< Mark 13 >

1 da yesu si zren rhe ni haikali iri ni mri ko ma bi huzama a tre ndi teacha ya tita ba baiko biyi ba biya
Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!
2 a hla ni wu wuto khikle mme biyi? ko tita rina kri ni tu kpanma hama ni zile na
Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungatongosiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingatongoputsirwi pasi.
3 da a son ni tu gbku olive wandi niya haikali a Bitrus, Yakubu, Yohana e Andrawus ba mye ni yib
Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:
4 hlani tawu nita mba ikpi bi yi ba faru? age ba ni tsoro ta ndi kpe biyi ba ti wiewere wu whursu
Tiudzei, izvozvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvese zvozadziswa?
5 yesu a lu kri si bla ni bawu mla ya nin du dior gyuryi na
Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neanokutsausai.
6 gbugbwu ba ye ni ndume nda tre mi wawu yi nda gyur gbugbwu hi hle
Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachatsausa vazhinji.
7 bita wo kuu ko tre huu na ti sisiri na kpi bimba ba ye ama ekli rhi hye ri
Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa; nokuti zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
8 gbumgblu ba lu wa nhu ni gbungblu u bi chu ba kamba kpamba bi wo jub meme ni bubu kankan ni yon me ni hei be ba yi farlio yi nei na kri lega na ba vu yi hi lo da tsiyi ni tra wu bre irji mbi
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
9 ba gbronyihi duyi kri ni gaba gononi ba ba bi tuchu ni tu nde mu a duyi tsoro ba ikpe wandi me ti ni yiwua
Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.
10 ama itre rji ni kuci hi kago ba ti vu yi hi lo bi kana ti sisir na tu kpe a di bi tre a na
Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ese.
11 niton ki ba na ye ikpe wa bi tre a ana bi yi bi tre na ruhu maitsarki ba ni tre
Asi kana vachikuuisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura, uye musafanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
12 vayi ni lani vayi du wuu haka e ti ni tre ma mri ba lu kri ni tu ba yimba ni ba timba du ba luu ba
Zvino mukoma achatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvauraya;
13 ndi ba karnwu ni tu nde mu ama ndi wa a kri gbangban yi ni kle ani gbujbwu
uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
14 bi ta to meme gunki ba ni kri ni bubwu ana kamata na indi wandi asi bla vunvu yi ka mal ya da rimere be wandi ba he ni gran judea duba tsutsu hi ni tu ba gblu ba
Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (anorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
15 wandi a he ni yu tra du na grji ri niko diwawu ni ban kperi na
neari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
16 e wandi a he ni rhua do na kma ye ban nglo ma ni ko na
Neari mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.
17 imba bi mri ni nei ni biwa ba hei mir bi masisi ba hei ya ni vi ba ki
Asi vane nhamo avo vane mimba neavo vanonwisa nemazuva iwayo!
18 bre trji du na hye ni ton sai na
Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
19 vi baki baa ton wu khikle dan ton u ya wandi kina taba toh rji mumla wa irji a ti gbungblu wawuu ye zizan e khina la toh na
Nokuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwakavapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika kusvikira zvino, uye hakuchatongovipo.
20 irjhi nita na mer viba ruh na ba nma wandi ani nawo ni ta bi wa ana ju ba ye a do vi ba do ba na bra na
Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.
21 ko nha nita llha ni wu ndi ngye kristi he yi ko ngye a he mu na kpanyme na
Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo; musatenda;
22 krista bi che baba anabawa bi che ba ye ni alamu gbugbuwu da gyur ndi ko ni bi wandi irji chuba ye
nokuti vana Kristu venhema nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.
23 mla kri mi hla kpi bi yi ni yiwu du yi guci ni ye mba
Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvese.
24 baya ya wu ton kima irji na wu na ani ti buh iwua na kpana
Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,
25 tsitse ba rhu rjoku rhi ni shulu u iko u shulu ni cu mle ba to
nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.
26 vren ndi ni ye ni mi kpalu ni gbengble ni daraja
Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya,
27 ani ton malaiku hi ni nfro nza bi gbungblu meme wu shulu do ba yoh bi ma wandi ana chuba ye
ipapo achatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.
28 to kpe wu mla ya to ni kunkro fig nto wandi vunvu ma ju wu to ndi esu ti weiweire ye
Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
29 na ki me wuta to kpi biyi ba si zren to ye ma a weiweire ni nkontra
Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti zvava pedo wava pamukova.
30 janji mi hla yiwu bi zan yi bana kle hamma ni to kpi biyi na
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvinhu izvi zvese zvaitika.
31 shulu ba meme ba kle ama lantre mu na kle na
Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.
32 nitu via ko ntoma ndoir ko maleka ni shulu ko vren bana to ha iti mehe a to
Asi zvezuva iro neawa, hakuna anoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.
33 kri ni wri ni mla ya nitu wuna to iton a na chiche vu vu bi Greek bari ba yo tre toyi kri ni wri mla ya ni bre
Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarinhi.
34 na ndi wa a hi zren a don koma nda don mri ko ma ta ya ko ko nha ni ndu mada mha bi ya ba a duba khi ni wri
Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.
35 ni tu kima wu na to ka tiko ni kma ye ni ton rime na ka ni yallu tsutsu chu koka ni gbatup wu bwhumble ke ni mble
Naizvozvo rindai; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba anouya rinhi, manheru, kana pakati peusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
36 anita ye niko gbru me na ye too wa si krunana
kuti arege kuuya kamwe kamwe, akakuwanai murere.
37 kpe andi mi lha ni wua mi hla ni ko nha mla ya mal kli
Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vese: Rindai.

< Mark 13 >