< Mark 4 >
1 Yesu ni mu mummlan a hla tre ma ni gbugbu ndi waba shuti ni Yun nei. A lude ri ni mi gyue ni mi-nei.
Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe.
2 A lla tre ma u-jaji gbugbu da ka yiyi ani.
Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati,
3 Wo-me, idi uron a ban ibi hichu ni rjumaa
“Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake.
4 a chu bari ba kuhle ni kon u chichen ba tanri
Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya.
5 bari ba khule ni tu han iwa ama hei mi meme gbugbun a warju.
Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma.
6 Irji rju hongan wa kue niwa in-jah ma na gburonkonna.
Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.
7 Bari ba kuhle ni zahchon, I Chon ba gburon ti rigra da k tiwu wa ti me me.
Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko.
8 Bari kuma ku “lle ni “llar meme didima da gburon na ni sho bari, I wulon iknutra, bari I wulon ikpu tanne, bari I wulon kpu wulon.
Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”
9 Yesu tre indi wa a hei ton u wo kawo
Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
10 Wa Yesu a ye he ni kriji ma bi wa ba hei niki ni mimriko ma wulon don ha, ba miyen tu tree ka yiyi a.
Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.
11 A biyi yi ba “llar you wawu multi Irji wa, a ririn, mibiwa ba he nira ba tree ni ka yiyin me.
Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo
12 Ni duba ye ama da na toh na ni duba wo “llan da na toh “llan na I ba wo na kame ye Irji ni wuru “lle ni bwu.
kuitira kuti, “‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’”
13 A miyen ba bina to tu itre u ka you na?
Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?
14 Bi ya di bi to wawu u?
Murimi anokusha shoko.
15 Idi ichu a ni chu tre.
Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.
16 Ni tu kon ba a bubu wa ba chutre iba wo meme brji a ye, wa vuba kpa tre wa ba chusa.
Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarahwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.
17 Bana he ni ja na ni mi bana. Ama ba vu sunron mu ni mi iton fie me, na joku ni ton uya.
Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.
18 Bi wa ba kpa tre na kalle ni
Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;
19 tu gbi gbugbulu yo khlen, iko bari kpii bari naki, iri mba ba chu wa a khule ni chon. (aiōn )
asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. (aiōn )
20 Bi wa ba kpatre rji da vusuron na ni ji ndi ye nitre rji baba yi ba ichu wa kulle ni meme didi wa a ni klo 30-30 60-60 100-100
Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”
21 A miyen ba, Indi ba zi fitila ni mi sisen ko ba zi ni zah tebru? Ba zi nitu tebur, di du kpan ni Indi bi koh.
Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here?
22 Ikperi na riri na, see ka he ni rira ni ndi ba ka to na hlar.
Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.
23 Indi wa ahei niton u wo ka wo.
Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
24 A hla bawa, srenton ni wo kpie wa bi wo. Kongo wa wu tsar niwu, ni ki ba tsar niwu.
Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Chiyero chamunoshandisa, ndicho chamuchayerwawo nacho kunyange zvakapfuurisa.
25 Indi wa a heiwu, ba ka fon surwu Indi wa ana hei niwuna, baka vukpa fie wa a hei niwua.
Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”
26 A tree, mulki Irji a hei nawa indi ani ban bikpie hichu nimeme.
Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.
27 Indi ni kruna, na shime ni rji, biri nirju na gbrun, wana tohna.
Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.
28 Menme nina biri kima ani yarbe ku nira, ngwugwu ka fu wa ka gbrun nikle ma da ti wolo.
Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.
29 I dan biri a weri u ba cham.
Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
30 Ki ya tree mulki rji ahe naki kā ki tsar ba bawu?
Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure?
31 Ga aheifieme na wolo mustard wa i dan u chu ani rju da gburon.
Hwakafanana netsanga yemasitadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu.
32 Har chinchen baka son ni wuma.
Asi kana yadyarwa, inokura igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”
33 Naki tre mba ni kayiyi ni kon gbubu'u.
Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose sezvavaigona kunzwisisa.
34 Ni kogie a tre ni ba wu ni ka yiyi duba tohtre a.
Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose.
35 Ni yalu chachuki a tree diba zah gran hi komu.
Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.”
36 I ba lude niwume a ni mique na ka ndiba don.
Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo.
37 Se ihen lude ni gbegbelen na wuru man sur ni mi guea ta shu.
Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura.
38 Wa si kurna ni kogon mi gue iba shemme u du lude na ya duna kur kpahlena ndi ba ba kuhlema.
Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”
39 Iwa lude da yarhan ni kikle gwugwu mba ima duba son nigbagbi shishiman ba chu
Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
40 A miyen ba, age nuyi sisiri? Har zizan bina hei ni bangaiskiya na?
Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?”
41 Iba tie sisiri, adi a indi birimen nayi a tre ni gwugwu ba I ma u ba wo niwu.
Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”