< Mark 3 >

1 Bachi a ri no mitra u pre da same ni Indi wu lullo wu so wo.
Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara.
2 Indi ba sure shishi niwu ko ani wurka ni wu cacu asabar don da ka to ni la ter.
Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata.
3 Yesu hla nindi wu lullo wo, rhu kli ni tsutsu Indi ba, Yesu a miye ndi ba.
Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.”
4 Abi duba tie zizi nive asabar d kpa ndi cuwo ka ndu tie meme indu Indi ba que? Indi ba ba son ng bage.
Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere.
5 Yesu a kma ya ndi ba nifu done touri dir mba da hla ni gu n ma wo me? igu n ma wo ma u won bi.
Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.
6 Farisawa banu gla me da hadatu niti rudiyawo di ba wo Yesu.
Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu.
7 Yesu ni mini koma ba hi nen wu Indi gbugbu ba hu bari ba ni ni Galilee ba ri bani Judia
Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera.
8 Urshalima, indumi ya bari me gaba ni Jordan, Tyre har ni Sidon. Daba wo gbi a si ti Indi gbugbu u bayi niwu.
Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni.
9 A hla ni miniko ma duba samu ni igu tsitsima ni wawu don into du ba na matse bi was wu na.
Akaudza vadzidzi vake kuti vamutsvagire igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo.
10 A warka indi gbugbu u bi lullo ba turn kpamba ni baba sawo niwu da fe se. Bachi a kpa bari just ni lullon.
Ainge aporesa vazhinji zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate.
11 Ko nitan bi ruhu brji bajoku ni koshishi da Yar go da ter wu vir irji.
Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.”
12 A kpa nha ni ba duba dubu nde ma na
Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti akanga ari ani.
13 A ho he ni gbulu da yo biwa a ni son u ba ye same ni wu.
Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya.
14 A ju ndi woto dan ha wa yo ba di (apostles) do duba he ni wa,
Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza
15 wa turba du ba hla ter wada he ni glegle wu zu bryi.
uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.
16 Mazani wolo dan ha wanda ju ba na he nayi Simon wanda a non dema Bitrus.
Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro),
17 Yakub very Zabadi, Yohana vayi Yakub Wanda a nu de Banergas wato minizan
Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira),
18 wu Adarawas u Fibus, Bar ta Lamawas, Matiwu, Tomas, Yakub very Haifa u Yahuza, Thaddaeus, Simon Bakan ane
Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Tadheo, Simoni muZeroti
19 wu Yahuza Iskanyoti Wanda ya bashe shi.
naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira.
20 A kma he ko, wu kpetren indi bakaba da iya ri bin na.
Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uye vazhinji vakaunganazve, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya.
21 Da bikoma ba won naki da he niwu da ter, imiri ma na he na he ni wu na.
Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.”
22 Bi nha wa ba ni Urishalima ba ter di, a he ni ruhu Beelzebul, “mba meme brji”.
Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.”
23 Yesu yo ba da ter ba yi-yi, ibrji ani ti ni he da zu ibrji?
Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?
24 Idam mulki gu kpama te kam-kan mulki ba na to kle gbangba na.
Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira.
25 Idam iko ga kpema komba ana kle gbangba na idan b
Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira.
26 a tayar ni nituma da ga gba ana he niglegle-glegle na anijoku.
Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika.
27 Idi na ya da ri ko idi u gle-gle da yi bi kpe ma na ha ma ni vu indi glegle u ko.
Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba agotakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.
28 Jaji mu me hla you la tre we me wa wa Indi ba ti iha wur la bawu.
Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.
29 A ma wa ba ti ni Ruhu tsatsra ba na wur le meml mu, dona la tre u ka kle. (aiōn g165, aiōnios g166)
Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.” (aiōn g165, aiōnios g166)
30 Yesu tree ni tu wa ha tre, ahei brji
Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”
31 I yima ni mir vayi ba ye kril ko ra. Ba to ba ka yo'u ye gba nmba.
Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.
32 Kpetren ndi ba ki kagon ma da me yer, I yi me ni mir vayi me ba hei ko ra da ki wa u
Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze.”
33 A sa ni ba'u, ba nha ba mir vayi mu?
Iye akati, “Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?”
34 A ka ya ndi wa ba ki gon kla ma da tre, “To ibiyi yi bi mir vayi mu!
Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu!
35 Duk ndi wa ni ti kpe wa rji tre a wa u yi hi yimu da hi mir vayi mu.
Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”

< Mark 3 >