose uye rakanamwa nezvisimbiso zvinomwe.
2 И видях, че един силен ангел прогласяваше с висок глас: Кой е достоен да разгъне книгата и разпечата печатите й?
Uye ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru achiti, “Ndiani akafanira kusunungura chisimbiso nokuzarura bhuku rakapetwa?”
3 И никой, нито на небето, нито на земята, не можеше да разгъне книгата нито да я гледа.
Asi hakuna munhu kudenga kana panyika kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rakapetwa kana kunyange kutarira mukati maro.
4 И аз плаках много, защото никой не се намери достоен да разгъне книгата нито да я гледа.
Ndakachema nokuchema kukuru nokuti hakuna munhu akawanikwa akanga akafanira kuzarura bhuku rakapetwa kana kutarira mukati maro.
5 Но един от старците ми каза: "Недей плака: ето лъвът, който е от Юдовото племе, който е Давидовият корен, превъзмогна, за да разгъне книгата и да разпечата нейните седем печата".
Ipapo mumwe wavakuru akati kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.”
6 И видях между престола и четирите живи същества между тях и старците, че стоеше Агне като заклано, което имаше седем рога и седем очи, които са седемте Божии духове, разпратени по цялата земя.
Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.
7 И то дойде та взе книгата из десницата на седещия на престола.
Rakauya rikatora bhuku rakapetwa muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe.
8 И когато взе книгата, четирите живи същества и двадесетте и четири старци паднаха пред Агнето, като всеки държеше арфа и златни чаши пълни с темян, които са молитвите на светиите.
Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene.
9 И пеят нова песен, думайки: Достоен си да вземеш книгата и да разпечаташ печатите й: защото си бил заклан, и със Своята кръв си изкупил за Бога човеци от всяко племе, език, люде и народ
Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
10 и направил си ги на нашия Бог царство и свещеници: и те царуват на земята.
Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu, uye vachatonga panyika.”
11 И видях и чух глас от много ангели около престола и живите същества и старците; (и числото им беше десетки хиляди по десетки хиляди и хиляди по хиляди):
Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru.
12 и казваха с висок глас: Достойно е Агнето, което е било заклано, да приеме сила и богатство, премъдрост и могъщество, почит, слава и благословение.
Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!”
13 И всяко създание, което е на небето, на земята и под земята и по морето и всичко що има в тях, чух да казват: На Този, Който седи на престола, и на Агнето да бъде благословение и почит, слава и господство, до вечни векове. (aiōn g165)
Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” (aiōn g165)
14 И четирите живи същества казаха: Амин! И старците паднаха, та се поклониха.
Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.

< Откровение 5 >