< Mark 8 >
1 Niton mu a indi gbugbuwu ba hei ba wa bari. Yesu yo miri koma da tre bawu di
Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
2 “idi ba ba lo me suron, ba he mi me har vi tra ye da na hei ni kpe wa ba rhi na.”
Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya.
3 Me ta turba duba he kpamba ni komba dana rina ba ki kobo ni ko bari ba ji ni gbugbamu.”
Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.
4 Mini koma ba mye “kife birdi nitsen-e ni wa, da ni mal ni di ba yi?”
Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?
5 A miba bi hei ni gble bredi ibve wa miye ba “a hi bredi bren ba bi he niwu? uba hla a ndi tangban. Ba lla ni wu'u “tan gban”
Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.
6 A tre du gbugbu di ku ba son ni meme da ba bredi tangpa da bre da non mini ko ma du ba ga ni bawu u ba ka ga ni di ba.
Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.
7 Ba hei ni lambe game time ni womba baya wa a bre Irji, da la yo mir koma da nuba duba nu ndi ba du ba tan.
Uye vakange vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo.
8 Da ba ta ba wrji da vu imbru ma sisen tangpebi rigarma.
Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
9 Indi ba bakai dubu iziya. Ba ya ki a yo ba ninko duba hi kpamba.
Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.
10 A ti-gbla ri ni jirgima baba mininkoma da ri nklan Dalmanuta.
Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.
11 Bi mrlian ndi ba ba ye da faragbi sur ni wu'u. Ba son ba to alama wa rju ni shullu, ba son ba tser u ton.
Zvino VaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
12 A tan fuon ni mi suron da tre “a gye sa indi bi meyi ba son ba to alama na? Janji mi la yi wu idi bi meyi ba na to alama na”.
Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.
13 Wa kaba don dala ri ni jirgi da hi gar korima
Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.
14 Miri ko bi ti ndu ma ba kparisu da na ba vredi gri na. A don riri ni mi jrigia.
Zvino vadzidzi vakange vakanganwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.
15 A hla ni bawu, son ni wuri ti ta yo shi-shi na kpa risu ni yistin Farisawa na niwu Hirudus na”
Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yeVaFarisi nembiriso yaHerodhe.
16 Mini koma bi tindu, ba kpaye ni kpamba da tre a he wa bredi na he na.
Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa.
17 Yesu to kpe wa ba si ri mire ni dir mba, da tre. A gye sa, bi ri mre ter bredi ni suron bi? har zizan bi na tuna? Bi na ganina? Isuron mbi ba k'ma di bwu mu?
Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here?
18 Bi hei ni shi shi bi na to na? Bi hei ni ton bi na wo na? Bi na tuna na?
Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here?
19 Ni wa mi zie bredi ton mba gah ni di dubu ton a bi vu kpu kpu bredi shu sisen bre?” Ba la wu di wlo don har”
Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.
20 Ni wa me zi bredi tankpan ni di dubu zi'a bi vu kpu kpu bredi ti sisen bre?” Ba hla u di “tangban”.
Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe.
21 A mie ba, har ziza'a bi na gani na?”
Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?
22 Da ba ye ni Bethsaida. Idi ba ni ki ba grji di u fei ye da bre Yesu di du sa wo ni wu.
Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.
23 Yesu a vu indi wu fie'a niwo dakji wu hi ni mi gbu. D a' a junte sur niwu nishishi da sa wo mani wu, a mei, “wu to kpe?”
Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.
24 A zuya da tre, me to indi bi ya na kukro ba si zre.
Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba.
25 A la kawo ma sa niwu nishishi maki shishi ya ka bun to u zizan abi zan wumumla wa to ko ge tsartzar me.
Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vese zvakajeka.
26 Yesu hla wu ziza'a wu he ni kome nu, na rizu ni mi gbu ga na.”
Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.
27 Yesu ba mini koma bindu ma zu ni ikoyuka wu Naesarea Filippi. A me mir ma ba nikon, “Bi ya ndi ba, mie di me nha'an?”
Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?
28 Mini koma ba la niwu wu yohana wu Baptisma, 'U' bari ba tre wu Iliya bari batre wumba kan-kan wuri nimiyi anabawa.
Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.
29 A mie ba u biyi na bi tre me nha? Bitrus tre “Wu yi wu Kristi.”
Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.
30 Yesu mam ba du ba na hla ni dro na ni tumu na.
Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.
31 Da soma bla bawu di vre di ni sha ya ni kpe gbugbu 'U' ba kamba ni u idi bi ninko ni bi chu ni Priestoci, ni bi nha vuvu, ba wu'u, ivi tre ni ta ti ti tashem.
Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve.
32 A hla terki tsrame. Naki Bitrus kma he ni kosan da tre da gbiton ni wu.
Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.
33 Yesu kma ya miniko ma ba, da tre Bitrus ni tu “Kma tsi dimu,” Kma hi ni ko gomu wu brji wunayoshishi me ni kpe u Baci na se kpe wondi wu idi”
Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
34 A yo ndi baba mir koma ba ni buburi da tre ni bawu. Indi a ni iya da wume ka kparisu ni kpama da ba gieiye mu da hu me”
Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
35 Du indi wa tre wa wu nikpa tuma ani qu, uwada kri ni suroma ma don demu ni tre Rji ani kpa tuma cuwo.
Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa.
36 A gye ni zo idi ni gbuglu yi wanda ia zan rai ma?
Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yese akarasikirwa nemweya wake?
37 A gye wa indi ni ser kpama da fe sur ma?
Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya wake?
38 Indi wa klusha mu mba tre mu ni meme ugbugblu yi u la tre e iverindi ni klushama indan a ni ye ni dau kaka tima ba ba maleku ma bi ruhu tsatsra.
Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.