< Luke 14 >
1 Ni vi u chachu sati ri, wa a ri ni koh bi ninkon Farisawa ri du rhi biri, ndji ba sru shishi ni wu.
Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.
2 se ga ndi “U” lilo huk kpa.
Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.
3 Yesu ya da mye bihan vuvu baba Farisawa, abi du ba chu lilo rju ni chachu sati ko an an?
Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?
4 U ba sun ngbangbi, Yesu ka vu ni wo lunde da chu lilo rju niwu, da du hi kpama.
Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.
5 Yesu mye ba, ahi nha ni mi-mbi, inde vren ma, ko napron ma aku ni juju ni chachu sati, wa ana chu na?
Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata?
Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
7 Da Yesu si ya ba da toh bi wa ba you ba ye, ba wa bubu sun bi ni koh, watre kayiyi, nda tre.
Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:
8 Inde ba you hi ni bubu gan u gran na kuson ni bubu bi ninkon na, ani yiwu ba you ndi wa a zawu.
Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,
9 Inde ndji wa a you yi ha bi, aye, a ni tre no bubu sun me, “u shan ni ti'u, u” wu kma hi ni bubu bi kalachu.
zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi.
10 Inde ndji wa a you, a tre kpamu hon ye ni wayi, nakima, u ndji ba, ba no ninkoh, bana kpa wu tsri na. biwa bi son baba ni tebru'a.
Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.
11 Indji wa a nzu tuma, baka ka tuma grji, wu wa u katu me grji, ba nzutu me hi shu.
Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa.
12 Yesu hla ni ndji wa you ye, inde wu ta ni yo ndji ye ri biri, ko ni gan, u ka na yo kpukpan me na, ko mri vary me na, ko malan me na, ko bi kutra kahlan mena bi nklen na, baba me ba you ngame, wandi ba njiye niwu.
Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa.
13 Ba tie lulu yo don bana ban ni wu na,
Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;
14 inde wu yo ndji ye ni gan me, u ka yo bi kalanchu, ni bi wa bana he ni gbengblen na, ni bi kple zah, ni bi fie, ba tie lulu you don bana he ni kpe wa ba han wu na. Don ba tie lulu yo ni chachu wu lunde bi kinklan suron.
uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.
15 Da indji ri wa a son ni tie bru ni Yesu awoh tre a, nda tre, ba tie lulu yo ni ndji wa ani rhi biri ni koh Irji.
Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari.
16 Yesu woh da tre ndi ndji ri atie gan rigra ma nda yo ndji gbugbu-u.
Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji.
17 Da inton wu gan a tie, wa a ton ivren koh ma du hi hla ni bawu du ba ye, biri a we ye.
Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino.
18 Wa wu bawu, bana yena, u mumla a tre ndi wawu le rju, wawu ni bi toh wru hle ni mu.
Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere.
19 U na tre wawu le lando bi zran ton, mi yi tsra ba toh, mi bre wu, du wru hle ni mu.
Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere.
20 U tra a tre ndi wawu gran wa, naki mina ye na.
Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.
21 Da vren koh aye hla ni ti-koh ma ikpe biyi, u ti koh ma ka tie nfu, nda hla ni vren koh ma du hi gbagbla ninkon bi gbu i, ni kosan gbu, nda yo biwa bana he ni gbengblen na, ni bi chiche, ni bi fie baba bi kple zah.
Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu.
22 Vren koh a tre, iti koh, ikpie wa u tre a kle hra zizan bubu a na shu na.
Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
23 Se ndji u koh ka hla ni vre koh ma hi nikoh ni kosan gbu ndi yo gbugbu ndji du ba ye du koh mu shu.
Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
24 Mi hla ni yiwu, biwa mi you ba ni mumla ba na ye kpe ni iye u muna
Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu.
25 Basi zren ndji gbugbu basi hu, wa hla ni bawu,
Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:
26 Du ndji wa ani ye nime, ndana kama ni tima na, mba iyima, ni iwa ma na, ni mri ma, ni mri vayi ma, mri lon baba mri mba ba, hra ni dri ma na, ana ya zama vren koh muna.
Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.
27 Indji wa ana he ni suron u ban giciye nda ye hu me na, ana ya son u vren koh mu na.
Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.
28 Ahi nha nimi mbi wa ani son be koh wu shu, nda na bla inklen wa ahe ni wu, ko ani tsra u, u me koh, ko ana tsra na.
Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?
29 Inde a zi nchi koh'a, kana kle meh na, u biwa ba meh baba ba ka nza'u,
Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vese vanoona vanotanga kumuseka,
30 Ba ta tre toh ndji ani son meh koh, ana ya meh kle na.
vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
31 A chu rime ani hi taku ni chu ri nda na son nda bla bi taku ma toh ni mumla, ko soja ma bi gbengblen ba kai dubu wulon wa ani ya kbu tu ni chu rima mu wa a he ni bi gbengblen dubu shirin.
Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?
32 To inde an ya na, ka wa sun si ni chu rima.
Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare.
33 Naki ba ndi wa ni mibi wandi ana ka kpe wa a he ni chu wo na, da ani ya k'ma tie vren koh mu.
Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.
34 Ima a kpie ndindima, inde imma a sa ba mla tie ni ni ngyen?
Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?
35 Ana labi gana, sei baka ka hlega, ka kma tie toki ni meme, ndji wa ahe ni ton ka wo.
Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.