< Titus 1 >
1 Bulus Ivre koh Irji u toh du Yesu Almasihu ni chuidi bi Irji ni toh njanjaji.
Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari,
2 Biyi ni ye suron ni drie u kakle wa ice na hei ni mi Irjina wa a hlah ni sen. (aiōnios )
kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, (aiōnios )
3 Ni ton kima a tsoro itere ma ni to du ma wa mba ne dume dub mi ti wayi ni tre Irji u kpata chuwo.
panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu,
4 Hi ni Titus Ivren u njanji ni mi kpayemebu isi suron u ndedema u Irji iti Buachi bu Yesu.
kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu.
5 Ni tu kima me kawu do ni karita na kima u ka mla kpie ba ti ni ba wa bana Shuna chu be nikon ni gbu'a wawu'u na de me hla'u'a
Ndakakusiya paKirete kuti upedzise zvakasara zvisina kupera uye kuti ugadze vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira.
6 Na ki du nikon du na he idi u memeti na. Lilo du he ni iwa riri da he ni imri be wo tre.
Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri.
7 A naki nikon u tra Irji du hi u ya tra ni ko ito rime du na ti kpi meme na du na he idi u sohda hwa na, u kpa bubu timeme da soh tuma.
Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa.
8 Na kima ka he idi u kpa be tsiri ni wo ha. ikpan ikpi dedema naki du he idi. dedema. u mla kpi ti ni klu sisiri Irji ni sonroma da he u vutuma.
Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata.
9 Du he u hla tre wa ba towu do'a da na hla ice ni mina. Nakima a ni ya gron bari da tsro ba dedeme u mla ti.
Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa.
10 Naki idi be sehtu ba hay gbugbu be wa ba tre kukklu da ni guru idi ni ce tutu be wa ba tre ade ba ye jia.
Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa.
11 Abi du ba zuba mba bah itere Irji kwansra da ni tsoro mba ikpi u shan wa a na bi du ba tsoro ba na.
Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa.
12 Iri ni mi ba a hi u toh gyegyere a “tere “keme ni glu ingle bi cei, be memeti.
Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.”
13 Itere a njanji mlati ni bawu ni gbegble wa ba gburu ni mi njaji.
Uchapupu uhu ndohwechokwadi. Naizvozvo vatsiure zvikuru, kuti varurame pakutenda
14 Na ka sroun me wo holocholo u Yahudawa ni ibe mba wa mba kwab njaaji Sarah.
uye kuti varege kuteerera ngano dzavaJudha, kana kurayira kwavanhu vakaramba chokwadi.
15 Ye ni bi wa ba he tsratsra ko nge ni mba a hi tsratsra. i be wa bana he tsratsra na mba na he tsratsra na da he ni njaji na.
Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora.
16 Koge na he tsratsra na ni tu isroun mba ni i meren mba a hi hlotsu megi.
Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka.