< Luke 22 >

1 Ba he inton u bredi wa ana sa na, a ti whewhre, wa ba you ndi ngan u za.
Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.
2 Bi ninkon bi tu du Irji, baba bi han be, ba susun da tre nitu bawu Yesu, ni ki basi klu sissri ba ndji.
Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vaitya vanhu.
3 Ibrji a ri ni Yahuza Iskariyoti, iri ni mi mri koh ma tso.
Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi anotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.
4 Yahuda a hi ninkon bi toh ndu Irji, biwa ba yah ndji kpatsri, wawu ni vu Yesu no ba.
Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti angamutengesa sei kwavari.
5 U ba ngyiri ni wu, nda no nklen
Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.
6 Wa kpa nyime, da wa nkon wa ani vu noba ni nton wa indji bana he na.
Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.
7 Ivi u gah u za, naki ba ti gan u hay ikru wu ton yin.
Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.
8 Yesu a ton Bitrus mba Yohana, da tre, Hi ndi mla bubu biri u ton yin, du ta ri.
Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.
9 Ba mye, ni nsten wu son ki hi mla bubu ati?
Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?
10 A ka sah ni bawu, inde bi ri nimi gbu'a, bi tsra nio ndji a nji iriman. Hu hi ri nimi koh wa ani ri.
Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.
11 Hla ni ndji u koh, ndi mala, tre mikoh bi tsri he ni ntsen, wa mi ribi ri ni mri koh mu?
Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi anoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?
12 Ani tsro yi kikle ko u koshu, wa ba mla ti ye bika mla ti ni mun.
Uye iye achakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.
13 U ba hi da toh ikpe a he naki. Baka mla bubu u tan bredi wa ana sa na.
Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.
14 Da inton ati wa ka sun ni mri koh ma.
Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.
15 Wa a hla ni bawu, mi you suron ndi mi tan bredi wa ana sa na ni yi, ri ni yah.
Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;
16 Naki mi hla yiwu, mi na la tan bredi ni yi na, se ba mla wu ti ni koh Irji.
nokuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.
17 Yesu ban gbaju'a da ngyiri nda tre kpa wayi, gaa ni kpambi.
Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.
18 Naki mi si hla yiwu mi na la so mma klo kunkro na, se koh Irji ye.
Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.
19 A ban bredi'a nda ngyiri, nda mere no ba nda tre wayi yi nma kpa mu, wa ba no don biyi, bita ti nayi ndi ta ri mre mu.
Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopiwa pachinzvimbo chenyu; izvi itai kundirangarira.
20 A ban gbaju'a ni kogon bredi, iwa yi a si sa tre'a, a yi mu wa ba kahle don biyi.
Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.
21 Bi ka mla yah indji wa ani vu noba, a he nime ni tu tebru.
Asi tarirai, ruoko rweanonditengesa rwuneni patafura.
22 Naki Ivren Ndji hi gbigbi na ba tre, Iyah ndi kima wa ani vu noba.
Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu anoenda sezvazvakatemwa; asi ane nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!
23 Baka lunde nda ni mye kpa mba, ahi nha ni mi mbu wa ani tie kpe mba.
Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari achaita chinhu ichi.
24 Ba lu si sen nyu ni kpa mba, nitu ninkon u shu.
Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari anoverengwa semukurusa.
25 A hla ni bawu, bi tu chu baba ndji biwa bana toh Irji na, ba tsro gbengblen mba, bari ba he ni gbengblen nitu mba, ba you ba ndi bi mulki ni daraja.
Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.
26 Du na he naki ni yi na, naki du ndji wa a ninkonni yi du he na vivren tsitsa, indji wa a zan yi ka he na u tindu.
Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semudiki, nemutungamiriri seanoshandira.
27 A hi nha a hi ninkon, wa a sun ni tebru, ko a wa a si tie ndu'a? Ana wa a sun nitu tebru na? Naki me na ndji u tie ndu ni mi mbi.
Nokuti ndiani mukuru, uyo agere pakudya kana anoshandira? Haasi iye agere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seanoshandira.
28 Naki biyi bi he ni mie ni mi tsra
Nemwi ndimwi makagara neni pamiedzo yangu;
29 Mi no yi mulki na wa Tie mu a ne.
zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;
30 Bi ri ndi so ni tebru u mulki, bi sun ni koh mu, ndi ta blatre ni lbe tso u Israila.
kuti mudye nekunwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
31 Siman, Siman, mla zren me tie, ibrji a wa inton wa ani yre u na alkama.
Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;
32 Naki ba si bre ni wu, du you suron me du na joku na, inde wu kma ye wu ka tre trre ndindi ma wa ani no mri vayi me gbengblen.
asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.
33 Bitrus a hla wu Bachi mi he ni mereu hu hi ni brusuna mba kyu.
Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvese mutirongo nemurufu.
34 Yesu ka sa ni wu ni hla wu Bitrus, kafi du gba tbu luwa nkpu tra u kpatron ndi wu na toh me na.
Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.
35 Yesu ka hla ni bawu, inton wa mi ton yi hama ni bu ko go ple, ko lagban zah, ibi ka wa kpie hama? U baka trre ndi a'a.
Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.
36 Ama zizan'a, i wa a he ni mbu ka ban ni igople. Ndji wa ana he ni inji ngban na, ka ban klon ma le nd le ri.
Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, ane chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neasina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.
37 Naki mi hla yiwu, ikpie wa ba nha nitu mu ani he naki, ba bla you na bi la tre, ikpei wa ba tre ni tumu a he naki.
Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nokuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.
38 U ba tre, “Bachi, iyah, ngye inji ngban hari, wa a tre da tsra nu
Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
39 Da ba ri la u yalu kle, Yesu a hi na ani tie chachuu hi ni ngbulu Zaitun, se mri koh ma ba hu.
Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidziwo vake vakamutevera.
40 Da baka kai niki, waka hla bawu, ta bre Irji don du yi ri ni mi lah tre na.
Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.
41 A kaba don da ch'bi, nda kukyu ngbarju nda bre,
Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama akanyengetera,
42 Nda tre, Bachi, inde wu kpa nyime wu ka ban gbarju i rju ni mu.
achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.
43 Se Maleka ni shu ye niwu nda no gbengblen suron.
Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.
44 Ahe nimi iyah kpukpo me, a you ni bre, hra ikrji ma ni grji na gble yi.
Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.
45 A lunde ni bre ma, da ye ni mri koh, da ye toh ba basi kruna don ani lo ba suron.
Zvino wakati asimuka pamunyengetero, akauya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.
46 Wa a mye ba a ngye sa bi si kruna? Lunde ndi bre du yina ri ni yah na.
Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.
47 A he ni mi tre, se ga gbugbu ndji ba ye baba Yahuda iri ni mi mri koh ma tso'a, nda ye whewhrre ni Yesu nda hlan vu.
Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.
48 Ni ki Yesu ka tre, Yahuda, wu ban Vren Ndji no ni hlan vu?
Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?
49 U biwa ba krju Yesu you ni tsutsu, ba toh ikpie wa si zren, nda tre, Bachi ki tsen ni inji ngba?
Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?
50 Iri ni mi mri koh ma a chu nji nda yba iton ninkon bi nha be u woh ko ri.
Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.
51 U Yesu ka tre, a tsra naki da taba iton nda wakar ni wu.”
Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.
52 Yesu tre ni tie ndu ni koh Irji, ni bi gben ni koh Irji baba chiche ndji ba, wa ba you ni koh shishi bi rju na bi ye vu ndji u ybi, ni ba nji ngban ni kpala?
Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?
53 Ni wa mi na he ni yi ni tra Irji, bina vu me na, zizan a nton mbi ni gbengblen u bu.
Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.
54 Ba vu nda nji nda hi, ba nji hi ni koh ba, u Bitrus ka ta hu ni gbugban mu.
Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakapinda naye mumba memupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.
55 Niki baka muh lu ni tsutsu ra, nda ku sun niki wawu mbawu, Bitrus a sun ni tsutsu mba.
Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.
56 Sei wa ri a toh a sun ni kpan lu'a, nda you shishi ni wu, nda tre ndji yi ba he mbawu.”
Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo wakange anaye.
57 U Bitrus a kpa tron, nda tre iwa mi na toh na.”
Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi.
58 Vi toh fi me yi, u ndji ri ka toh nda tre, wu mewu he ni mi mba. Bitrus tre ndi, “Ana me na.”
Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handisi.
59 Intonri hi, i ndji ri a kama nda la tre, njanji ndji yi ahe ni wu, a vren Galili.
Zvino nguva inenge awa rimwe yakati yapfuura, umwezve wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nokuti muGarireawo.
60 Bitrus a tre, ndi mi na toh kpie wa asi tre na, nda asi he ni mi tre u gbah lu tbi.
Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.
61 A kma u Bachi ka yah Bitrus. Se Bitrus ka ri mre ikpie wa Bachi tre'a, se a hla niwu, kafi du gbah du tbi luwa, u kpa tron nkpu tra ndi wu wu na toh me na.
Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
62 Da Bitrus rju nda yi u'lo suron.
Zvino Petro wakabuda panze akachema zvinorwadza.
63 Se ndji bi wa ba troh baba Yesu ba ka zah wu da tsi me.
Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamuseka, vakamurova.
64 Da baka kawu shishi, nda mye hla tawu a nha wru'u?
Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?
65 Ba ka tre trre u nanye, ni meme tre ni Yesu.
Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachituka.
66 Da imble kpan u chiche ndji baka ka bi baba bi toh ndu Irji, baba bi nha lbe se da nji'u hi ni bi tuchu, baba bi ninkon bari.
Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti:
67 Da tre hla ni tawu a wuyi wu Almasihu'a” wa a hla ni bawu ko mi hla yiwu, bina kpanyime na,
Kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;
68 Inde mi ye yi, bi na kasa ni muh na.
uyewo kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.
69 Aman ni ko shishi, Ivren Indji ni sun ni woh ko ri u gbengblen Irji.
Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.
70 Ba ka tre, u u” Vren Irji? Se Yesu ka kasa ni bawu ikpie wa bi tre a me yi.
Vese ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.
71 Ba tre don ngye ki si wa shaida? Kita ni tu mbu ki woh ni nyu ma.”
Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nokuti tomene tanzwa pamuromo wake.

< Luke 22 >