< Luke 2 >
1 Ni nton ri ni sen, Kaisar Agustus a yo doka ndu ba bla ndji bi gbungblu ba wawu.
Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chisungo chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yese inyorwe.
2 Wa a mumlan bla kena, u kiri niyus na Gona umeme suriya.
Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiriya.
3 U ko ba nha ba lu hi ni gbumba na ka nha inde ba.
Vese ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake.
4 Isuwu, me a lunde hi ni Galili; Ibgu Nazarat hi ni gbu Yahudiya, Igbu Dawuda, ni wa ba yo ni Batalami, nitu wa a rji ni koh nan hi mlan Dawuda.
NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi,
5 Ahi nha nde ma ba Maryamu wa a nna'u wa ahe nne.
kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.
6 U ba rhi he niki ri u inton ngrji vren ma ye.
Zvakaitika kuti vachipo, mazuva ekusununguka kwake akazadzisika;
7 waa ngrji vren llon, nna nye'u ni guglo ngbanja nklon na nban ka ka wu yo ni mi nju yawo, nitu wa mikoh ana he wa ba ka yo na, ba bi tsri mu ni gbu'a.
ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nokuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni.
8 Bi krju ntma bi wa ba son in klan kima na ni ya ba ni chu ba he.
Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda boka ravo usiku.
9 U Maleka Irji a rju ni bawu u kpan u rji ka grji kah ba, u ba ka nkbo sissri
Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru.
10 U Maleka kah hla ni bawu, “ndu ba na tie sissrina, a ndi wawu nji tre ndindi ma ye wa ni yo ndi wawu ndu ba ngyiri.
Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vese;
11 Luwa ba ngrji Macheto ni gbu Dauda, Inde Kristi Bachi!
nokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, anova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.
12 Bi yi ba alama wa ba tsro yi'a: Bi toh kpran vren ba yo'u nimi ikpi a kakru ni nju yawo.”
Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchawana mucheche akaputirwa nemicheka, arere muchidyiro.
13 Ni yiu riro me, gbugbu ndji ni shulu ni Maleku ba gbre Irji san na ni tre andi,
Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti:
14 “Khikle ruron hi u Irji ni shulu, u dun si he ni ngbungblu ni ba ndji wa suron Irji ku si ni ba.”
Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, nerugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.
15 U Maleka ba kma hi kpamba ni shulu, u bi krju ntma ba tre ni kpamba ndi, “ki hi zizan ni Batalami ndi toh ikpe yi wa a tie'a, wa Irji dun ta ki toh.”
Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa.
16 U ba zren gbagbla me hi na ka toh Maryamu mba Isuwu ni vuvren wa ba ka yo ni nju'a
Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vese Maria naJosefa, nemucheche arere muchidyiro.
17 U wa ba toh'u a, ba bla hla kpie wa ba wo nitu vren'a.
Vakati vaona, vakazivisa kwese shoko ravakange vaudzwa maererano nemucheche uyu.
18 Wawu mba wu biwa ba wo tre Maleka ba tie sissri.
Zvino vese vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi.
19 Maryamu son si rhimre itre wa a wo ba wawu na nji ni suron ma.
Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvese, achifungisisa mumoyo make.
20 I gu u krju ntma kma hi na ni ngyiri na ni gbre shi san ni kpie wa ba wo na ka toh na wa ba hla ni bawu'a.
Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvese zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari.
21 Ni klekle ivi u tandra ba gen mbru niwu, na zi nde ma ni Yesu, inde wa Maleka zi niwu wa ri he ni mi nne yima'a ri ba ka ngrji'u.
Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.
22 Uvi tsrakake mba a ke ni doka Musa, Isuwu mba Maryamu ba nji'u hi ni koh Irji ni Urushelima ndu ba nji'u hi ni shishi Bachi.
Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe,
23 Ni wa ba nha nha ni doka Irji ye'a, Ivren lon wa ba ngrji'a ba nji'u hi no Irji.
(sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chese chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe),
24 U ba no hadaya u Ingyu hari ko Tatabara hari, ni ya nda doka Irji a hla.
uye vabaire chibairo sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa.
25 Ni Wurishelima, igu ri a he niki ba yo'wu Simion, wa nda a he khriki nani tie ndindi me. Na ni yo shishi u lo suron ni ndji bi Isrela, u Ruhu Irji he ni wu.
Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake.
26 U nda hla niwu ye nda a na qu na, ama se a ni toh Bachi Kristi.
Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe.
27 Ruhu Irji a nji'u Simion hi ni tra u bre Bachi, wa ba tie vuvren nhan nhan'n mba Yesu, ni ndu ba tie kpe wa doka tre Irji hla.
Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu mukati, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo,
28 U Simion a krju nba rji na ngyiri ni Irji na tre.
iye akamutora mumaoko ake, akarumbidza Mwari, achiti:
29 I wu wa uhe ni ko ge u ka ndu gran mehi piyan me ni kpe wa wu tre.
Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu;
30 Ni kpa chu wa me klan mi toh njanji tre,
nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31 ni wa u mlan tie ni ngbugbu lu ba wawu.
rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vese;
32 I nkpa wa ani tro ba inko mea ni kuma no ni nko Isrela.
chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri.
33 Ba iyima mba ittima ba tie sissri (mamaki) ikpe wa ba wo ba tre nitu ma.
Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake.
34 U Simion a tie lulu yo ni bawu nda hla ni Maryamu iyima ndi, “U to, Vivren yi, wawu yi ni dun bari dun ba joku, bari gbugbu ba lunde ni mi Isrela, wa ani tsro gban u wa indji ba kamba -
Zvino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji muna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa;
35 Ni dun iwen ndu kpireu dri na no mre ndu wa ani nharan mi suron ndji wawu.
uye newe, munondo uchagura nemumweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.
36 U Anabi rhi, ahi iwa, ba yo'u ni Hanatu. Ahi vren Fanuwel rji nimi L'be u Asha. Wa a che kpokpome. A sohn ni lon ma ise tangban niwa a gran ni vren wa,
Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake.
37 u lon ma a qu wa ka son ni kbo ise wulon inkyu tandra ni nza. Ani hi ni nko bre Irji chachu chachu ni chu mba ni mble ani bre Irji ni vu hlan ma.
Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati.
38 Ni ki me, a ngyiri ni Irji, na tetra vren ni ndi ba wa wu bi wa ba si gben kpachuwo (fansar) Wurishelima.
Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vese vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.
39 Ni wa ndji ba kle ko nge wawu na wa ndi bla tre Irji hla'a, u ba ka kma hi ni Galili ni gbumba Nazaret.
Zvino vakati vapedza zvinhu zvese zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta.
40 Ivren sen ni tie ninkon u mre ma ndindi ni babran kpukpome, ndindi (Alheri) u Irji he ni wu.
Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake.
41 Ba tie ma ba hi Wurishelima ko wa ni ise ni ngan (Idin Ketarewa).
Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ese pamutambo wepasika.
42 Wa-a tie si wulon don ha, u ba rji hi ya da ba hi ni Idin.
Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo,
43 Ka ba kle tie ro'a na kma si hi, u vren'a Yesu, wa zu kukri ni kogon ri ni mi Wurishelima a na ni toh ba iyima na.
vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi,
44 Ba zren ya ndi a he nimi ba ndji wa ba si hi baba'a, u ba zren u vi rhi. Nda lu ni wa'u nimi ba mlan mba ni kpukpan mba.
asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi.
45 U wa ba na to'u na, ba kma hi si wa'u ni Wurishelima.
Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka.
46 U ni vi u tra mba, ba to'u nimi koh Irji, a son ni tsutsu ba bi tsro, asi sren ton si wo ba nda si mye ba.
Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pevadzidzisi, achivateerera, achivabvunza.
47 Biwa basi wo wu wawumba ba tie sissri (mamaki) ni toh tre wa ahe niwu.
Vese vakange vachimunzwa vakashamiswa nekunzwisisa nemhinduro dzake.
48 U ba ka toh, na tie sissri iyima myen inge ba sa u tie nna ki ni ta wu bu tie me, kisi wa wu, ni suron nfu.
Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichirwadziwa.
49 A mye ba, “bi si wa me ni nge, bina toh ndi abi dun mi son ni koh tti mu na?”
Akati kwavari: Mainditsvakirei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
50 U bana toh tu tre wa a tre ni ba na,
Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.
51 Wa kma huba hi ni koh ni Nazarat na ni wo tre mba. U iyi ma a nji kpe wa atie gbangba nimi suron ma wawu.
Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko awa ese mumoyo mavo.
52 U Yesu gburon ni hon ni tiya ni toh tre ni tagoma, Irji mba ni ndji me.
Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.