< Jude 1 >
1 yabuza vrenko yesu Kristi vayi Yakubu: hi ni wa ba yoba bi son u irji iti nibu wa ba baunzi ni kristi.
Judha muranda waJesu Kristu, uye munin'ina waJakobho, kune vakaitwa vatsvene muna Mwari Baba, uye vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadanwa:
2 du losron mba sisron ni son ndi he niyii.
Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.
3 bi son mi si hainiyu ndi ha mi wu ni tu kpa wawu bin, abi ndi mi ngron yi nitre kpa yesu wa mba nu yii bi wu rji.
Vadikanwi, ndichiita kushingaira kwese kukunyorerai zvekuponeswa kwedu tese, zvakange zvakandifanira kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire rutendo rwakapiwa vatsvene kamwe.
4 indji mbd ri mba rin ni riyabi wa mba ra nitu bla mba tun tse mu indji wa mbo to te ndidina, mba bri ziziwu rji rida kgba hi ni meme. mba ma kpa myerne mi kon rji mbu yesu Almasihu.
Nokuti kuna vamwe vanhu vakapinda nekunyangira, vakagara vanyorerwa kupiwa mhosva uku, vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, uye vachiramba Tenzi umwe wega Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.
5 mi si son la ni wu, bi to igzi wami sison la niwu ye; lrji kpa indji mba ri chuwo ni meme masar; ni kwugon a wu mba bi, bi wa mba kpan myemen niwu ria.
Asi ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maiziva ichi kamwe, kuti Ishe aponesa vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vakange vasingatendi.
6 malaiku wa mba na gji mbu mbu ndima wu mba na, mba bri mbu mbu son ndima. irji lumba ni saraka hra ise ni se, ni mi shigji biu be nifi wu mbla. (aïdios )
Nevatumwa vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya ugaro hwavo pachavo, wakavachengetera kutonga kwezuva guru nezvisungo zvekusingaperi pasi perima. (aïdios )
7 mba he na sadurna ni gwarnrata ni gbugbulu wa mba whir whire ni mba, bewa mba turma iyo ni te meme rida wu iypi wa kpan ni wan. mba hena na bi wa mba shaya ne mi lu wama nwena. (aiōnios )
SeSodhoma neGomora, nemaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo, nekutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo pachena, akatambudzika pakurangwa nemoto usingaperi. (aiōnios )
8 anakyii bi hira ramba mba kpan mba te meme mba kpa be chu ni tdri nda ni la meme tre nitu bi te ndidi.
Saizvozvowo neimwe nzira neava vachirota zvirokwazvo vanosvibisa nyama, vachiramba utongi, nekutuka ukuru.
9 makailu kyke malaika nitu a si gbi sroun ni iblis nitu kgbu misa ana nyamba shistri rida zre meme tre ritu blama na. nitu wayii, rji nitu ma ndi jatun ine.
Asi Mikaeri mutumwa mukuru, nguva yaakapokana nadhiabhorosi akakakavara pamusoro pemutumbi waMozisi, haana kushinga kumupa mhosva nemutongo wekutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.
10 indji bi liyi si mbata niwu nitu iypi mbanato na. indji bi yii inba he ni limre ngnama rju mba gji ukwu si yae ni gba mba.
Asi ava vanotuka zvese zvavasingazivi; asi zvese zvavanoziva pachisikirwo, semhuka dzisina pfungwa, vanozviparadza muzvinhu izvi.
11 iyaki biwu mba wukon kayinu mba yotun mba ni te meme batamu ndu wa gbu gpiri. mba wutuma ni ufu iri mba kora.
Vane nhamo! Nokuti vakafamba nenzira yaKaini, uye vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa panharo dzaKora.
12 indi bi iyii mba meme indji nimiri biri isonbi wanmbari ni yi mbak wussa, bi gru wa ri nitu mba, mba npan wa agji uumba ngugun ye na. mba kwugron wa mba gji nkolo ma yena.
Ava makwapa pamabiko enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando, isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa;
13 mba bi kwu, ribibuju mba tu mba rji ni jan ma. mba nei bi tsra mba vfu vo nifu ni shan mba. mba he na tstsi wa mba tsre brakaueme ni mi shigji bwu hi ni se gbuwu. (aiōn )
mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo pachawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nekusingaperi. (aiōn )
14 ahnuhu idiji wu tagban rji Adamu, atre ru tu mba, nda la ya irji ni ye meme bi zizinma dubu dubbai.
NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava achiti: Tarira, Ishe wakauya nevatsvene vake zvuru zvamazana,
15 asiye wa ari blaatre konni indji asiye wa ni bla yre indji bi te meme, indun mba wa atre ni tu kon na. wa mba te ni kon meme ma; ni la bi meme ni bi latre wa mba tre ni tuma.
kuzoita mutongo unopikisa vese, nekupa mhosva vese vavo vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ese ekusada Mwari, avakaita mukusada Mwari, nepamusoro pezvikukutu zvese vatadzi vasingadi Mwari zvavakataura maererano naye.
16 biyii bi tre che, bi tre gbrugbo wamba wu meme te mba mba ni bru ni ni sandon tu mba mba trece nitie.
Ava van'un'uni, vasingagutsikani, vanofamba nekuchiva kwavo; uye muromo wavo unotaura zvekuzvikudza, vachirumbidza vanhu nekuda kwemubairo.
17 amawu kauritau tauna tre wa me tsi tre niwu kwugon ni marizanni yesu Almasihunmu wa mba laniwu tu ru tse.
Asi imwi vadikanwi, rangarirai mashoko akagara ataurwa nevaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;
18 mba laruwu ni tun kykle indji bi che mba he mba wu kon mba wu meme.
kuti vakati kwamuri: Panguva yekupedzisira vaseki vachavapo, vachafamba nekuchiva kwavo kwekusada Mwari.
19 abi wa mba hantu indji mba bi wu gbugbulu mba na he ni ruhuna.
Ava ndivo vanozviparadzanisa, ndevechisikirwo, vasina Mweya.
20 Bi Ijii Kaunatu, men tu bi ni keh tsatsare ma, ndi bra ni mi ruhu wu tsatsare.
Asi imwi vadikanwi, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene-tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,
21 Gji kpan bi ni son Rji, ndi nta gpi losron inji mbu Yesu Almasihu wa ni nuta re wu ise ni se. (aiōnios )
muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu husingaperi. (aiōnios )
22 Tsro son ni biwa na kpanyemena.
Ivaiwo netsitsi nevamwe muchipa mutsauko,
23 Mba ri chuwo ni nyu lu. Tsron indji mbari ni tsitsir, kamen ni nglo wa yin kpa mba teimeme.
asi vamwe muvaponese nekutya, muchivabvuta kubva mumoto; muchivenga kunyange nguvo yakasvibiswa nezvinobva panyama.
24 Wa ahe ni gpengble wa asi ndi na kgbu zam na, wa ni zo wa kri ni shishi ni kpa'n ndidi'ma ni sroun ndindi'ma.
Zvino kuna iye anogona kukuchengetai pasina kugumburwa, nekukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pekubwinya kwake mumufaro mukuru,
25 Irji mbu ni wa kpata juwo ni wo Yesu Kristi Irji mbu, ndindima, ngpengblema, ni he ma, ikon ma, ni fin wawu, zizan ni se ni se ahema. (Amen). (aiōn )
kuna Mwari umwe wakachenjera, Muponesi wedu, ngakuve nekubwinya uye ukuru, simba uye umambo, ikozvinowo narinhi kwese. Ameni. (aiōn )