< Matiyu 19 >

1 Ahe ni wa Yesu a hla tre biyi kle a, wa a wlu ni Galili hi nklan u Yuhudiya ni ko gran inne urdu.
Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani.
2 Gbugbu ndi baka hu, u wa a den ba.
Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko.
3 Farisawa baye tsrawu nda mye wu, A he tu nkon ndu lilon ga gran ni wa ma ni tu kpye?
Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?”
4 Yesu a saa nda tre din “Bani kra ndi wawu wa atie ba rji ni mumla a tie ba lilon mba wa na?
Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi,
5 Wawu wa atie mba a tre ngame din 'A nitu tre yi mba lilon ni kaa tiema ni yima don nda kabi ni wama u baba harli ba ba kati kpa ri.
akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’
6 Bana la harli ngana bahi kpa ririi. Tikima ikpye wa Rji kau kabia ndu ndjio ri gawu tie nkan na.
Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.”
7 U baka hla niwu, U ni tu ngye mba Musa a hla ridu ta nno imbe u gagran ndi la zu wa?
Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?”
8 A hla ni bawu, “Ahe ni tu gbegbe sron mbi mba Musa a ndu yi zu mbambi, rji ni mumla ana he tokima na.
Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga.
9 Mi hla yiwu, indi wa a zu wamaa, u wama he nitu wa lilon na, nda hi kagran ndji ri a tielatre u tie kan.
Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.”
10 Mrli koh ba baka hla ni Yesu din “Ani ta he towa ni tu lilon mba wama, ka anabi ndu ndji gran na”
Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.”
11 U Yesu ka hla bawu, “Ana ndji wawuu ba kpa tre yi na, se biwa ba kpa nyme ni bawu ndu ba kpa.
Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa.
12 Bari ba he wa ba ngrji hama ni krju'a u indji bari ba ka kpamba tie bi krju'a kimba ni tu mulki u shulu. I wa ani to kpa itsro yi a.
Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.”
13 Nikima baka nji kpran mrli bari ye ndu sawo nda tie aduwa ni bawu u mrli kolo maa baka zu ba.
Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo.
14 Yesu a hla, “Don kpran mrli ba ndi ni zu ba ni ye ni mena, e mulki u shulu ahi u bibi mba yi”
Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.”
15 A kawo ma sa ni tu mba nda wlu ni kima hi kpama.
Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo.
16 U indji ri aye ni Yesu nda tre, “Mala ayi ngye zizi wa ahi gbigbi ndu mi tiewu ni kpa son u kasese? (aiōnios g166)
Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” (aiōnios g166)
17 Yesu a tre din, “A ni tu ngye rli u mye me ikpye u zizi? Ahi ririyi megyen ahi zizi u ani ta ndi wu wa uri ni son kase, uka hu doka ba”
Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.”
18 Igua ka hla wu “Doka bari me?” Yesu hla wu na y'ba wo na tie kan na, na y'bi na, na klri ni gon ndji nice na.
Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?” Jesu akapindura akati, “‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema.
19 Wo tieme mba yime ndi son vayi me towa u son kpame a
Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’”
20 U vrenze a hla niwu “Ikpyi bayi mi tie ba wawuu ye. Ahi ngye rli don mu?”
Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?”
21 Yesu a hiawu, U tina son ku nyren na uka hi vu kpyi me le ndi kpa klen a nnobi ya tokima u he ni kpyi ni shulu.
Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”
22 U wa vrenze'a wo kpye wa Yesu trea a k'ma hi kpama gbo dodo me ni tu wa ahe ni kpyi gbugbuwu.
Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo.
23 Yesu ka treni mrli koh ma ba “Njanjimu mi hla ni yiwu ahe ni dii ndu ndji u wo ndu ri ni igbu chu u shulu.
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga.
24 Mi hla yiwa ngarli, Ani he dii ni ndji u wo ndu ri ni gbu u chu shulu zan wa lakrumi ka ri ni ndo nnro”
Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
25 Niwa mrli kohma ba wo tokima baka manji ma wakran nda tre “Wa nha mba ni j'bu?”
Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?”
26 Yesu aya ba nda tre, “Ni ndji ana ti tu u ni Rji ikpi wawu mba wu ba tie tu”
Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
27 Nikiyi Bitru ka saa nda tre niwu “To kie ka ko ngyeri don ndi huu. A ngyeri mba ki he wu?”
Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?”
28 Yesu a tre ni mba “Njanjimu mi hla yiwu ni ngyrji u saa ni nton wa Ivren Ndji ni son ni ruron ma u chua biyi wa bi hume a bi son ni ruron chu tso ndi tron igrji tso u Israila.
Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri.
29 Iwa aka ba koh, mrli vayi lilon, vayi mrli mba, itie, iyi, imrli, ka ba rju ni tu nde mu, ani kpa mla nkpu se wlon nda son kasese. (aiōnios g166)
Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi. (aiōnios g166)
30 U gbugbu wu wa ba bi u mumla ba k'ma tie bi klekle u bi klekle a ba katiebi mumla.
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.

< Matiyu 19 >