< Luke 16 >

1 Yesu hlani mri koh ma, (Almajirama) “A ndi igu ri he niwo (arziki) na he ni indji wa ani ya bi ndu ni wu'a, U ba ye hla ni wu indji iwo, andi igu ya bi ndu ma a ri woma ni hi kle.
Jesu akatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mumwe murume mupfumi aiva nomutariri akanga achipomerwa mhosva yokuparadza pfuma yake.
2 Indji iwo'a a yo na miyen ahi nge mba mi wo? Ne lisafi ikpe wa u tie ni ya ndu'a u na la tie ndu, u ya indji ngana.
Saka akamudana akamubvunza achiti, ‘Zviiko izvi zvandiri kunzwa pamusoro pako? Zvidavirire pamusoro poutariri hwako, nokuti haungarambi uri mutariri.’
3 Igu u ya indji ba (wakili) a ta mre, “Ahi nge mi ti, tun nde itie koh mu a vu me kpa ndu u ya? Mina he ni gbengble wami ya ron na, Ishan ni ti me mi na ya bre na.
“Mutariri akafunga nechomumwoyo make akati, ‘Zvino ndichaiteiko? Tenzi wangu ava kunditorera basa rangu. Handina simba rokurima, uye ndinonyara kupemha;
4 Mi toh kpe u wa mi tie'a inde ba zu me ni ndu u ya indji (wakili), indji ba ka kpa me hi ni koh mba.
ndinoziva zvandichaita kuitira kuti, ndikange ndarasikirwa nebasa rangu pano, vanhu vagondigamuchira mudzimba dzavo.’
5 Ayo bi wa itie koh ma ni huba ihlah, a miyen u mumlan, 'Ahi bren itie koh mu ni hu?'
“Saka akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwereti natenzi wake. Akabvunza wokutanga akati, ‘Une chikwereti chakaita sei iwe kuna tenzi wangu?’
6 Andi uma a Garuwa Iyen Deri. Wa hla ni wu, kpa nvunvu u nha me, gbagbla nha hamsi nihi kuson kpa me ni ka don.
“Akapindura achiti, ‘Zviero zana zvamafuta omuorivhi.’ “Mutariri akati kwaari, ‘Tora tsamba yako, ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.’
7 Wa hla miyen ri, ibren ba hu? Wa tre, buhu alkama dari wa hla niwu, kpa nvunvu yi, ni nha tan mani
“Ipapo akabvunza wechipiri akati, ‘Iwe une chikwereti chakadiniko?’ “Akapindura akati, ‘Zviero zana zvegorosi.’ “Akamuudza kuti, ‘Tora tsamba yako unyore makumi masere.’
8 U tie koh ma kber igu lah tre san nitu wa a tie whiri, imlen imri bi, zizanyi ni indji mba, ba whiri zan imri bi kpan. (aiōn g165)
“Tenzi womuranda uyu akarumbidza mutariri asakarurama uyu nokuti akanga aita nokuchenjera. Nokuti vanhu venyika ino vakachenjera kwazvo pakuita kwavo kukunda vana vechiedza. (aiōn g165)
9 Mijhla ni yiwu tie kpan nitu he niwo wa ana bie na. Wa ye nna wo kle, u ba ka kpa yi hi ni koh wa bi son hi ni tuntur. (aiōnios g166)
Ndinoti kwamuri, ‘Shandisai pfuma yenyika kuti muzviwanire shamwari, kuitira kuti painopera, mugozogamuchirwa mudzimba dzisingaperi.’ (aiōnios g166)
10 Indji wa ni tie njanji ni kpi tsitsa ma, A ni ti njanji ni rhi grama, u indji wa ana tie njanji ni kpi vi tsitsa mana, ana tie njanji ni kpi rigra ma na.
“Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda.
11 Inde u na tie bi ni wo wa ana u njanji na, u nhan ni kpa nyewme ni wu ni wo u njanji?
Saka kana manga musina kutendeka paupfumi hwenyika, ndianiko achavimba nemi paupfumi hwechokwadi?
12 Toh wu na ni tie njanji ni nji kpi u bari na, anha ni no wu inkleh u me?
Uye kana wanga usina kutendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupa zvinhu zvako iwe?
13 Ba indji wa ani ya biu tie ko hari, ni mi nton riri, se ka kpa ri na kari don, koh ka kpari tsri na kpari nyime. U na ya hu Irji mba inklen na.
“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”
14 Farisawa bi wa ba son inklen kpukpome'a ba wo tre naki wawu na nzah.
VaFarisi, avo vaida mari vakanzwa zvose izvi vakatuka Jesu uye vakamuseka.
15 Wa hla bawu, 'Biyi bi ban tu mbi ni shishi ndi ni kperi, ama Irji toh mi suron mbi. Ikpi wa ndi ba kpanyime niwu wawu, ahi kpi u shan ni Irji.
Iye akati kwavari, “Imi munozviruramisira pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Zvinhu zvinokudzwa pakati pavanhu zvinonyangadza pamberi paMwari.
16 Attaura ni Litafi Anabawa ba he si ye ni ye Yohana rji ni nton ki ye zizan yi, ba tsikpa bubu bla tre Irji, indji wa wu ba ri ti tu ni gbengblen ni yo tu mba niwu.
“Murayiro navaprofita zvakaparidzwa kusvikira pana Johani. Kubvira panguva iyoyo, vhangeri roumambo hwaMwari riri kuparidzwa, uye mumwe nomumwe anozvimanikidzira kupinda mahuri.
17 A hi fie me ni shulu mba ni meme ndu ba su e tu ni wa, iten riri u Attaura ndi joku migen.
Zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pano kuti kavara kaduku koMurayiro kabviswe.
18 Indji wa a ga gran ma ni Iwa-ma na kpa iwa ri a zina a si tie, ni nidji wa a kpa iwa wailon ma zu a hi zina a si ti.
“Ani naani anoramba mukadzi wake akawana mumwe mukadzi anoita upombwe, uye murume anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
19 Indji iwo ri a shur kpimabi tie le nani zren zren ma ko ni nton ri meh.
“Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose.
20 U indji u bre ri ba yo ni Lazaru ba nji ye ka yo ni nkotra koh ma, ni kpukpa inkpa-n ni kpa,
Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda
21 Wa ni son rhi birhi wa a kuble ni tu tebru, u yawu ba ye nle kpa-n.
uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
22 Wa ye tsra ni nton wa indji u bre a ye kyu, u Maleku ba ye ban hi ni nhma ko wa Ibrahim he. U ndji u wo'a (arziki) a kyu u ba ban ka rju.
“Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa.
23 wa ka ri ni koh lu, wa zun shishi hi ni shu, na toh Ibrahim gbugban mu ba sun mba Lazarus ni ngbala ko wa Ibrahim he. (Hadēs g86)
Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. (Hadēs g86)
24 Wa yra yi yo, Itie mu Ibrahim, toh me ni lo suron ni ton Lazarus, ndu ka vren wo ma son ni mma, na chu kpi yo ni mu ni lbe ndu jubu gbugbran mu.
Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’
25 Ibrahim tre vuvren, Rimre ni sun me ni gbungblu, u rhi ro wo me ni kpa kpi bi bie ma, u Lazarus si tiya, u zizan mba ba ndu si toh roma ni wa, Iwu mba u si tiya.
“Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa.
26 U naki me ba shi juju ni tsitsu bi vron me, ni ndu bi wa ba sun zagran ye niyi ba ka na yana, kuma biwa ba he ni yi ko mba ba ka na zagran ye nita na.
Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’
27 U indji i wo tre, mi bre wu, Itie mu Ibrahim, u ka ton hi ni koh itie mu, u ngrji'a -
“Iye akapindura achiti, ‘Zvino ndinokukumbirai, baba, tumai Razaro kumba kwababa vangu,
28 Mi he ni mri vayi mri-lon iton, ndu hi hron ba ni ndu ba na ye ni bubu yi na.
nokuti ndina vanunʼuna vashanu. Ngaaende anovayambira, kuitira kuti naivowo varege kuuya kunzvimbo ino yokurwadziwa.’
29 Ibrahim hla niwu, ba he ni Musa ni anabawa, ndu ba wo ba.
“Abhurahama akati, ‘Mozisi navaprofita vanavo; ngavavanzwe.’
30 U indji i wo, a sa niwu andi, A'a Itie mu Ibrahim, indrjo ri ni ta rji ni mi bi kyu ka hla ni bawa, ba k'ma suron mba no Irji.
“Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahama, asi kana mumwe akabva kuna vakafa akaenda kwavari, vangatendeuka.’
31 U Ibrahim hla niwu, inde bana wo Musa ni anabawa bana, ko indji wa a kyu lunde na ka hla ni ba wu bana wo wu na.
“Iye akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mozisi navaprofita, havangatendi kunyange dai mumwe akamuka kubva kuvakafa.’”

< Luke 16 >