< Luke 6 >

1 A he ni vi u Sabat u Yesu si zu ni rju kpu u mrli ko ma baka wro wlo kpu'a won ni wo mba, nda tan.
Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho.
2 Amma Farisawa ba ri ba tre, “Ani tu ngye rli bi ki tie kpie'a bana nyme ndu ba tie'u ni Sabat na?”
Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?”
3 Yesu, ni tre ma, a kasa bawu, “Bi na kra kpie'a Dauda ni lilon bi wa ba he ni wu ba tie'a na?
Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake?
4 A ri ni tra Irji nda ban bredi wa ba ka zi, tan nda nno ndji wa ba he ni wu'a tan ngame, wandi a na he ni tu nkon na, don ana Prist nkankle ba tan.”
Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.”
5 Niki a hla bawu, “Vuvren ndi a baci u Sabat.”
Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
6 Ba he u Sabat ri la ye, Yesu ka hi tsro ba ni tra Irji. Indi ri he ki nda so wo.
Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara.
7 Bi nha ni Farisawa ba yo shishi nda to ka ani den dio ni vi u sabat, don ndu ba renyu niwu.
VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata.
8 Amma wa'a to dri mba nda tre ni indi u son wo'a, “Wlunde ye kukru ni tsutsu ndi ni wa.” Igu u soh wo a wlu hi ka kri ni ki.
Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo.
9 Yesu tre ni ba, “Mi mye yi, Ahe tu nkon ndu ba tie zizi ka meme ni Sabat, ndu ba n'ra rai kpa ka ndu ba kpa tie meme?”
Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?”
10 Niki yi, a ya ba kagon wawu'u nda hla ni guwa, “N'me wo me rju ra.” A tie toki u wo'a ka tie ndindi.
Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka.
11 Amma ba vra nfu nda tre ni kpamba ko ba tie Yesu ni he.
Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.
12 Ba zi he wa ka ye hon hi ngblu nda ka bre Irji. A ban Chu'a wawu-u bre Irji.
Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari.
13 Wa imble nhra, a yo mri koh ma hi kpama nda ju wlon don ha rji mi mba, a yo ba ndi Mazani.
Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori:
14 Ba nde Mazani ana ba Siman ( wa a hi Bitrus ngame'a) u vayi ma Andarawus, Yakubu, Yohana, Filibus, Batalomiyu,
Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), mununʼuna wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo,
15 Matiyu, Toma, Yakubu ivren Alfaus, Siman wa ba yo Zilot,
Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti,
16 Yahuda ivren Yakubu ni Yahuda Iskaroti, wa a ye le wu'a.
Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.
17 Yesu a grji ngblu'a baba hi ka kri ni meme ni kpentren ndi wa ba mri koh ma u ni gbugbu ndji wa ba rji ni Yahudiya ni Wurushelima ni bi nyu kikle nne u Taya mba Sidon.
Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye navanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,
18 Ba ye ndi wa wo Yesu nda ndu den lilo mba ngame. Indji wa ba zi tiya ni wo brji'a ba kpa den.
vakanga vauya kuzomunzwa uyewo kuti vazoporeswa pazvirwere zvavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,
19 Ko nha ni j'bu ndi ba n'ra kon u kpre don gbengblen u den si'a rju rji ni wu, u wa a den ndji mba wawu'u.
uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose.
20 A kaya mri koh ma ba nda tre, “Bi hi bi lulu, biyi bi ya, don mulki Irji a hi u mbi.
Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
21 Bi hi bi lulu biyi bi tie yon zizan'a, don bi wrji. Bi hi bi lulu biyi wa bi yi zizan'a, don bi nza.
Makaropafadzwa imi vane nzara zvino, nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka.
22 Bi hi bi lulu niwa indji bata kran yi, u idan ba ba ya'yi hlega nda mre yi nda kamba ni nde mbi a nda u brji, nitu Ivren Irji.
Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu.
23 Ngyri ni vi ki ndi briku don ba han ye kikle di ni shulu, e ba Bachi mba ba tie bi kpie ki ni Anabawa ba.
“Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.
24 Amma iya mbi bi woh, biyi wa bi kpa si mbi ye.
“Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.
25 Iya mbi bi hi wa bi wrji zizan, iyon ni ye tie yi ni ko shishi.
Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imi vanoseka zvino, nokuti muchaungudza uye muchachema.
26 Iya mbi biyi wa ba tre ndindi ni tu mbi'a, a he toki ba bachi mba batie ni Anabawa bi ce.
Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.
27 Amma mi hla yiwu wa bi ki sren ton, son bi kamba yi din tie zizi ni bi kran yi.
“Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,
28 Tie lulu ni bi mre yi ndi bre Irji ni bi ka to tie yiwu.
ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.
29 Niu wa nita wru ni ngbala nh'ma kori, uka nno rima, u wanda ban klon me ri, uka nno ri tiya.
Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.
30 Nno indji wa a mye u. Idio nita ban kpie me, na mye ndu ka nno wu ngana.
Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.
31 To wa u son don ndji tie wu tie ki bawu me.
Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.
32 U ta son ndji wa ba son wu, wa hi ngyeri ndindi niwu? I bi latre ba tie toki me.
“Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada.
33 U ta tie ndindi ni biwa ba tie ndindi wu'a, a ngye u bi ma niwu. E indji bi latre ba tie toki me.
Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo.
34 U tie nno hla nklen ni ndji wa u to ani ye han wu, wahi kpiew ngye ndindi ni wu? U bi latre'a ba nno hla ni bi latre nda kpa ikpie'a ba na nno.
Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.
35 Amma son biwa bana nyme ni wuna ndi tie zizi bawu. Nno hla, hamma ni yo suron ula kpa kpie tuma, u di me ni babran, u bi he mri Madaukaki, wandi wawu me ani toh tie ni bi wa ba ka ngyri nda meme ndji.
Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.
36 He ni dri ndindi na tie mbi.
Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.
37 Na han tre tu rina, u bana han tre nitu me nan. Na kpa ri tie meme na, u bana kpau tie meme na. Wruhle ni bari, u ba wruhle niwu.
“Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo.
38 Nno, u ba nno yi. Nene rhigra ma, uwa ba den nda grju mudu'a, ka shukuhle ni gban mbi. Ani mudu wawu tsra niwu, a ni kii ba tsra ni wu.”
Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
39 A hla misali ri ni bawu, “Indji u nfyen ni tsro ndji u nfyen ri nkon? To a tie naki, ba bi ku ni juju, ka bana kuna?
Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here?
40 Ivren wa ani kpa tsro na zan asi tsro wu'a na, amma dun ndji wa ba tsro wu kle'a ani he na indji waa tsro'a.
Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake.
41 Bi tie he mu ndi ni ya vi bi giga wa ahe ni shishi vayi me, ndina toh kikle nkpon wandi ahe ni shishi me'a na?
“Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako?
42 U tie he ndi hla vayi me, 'Vayi, dume cu vi bi giga u shishi me,' i wu tume una to gbongbon u shishi me na? Iwu ndji u karji. Guci cu gbogbon u shishi me rju rhi ndi mla ya u wa ahi ni shishi vayi me.
Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako.
43 E bana tie nkunkro ndindi mawa iklo ma ba gigla ma na, u gigla nkunkron na nno klo ndindi ma na.
“Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
44 E ba to nkunkron ni klo ma. E indji bana kyen klo ncu ni nci ncoh na, ume bana kyen klo grapes rji ni miji braya na.
Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.
45 Indji ndindi rji ni suron ma ndindi ani tie kpi bi ndindima, u meme ndji rji ni meme suron ma ni tie meme kpi. Don rji ni gbugbu kpie bi mi suron inyu ma ni hla.
Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
46 Nitu ngye bi yome, 'Bachi, Bachi,' u bina tie kpie'a wame tre na?
“Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?
47 Indji wa aye nime nda wo lan tre mu nda tie kpe wa mi tre'a, Mi hla ni yiwu ka ahi nha.
Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita.
48 Ahe na ndi wasi meh koh nda shi juju u nci tra ri meme nda meh nci tra ni tu inha. Toh ima aye babran nda ri ni nci tra, u ana tie'u kpe na, nitu ba meh wu bi.
Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.
49 Amma indji wa ani wo tre mu nda na tie bana, ahe na ndji wa a meh tra ni tu meme hamma ni zi nci tra. Ima aye babran nda ri ni nci tra'a, u koh'a tie gbla zi hle kpukpru wu.
Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”

< Luke 6 >