< Luke 21 >

1 Yesu zu ya da toh indji bi nklen ba si sru baiko ba,
Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi.
2 Wa a toh iwa u kbo ani tiya kpukpu me, wa ji bubu ba ye ka you ni kagi.
Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira.
3 A tre njanji mi hla yu'u, iwa u koh a zan yi.
Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose.
4 indji biyi ba yo ni mi gbugbu u ba. Naki iwa u koh ni miyah ma ayo wawu ikpe di a he niwu.
Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”
5 Bari ba tre ni tu tra Irji, yada ba mla tie bi ni tita ni baiko, A tre.
Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati,
6 Ikpi bi yi wa bi si toh, ivi ri ni ye wa tita ri na sun nitu ri na ba na grji ye ni meme'a na.
“Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richakandwa pasi.”
7 Ba mye, mala, kpi biyi ba ye ni tan? A ngye ni tsro ta inton wa kpi'a ba ti'a?
Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?”
8 Yesu ka hla ni bawu, mla ya, na du indrjo ye gyru yi na, gbugbu ba ye ninde mu, da tre ndi ame yi me wawu, u inton a tie whewhre, na hu ba na.
Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera.
9 Inde bi woh ba taku da ni tsi bi kana klu sissri na, ni mumla se kpi bi yi ba ye, u kle, gbugblu na ye zizan na.
Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.”
10 Wa a hla ni bawu, gbugblu ni lu ni tu gbugblu, mulki ni lu nitu mulki.
Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo.
11 Meme u gbugblu yi ani grju kagon, iyon ni tie ni gbugblu wawu, lilo ni ka gbugblu'a wawu. Ikpi bari ba grji rji shu da no sissri.
Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.
12 Naki kpi biyi du ba ye, ba tsi yi da ti meme kpe ni yiwu, da zu yi ni tra Irji, ba vu yi sru ni brusuna, ba gbi yi hi ni ba chu, baba ngona, nitu inde mu.
“Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.
13 Ani he ijou tre.
Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.
14 Na ri mre kpi wa bi tre ni koshi na,
Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.
15 Me mi no yi trre wa bi tre, di no imrre ndindi wa bi kra yi banaya krie ni yi na.
Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.
16 Ba ti bi, mri vayi, mla bi baba kpukpa bi ba tiyi yah da wu bari bi.
Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
17 Ndji ba wawu bbawu ba kran yi ni tu inde mu.
Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.
18 Naki ko futu riri ni tubi na joku na.
Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.
19 Ni mi vu suron bi bi kpa re bi.
Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.
20 I hi toh soja ba kru wurushelima you ni tsutsu, bika toh ndi joku ma tie whewhre.
“Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.
21 Biwa ba he ni Judiya du ba tsutsu hi ni gblu u bi wa ba he ni mi gbu ba ka don gbu'a u bi wa ba he ni ko rah gbu'a baka ba ri nimi gbu'a na.
Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.
22 Bi yi ba vi u rju hla, du kpe wa ba han duba kle.
Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.
23 Iyah ba bi wa ba hei ne, ni bi no mri sisan ni toh kima, iya nihe ni gbu'a ni nfu ni tu ndji ba.
Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.
24 Inji gban ni kaba hle, ba vu ba kma tie gran ni gbungblu, biwa bana toh Irji na ba chan Wurushelima ni zah, se ivi u bi wa bana toh Irji na nikle
Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa neveDzimwe Ndudzi kusvikira nguva dzeveDzimwe Ndudzi dzazadziswa.
25 Igban ni tsro ni Irji, ni wha kpan baba tsitsen, ni meme. Iya ni shu ni gbungblu, ni wrji kpukpa don yi man ni ne.
“Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa.
26 Indji ba tie sissri da ta kukmo da ni gbie kpe wa basi ye ni gbungblu, gbengblen bi shu ba ta chu.
Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti masimba okumatenga achazungunuswa.
27 U ba toh vren ndji ni ye ni mi kpalu ni gbengblen ni kikle daukaka ma.
Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.
28 Inde kpi bi yi basi ye, lunde krikrie ni nzu tumbi. Du ndji wa ni ye kpa yi chuwo a ye whewhre.
Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”
29 Yesu tre nda ka yiyi ni bawu, yah kunkro indhu baba mbru kunkro ba.
Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose.
30 Biyi ni tu bi bika toh ndi iga ati whewhre.
Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo.
31 Inde bi toh kpe biyi ba he na yi bi toh ndi iye Irji a tie whiwhre.
Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.
32 Njanji mi hla ni yiwu, i zan bi bana kle na se kpi bi yi ba ye.
“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika.
33 Shulu ni meme ba kle, ama itre ma na kle na.
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
34 Sun ni ya cheme, na du suron mbi ni titan hi na so di wah du na he ni mre u tu mbina kana ye ka yi na troko na.
“Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira.
35 A ni ye ni tu ndji bi gbungblu wawu
Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose.
36 Sun ni wri di ta bre chachu du yi he ni gbengblen ndi nawo ni kpi bi wa ba ye'a, wa bi kri ni kbu Vren Indji
Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.”
37 Ni nton kima, a si hla tre ni bawu ni tra Irji, ka rju nichu da ka sun ni bubu ri wa ba you ndi Olivet.
Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi,
38 Indji ba rju gbugbun ni bubu ble ye ni woh wu ni tra Irji.
uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwanani-ngwanani kuti vazomunzwa.

< Luke 21 >