< Matiyu 17 >

1 Niwa ba tie vi tanne a, Yesu ka nji Bitru u Yakubu, U Yohana vayi ma, hi ni kiekle ngbluri baba kimba.
Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohani mununʼuna waJakobho akakwira navo mugomo refu vari voga.
2 Iheme a kasran ni shishimba. Shishima ka shan na rji u ikpi wa a sru'a baka kpan njlan (lulu) me.
Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.
3 U ba krli to Musa mba Iliya ba ki tre ni wu.
Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.
4 Bitru a saa nda hla ni Yesu, “Baci a bi ni tawu wa kie he niwa. U tie kpa yime mi tie bru tra-iri ni wu u ri ni Musa, uri ni Iliya.
Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”
5 Ahe ni mi si tre me u kpalu u kpan ma aye ka ba gbrjime krjutie u lan ri ye rji ni kpaa nda tre, “I wayi ahi vrenmu wa mison wu kpukpo me, ndi ni ngri ni wua. Wawu yi”.
Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira, uye inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”
6 Wa Mrli koh ma ba wo trea ba kpon sisri naa kukru ni shishi ni meme.
Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo.
7 U Yesu a ye nda kpyre mba nda tre “Wlu nde din na tie sisri na”
Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.”
8 U ba nzuya nda na to ndio ri na se wawu Yesu yi megyen
Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga.
9 Ba si grji ni ngblu a u Yesu ka mha ba nda tre “Na hla nhranyi ni ndio ri na se Ivren ndi tashme ni mbe”
Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.”
10 Mrli koh maa ba mye, “Wa ni tu ngye mba mala bi atawura ba tre nda hi gbigbi ndu Iliya ye ni mumla?”
Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”
11 Yesu a saa nda tre “Iliya nige njanji nda nji ikpyi ba k'maye wawuu.
Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose.
12 U mi hla yiwu, Iliya a ye' ye. U bana towu na. Niva ani he to kia, ba' tie kpye wa sron mba son a. Ani he ni nkon bi kimayi Ivren Ndi ngame ni tie ya ni wo mba.
Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.”
13 Ni kiyi mrli koh maa baka to nda si tre ni tu' Yohana u tie batisma.
Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi.
14 Wa baye ri ni bubu u shubia, indi ri kaye niwu, a kukhwu ni shishima nda tre,
Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati,
15 “Baci, wo yimu ni tu vrenmu vrenlon, ani ku nkpyinkpi nda ni tie ya kpukpome. E azi ku ni lu ni ma.
“Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura.
16 Mi nji wu ye ni mrli koh me, u bana toh den wu na”
Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.”
17 Yesu saa nda tre, “Bi hamma ni nkponji u ni bi nzan wa ba k'ma kpyi sran a mi zi he niyi hi ni tanyi? Mi zi vu sron niyi hi ni tonyi? Nji wu yemu wa.
Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.”
18 Yesu a kpa nha ni brji shango a wa ka rju donwu u vren kafe si ni nton kima.
Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo.
19 U mrli koh maa ba ye ni Yesu ni yoybi nda tre, “Ahi ngye mba tie u kiena toh zu brji a na?
Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?”
20 Yesu a hla ni bawu, “Ahe ni tu tsitsa sron mbi. E mi hla yiwu njanjimu ndi, bitie he ni kponji sron wa andi tsa (fyi) meyi to wlo su' bi hla ni ngblu yi, 'cbi rju (di) wa hi ni wamu, u ani c'bi hi u ikpye riri me na nnayi wo na.
Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita.
21 U bi brji yi na rju na hamma ni vu nyu mba tie aduwa.
Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya.”
22 Ba he ni Galili u Yesu a hla ni mrli koh maa, “Ba ka Ivren Ndi nno ni wo' ndi.
Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu.
23 U ba wuu, u nivi u tra ani tashme” mrli koh maa ba ka'tie whie me.
Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo.
24 Wa baye ri ni Kapanahum a, bi kpa bhan inghama shekel baye ni Bitru nda tre, “Mala (Baci) bi a ni han bhan ignhama shekel a?”
Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, “Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?”
25 A tre “e” U wa Bitrus a ye ni koh a, Yesu a tre niwa nda hla ndi, “A ngye mba hi mre me sima? Bi chu ngbungblu ba kpa bhan mba ni ba nha? Rji ni mrli mba kaa rji ni ba ri?
Akapindura akati, “Hongu, anoripa.” Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?”
26 Bitru a saa wu “Rji ni bari” Yesu ka tre, “Ka mrli ba bana han bhan na”
Petro akapindura akati, “Kuna vamwe.” Jesu akati, “Saka vana vakasununguka.
27 U ni ndu ta na yo bi kpa bhan ba tie latre na, hi ni nne, ndi ta ngron ri yomi ndi gbi lambe wa ngron vu ni mumla rju. U ti bwu nyu ma u toh shekel ri. Cuu ka nno bi kpa bhan ba u nyu mu ni wu”
Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”

< Matiyu 17 >