< 1 Коринтяни 3 >
1 И аз, братя, не можах да говоря на вас, като на духовни, но като на плътски, като на младенци в Христа.
Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu.
2 С мляко ви храних, не с твърда храна; защото още не можехте да го приемете, а и сега още не можете.
Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino.
3 Понеже и досега сте плътски; защото, докато има между вас завист и разпра, не сте ли плътски, и не постъпвате ли по човешки?
Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamusi venyika here? Ko, hamusi kufamba savanhuwo zvavo here?
4 Защото, кога един казва: Аз съм Павлов, а друг: Аз съм Аполосов, не сте ли като човеци слаби?
Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporosi,” ko, hamusi vanhuwo zvavo here?
5 Какво е, прочее, Аполос, и какво е Павел? Те са служители, чрез които повярвахте, и то както Господ е дал на всеки от тях.
Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe.
6 Аз насадих, Аполос напои, но Господ прави да расте.
Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa.
7 И тъй, нито който сади е нещо, нито който пои, а Господ, Който прави да расте.
Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu.
8 Прочее, тоя, който сади, и тоя, който пои, са равни, обаче всеки според своя труд ще получи своята награда;
Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake.
9 защото сме съработници на Бога, като вие сте Божия нива, Божие здание.
Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
10 Според дадената ми Божия благодат, като изкусен строител аз положих основа; а друг гради на нея.
Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.
11 Защото никой не може да положи друга основа, освен положената, която е Исус Христос.
Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.
12 И ако някой гради на основата злато, сребро, скъпоценни камъни, дърво, сено, слама,
Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga,
13 всекиму работата ще стане явна каква е; защото Господният ден ще я изяви, понеже тя чрез огън се открива; и самият огън ще изпита работата на всекиго каква е.
basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.
14 Тоя, комуто работата, която е градил, устои, ще получи награда.
Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake.
15 А тоя, комуто работата изгори, ще претърпи загуба; а сам той ще се избави, но тъй като през огън.
Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.
16 Не знаете ли, че сте храм на Бога, и че Божият Дух живее във вас?
Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?
17 Ако някой развали Божия храм, него Бог ще развали; защото Божият храм е свет, който храм сте вие.
Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi temberi yacho.
18 Никой да не се лъже. Ако някой между вас мисли, че е мъдър според тоя век, нека стане глупав за да бъде мъдър. (aiōn )
Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera. (aiōn )
19 Защото мъдростта на тоя свят е глупост пред Бога, понеже е писано: "Улавя мъртвите в лукавството им";
Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,”
20 и пак: "Господ знае, разсъжденията на мъдрите са суетни".
uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.”
21 Затова никой да се не хвали с човеците. Защото всичко е ваше;
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu,
22 било Павел, или Аполос, или Кифа, или светът, или животът, или смъртта, или сегашното, или бъдещето, всичко е ваше;
angava Pauro kana Aporosi, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu,
23 а вие сте Христови, а Христос Божий.
uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.