< Yohana 1 >
1 ni mumla itre a he u tre he ni ba chi u tre a hi bachi
Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.
2 iwayi a he rji ni mumla ni bachi
Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.
3 koge ba tie ni wa wuti ba na tie kpe ri na sei ni wawuyi
Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
4 ni uahi nou ivri he u viri a ka tie ipan ni indi wawu
Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
5 ipan a lan ni mi bwu i bwu na ka ipan na
uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
6 indi ri he wa bachi ton ndu wa ba yo di yahaya
Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.
7 aye toh na hla tre ikpan ni ndu indi wawu kpa yenme ni tu ma
Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vese vatende naye.
8 a na yahaya ahi kpan na ama ndu ye toh kpan na hla
Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.
9 ikpan i njanji wa a no kpan ni indi wawu ani ye ni gbungbula
Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.
10 a he ni gbungbulu yi ba mei gbungbulu ni tuma indi bi gbungbulu bana toh na
Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
11 aye ni bama u bima bana kpaa na
Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.
12 abi wa ba kpa na kpayenme ni indi ma abiki migen ano ba ikon ndu ba yo ba tie imiri rji
Asi vese vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;
13 wa ba na grji ni kon irji u yina ana nitie u kpa na ana tie u ndi na a hi tie rji
vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.
14 ilan tre ka tie nma kpa na son mi mi buu wa aye rji ni irji na sh ni iko ni njaji
Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
15 yahaya a hla ni tu ma da ni yo indi kpan kpan me nanihla ahe wayi i mi tre indi wa ani ye ni kogon mu a za me a he ri mi ka ye
Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti wakange aripo mberi kwangu.
16 ni tsara ma yi kikpa alheri ni tu alheri
Nepakuzara kwake isu tese takagamuchira, uye nyasha nenyasha.
17 doka tre yi ye rji ni musa alheri ni njaji baye rji nikonyesu Amasihu
Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
18 ba iton wa idiori taba sa shishi ni irji indi wa ahi wawu yi kangrjima a hi nji iwa a kuyer ni kbu bachi rji wawuyi tsro u
Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
19 yahudawa ba lude ton ba ni firistici ni lawiyawa he niwu ni ni tu ba son miyen ahi wu nhan?
Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo VaJudha vakatuma vapristi neVaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?
20 wa nhla ni bawu gerger ana kpa tron na wa si sa bawu adie ana imeyi me Almasihu na
Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.
21 u ba miyen a hi wu nahn? ahi wu yi iliya? iwa tisan ana mena u tra ahi wuyi wu anabi? wa ti san aa
Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.
22 ba miyenu a hi wu nha ki son ki hi hla ni biwa ba ton ta? u hla ta wu di geri ni tu me?
Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?
23 wa hla mi lantre wa a bi tie ni kon irji nawa wandi anabi ishaya hla a
Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita.
24 bandi waba ton ba rji tarisawa ba he niba u ba miyen andi
Ava vakange vatumwa vaibva kuVaFarisi.
25 u ge mba sa u yin btsima ise una Almasihuna u na iliyana ko annabin?
Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
26 yahaya se tre a bawu andi mi yi batsima ni ma indi ri k rli ni mibi wa bina toh na
Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi;
27 wawu yi ni ye ni kogon wa rjirji lagban ma nii kuyiron wa mi siwua
ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
28 kpi biyi ni Bethany u ngbala rima u Jordan wa Yahaya a sia ti batisma mble
Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
29 ni bele ni virima yahaya toh yesu niwa natre yamba ige vreb nkrju irji iwa aban lah tre gbungbulua
Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.
30 iwayi ahi iwa mi bla ni yiwu ndi ndi wa asiye a zanme ahe guci nimu
Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti wakange ariko mberi kwangu.
31 mina toh na ama bana hla tsre ilawa ye miye ni yi batisma ni ma
Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.
32 yahaya shedai andi mi toh ruhu asi grji na ingyu da ye niwu nituma
Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
33 mina gani niwu na indi wa a tih me miyi batsima ni mima a hla nimu ko ahi nhan u toh ruhu a grji kuson niwu nituma ahi wawu yi a yin batisna ni ruhu u nja ji
Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.
34 mitoh ni sheda ahi wawuyi vrena rji
Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.
35 kan vi nibela u ha ma u yahaya a kri ni hari ni mi almajeran ma
Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;
36 u ba toh yesu a ka vuyaba ni hi u yahaya atre toh ba inge vren krju irji
zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.
37 u almajeran ma hari bawo naki da luwu yesu
Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.
38 u yesu kban ya da toh basiwu u wa a miye a ge bi son? u ba yo rabbi andi lu soro ni tseyi
Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?
39 a hla bawu ye ni ye toh ubaye na ye toh bubu wa ani son u ba ka kuson niwu che chuku ni karfi wollon
Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.
40 iri ni miba biwa ba wo tre yahaya hi androwus vayi siman Bitrus
Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.
41 a lude da wa vayi ma simanna hla niwu ki ka toh Almasihu
Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu.
42 a nji ye ni yesu yesu ya da tre ahi wuyi u siman ivren yahaya? ba yo di kefas
Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).
43 ni vikima wa yesu luni shirin u kugon hi nigalili u waka toh filibus da hla niwu luhume
Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.
44 Filibus ivren i jiji baitsida gbu ba andrawus ni bitrus
Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro.
45 filibus ka same ni nata na ilu da hla niwu ki same niwu wa musa a nhan yo nimi attaura ni annabawa yesu ivren yusufu ba nazarat
Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
46 natan ilu a hla niwu ba ya na fe kperi u ndi ndi ma ni Nazarat? filibus tre ye ni ye toh
Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.
47 u yesu a toh matana ilu si ye niwa u wa tre tre nituma toh ba isra ilyi wa ana mirtan indi na he niwuana
Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.
48 natana u lu miyen u tie ni he mba ni toh me? u yesu a hla niwu mi toh ri u filibus yo u niwa a son ni chin mbuwa
Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona.
49 natana ilu yo ni rabbi u vren irji u chu israila ko
Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.
50 yesu tre ni wa ni hla ndi me toh u ni chin mbuwa a kpayenme? u toh kpii wa ba nawayi babran
Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.
51 na hla njajimu njaji misi hla niwu utoh shulu bwu kri wuho malaku irjii ba si hon nani grji nitu vren indi
Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.