< Mark 2 >
1 Da a kumaye ni Capernaum ni mi vi fie mee, ndi ba woh da hei niko.
Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha.
2 Gbugbu ndi ba tsutsu da shuni bubua, ikon 'u” zu no ri koha ana heina, Yes sibla tre nibawu.
Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari.
3 Indi nzah ba jin vayi mba wa a chronchu ye ni Yesu.
Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana.
4 Bana to ikoh “u” ri hi ni Yesu na, ba hon zu ni tukan, da ghlen tukan, da ban ndi “u” chronchu rini Yesu.
Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo.
5 Yesu toh gbegble suron ba da tre ivre ba wur lahtre me hle ni wu.
Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.”
6 Se bibla vuvu wa ba sun ni ki, ba si rimre nisuron ba di Yesu lahtre,
Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vakafunga mumwoyo yavo vachiti,
7 Ba indi da ani wur lahtre ndi hlega, sai Irji nikankrima ni wur lahtre ndi hlega
“Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?”
8 Yesu toh misuron ba da miyen ba agye nji meme mmre ba ye ni yi wu?
Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, “Seiko muchifunga zvinhu izvi?
9 Niwa ba kpa lahtre wurhle ni ba wu, ni wa ba hla ban blame ni hi kpame, a time agan?
Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe’?
10 Yesu a toh di vre Irji a hei ni gbengbenlen “u” wur lahtre hle ga, da hla ni ndi wu chronchu,
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo,
11 mi hla “u” lude di ban blame di hi koh.
“Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.”
12 Indi wu chronchu a lude ban blama da hi kpa ma, Indi ba buh iyuen yo woh da tre, kina taba toh Bibi kpei nayi na.
Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”
13 Yesu rhu hi ni kosan nei, ndi gbugbu ba hu hi ni neila, wa ka si bla tre ni bawu.
Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa.
14 Da asi zre da toh Levi ivre Alphaeus a kuson ni bi kpa ban. Yesu du hu wawu, wa lude hu Yesu.
Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifeasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.
15 Yesu si rhi lah mi koh Levi, in bi kpa ban gbugbu, baba bi lahtre wasi rhi no “u” baba mrikon, ndi gbugbu ba hu.
Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru pamba paRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.
16 Farisawa bibla vuvu, ba toh Yesu si ri biri nikoh Levi da miyen mri koh ma a gye sa ti kohbi si ribiri ni bi lahtre?
Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi, vakati vachimuona achidya na“vatadzi” navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi na‘vatadzi’?”
17 Yesu woh ba da tre indi wa ahei ni gbengbenlen ana wa den na, see ndi “u” lilo niwa den. Mi na ye nitu bi woh tre mu na, mi ye ni tubi lahtre.
Anzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
18 Mrikoh Yohana baba Farisawa bata son ni hlama, indi baye da tre ahigye sa mrikoh Yesu bana vu hlana na?
Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?”
19 Yesu ka hla ni bawu, ayiwu kpukpan ango ba ka son ni hlama
Jesu akapindura akati, “Shamwari dzechikomba dzingatsanya seiko kana iye achinavo? Havangadaro, kana iye achinavo.
20 Se chachu wa ba ban ango rhu, “u” ba son ni hla ma.
Asi nguva ichasvika ichabviswa chikomba kwavari, uye pazuva iroro vachatsanya.
21 Ba ndi a niwar klon sisama nitu chiche ma, don ani ya yabba sisama game.
“Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura.
22 Ba ndi wa ani ban hi sama sur ni chiche ri, don ani fu hle ga, se ba ka sur sama ni miri sama.
Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo dzamatehwe tsaru. Kana akaita izvozvo, waini ichaputitsa matehwe, uye zvose waini nedehwe rewaini zvichaparara. Kwete, anodira waini itsva muhombodo itsva.”
23 Ni chachu sati Yesu si zre zu ni mi rhu, mrikohma ba zi gbusu tan.
Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakanga vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo.
24 Farisawa baka tre ni Yesu du toh ikpie a di mrikoh me ba si ti kpie wa dana bina ni chachu sati.
VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.”
25 A miye ba, bina toh ikpie wa Dauda baba ndima ba ti na? iyoun ti ba,
Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?
26 baka hini Abitha ndi wu ton du Irji, waka noba breadi chachu sati, “u” ba ka tan
Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”
27 Yesu tre ba ti chachu sati ni idi, bana ti indi ni chachu sati na.
Ipapo akati kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata.
28 Ni tu ki Ivre Indi a hi “u” Bachi “u” chachu sati.
Saka Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe kunyange weSabata.”