< Revelation 1 >
1 Wa yi hinhran u Yesu Kristi wa Irji nnowu ndu tsro ba granma ikpye waa a tie weiwiere a. A tru meleka ma ye ni Yohanna ye nhra wa.
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani,
2 Yohanna ahla lantre Rji nda hla u Yseu Kristi u kyi wa atoh wawumbambawu.
iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu.
3 Indi uluw ahi wa akra totsuma ma ngbangban me'a ma kii biwa mba tsi wo tre waatre nda kpa nyemen ni kpe wa mba ha nimi into a he whewhir.
Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
4 Ime, Yohanna, hi ni Ikilisiyoyi tagban wa mba he nigbu mba asiya; tsitsi hi niyi ni sikpa ni wa ahe tsizan, wa he ni tsenmu, wawu ni ye ni shi-shi ruhohin tagban wa mba he ni kgbu kursiyin ma.
Johani, kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe,
5 Arji ni Yesu Kristi wa mba kpanyemen ni wu, iver mumla wa alude nimi mben; wa atu chu bi gbugbu ni wa ni sonta. nda situ ihuwo ni la bi latre gbu ni iyinman.
nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika. Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake,
6 Aleta te bi chu firistoci bi Rji ma ni teman. ndidin, ukpele wi he ai wu tun nitse ahemen (amin) (aiōn )
uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari naBaba vake, ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni. (aiōn )
7 Nya atsiye nimi kpan, shishi nde mbato ni nde biwa tugbu ni njigba ndi bi gbugbu pepemen mbayin niwu, ahemen (amin).
Tarirai, ari kuuya namakore, uye meso ose achamuona, kunyange naivo vakamubaya; uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake.
8 Ameyin mumudin ni klekle Irji treme wawu zizan; wa ahe tu nitsemu, wawu niyen, wawu ni kpekple wawu.
“Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”
9 Eme, Yohanna, rayinbin, wa ahe niyin ni mi iyabin, ni son ndidi ni fusroun waube ni Yesu. Igbulu mba wambayo Badmusa, ni tre Rji wa ala ni tu Yesu.
Ini Johani, hama yenyu nomufambidzani wenyu mumatambudziko, muumambo, nomukutsungirira nomwoyo murefu wedu muna Jesu, ndakanga ndiri pachitsuwa chePatimosi nokuda kweshoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu.
10 Mi he nimi Ruhu nifi u Rji, ndi wo lanri ni kwugon nu na ijun.
Pazuva raShe, ndakanga ndiri muMweya, uye ndikanzwa mushure mangu inzwi guru rinenge rehwamanda,
11 Ala ha ikpe wawu to rinu vuvu; nde tru hi ni Ikilisiyoyin tagban mba; wa ahe Afisus; ni Simirna, waahe ni Tayatira, wa ahe ni Sardisu, waahe ni Filadalfiya, ni waahe ni Laudikiya.
richiti, “Nyora mubhuku rakapetwa zvaunoona ugozvitumira kukereke nomwe: dzokuEfeso, Simina, Pegamo, Tiatira, Sadhisi, Firadherifia neRaodhikea.”
12 Mi ya ndi atsi tre nimen, wa mi ya miton ilu fitila tagban ni ngbugbu klomba.
Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje,
13 Nimi ilu nde ri hena ker nde a kri ni gla gagloma hi ni zanma, alakpa ni zinariya nitsan ma.
uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanhire regoridhe pachipfuva chake.
14 Ituma ni fukpa kye na fu fu rjurju na men atsi gji ni kpama; shishi ahe na wau.
Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto.
15 Izama mba kpa, mbahe na klalu wa mba la niwu, atsi glo na man ni nei.
Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji.
16 Nuwo kota ma agji tsitse tangba ni nyuma agji gjin e. nyu ha shishi ma tsi kpa na rji.
Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose.
17 Wa mi tori mi jeku nza ma na kgbu nde. akawo ma ikita san ni tu mu nda la, na ti tsitsirena, imee mi mumle ni nklekle.
Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira.
18 Niwa ahe, mi kwu nya mi he nitse mi he ni mukuli re mba u kwu ni iko lu. (aiōn , Hadēs )
Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi. (aiōn , Hadēs )
19 A he nawa, ha kpe wawu to igpi waahe zizan, waani he ni kwogon waujin.
“Naizvozvo, nyora zvawaona, zviripo zvino nezvichazoitika shure kwaizvozvi.
20 Mi tu ma'ana, ni tsitse tagban wa mba to niwo kotama, ni whirji wa mbalo. Fitila tagban u Zinariya. tsitse tagban mba malaiku (pastoci) bi Ikilisiya tagban, whi rji mba lo fitilu tagban mba Ikilisiyoyi tagban mba.
Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi nechezvigadziko zvinomwe zvemwenje ndechichi: Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe, uye zvigadziko zvinomwe zvemwenje ndidzo kereke nomwe.