< Yohana 7 >

1 Ni kogon kpi biyi Yesu zren kagon mi gbu Galili, ni tu wa ana son ri ni mi ingbu Yahudiya nitu Yahudawa ba mla ki si gben ndi ba wu'u.
Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya.
2 U igan idin u Yahudawa tewhire.
Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,
3 U miri vayi ma ba hla niwu, “Lunde hi ni Yahudiya ni ndu almajeran me ndu ba to ikpi wa u si tre ba'a.
vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.
4 Idiori, nati kperi ririna inde ani son ndu indji ndu ba to wawuu, nitu wa u tie ikpi biyi u tsoro tume ni rira ni ngbungbulu'a
Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”
5 Nitu wa imri vayi ma me bana kpanyime niwu na.
Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.
6 Yesu hla ni bawu, iton mu na tsira rina, ka iton bi ni he ni tan.
Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka.
7 Gbungbulu'a ba na ya kamba niyi na, a kama ni me nitu wa mi hla ni bawu andi indu a hi memme.
Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa.
8 Bika lunde hi ni idin, ime mi na hi na iton mu tsira rina.
Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.”
9 Ni kogon iwa a hla ikpi biyi, a kuk'ri ni Galili.
Akati areva izvi, akagara muGarirea.
10 Ni kogon wa imiri vayi ma ba hi ni rira na.
Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanunʼuna vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.
11 Nitu iwa Yahudawa ba si wa'u ni bubu indji'a, nani minye, a he ni ntsen?
Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Murume uya aripiko?”
12 Rju, rju itre ba he nituma gbugbu'u nimi kuson'a, bari mba tre a hi Indji ndindi, “Ahi Ndji u toh ti.” Bari mba ba tisan, andi an, an aye kpa soron ndji ni kasran.
Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”
13 Ni naki me idiori na tre ni rira ni tumana nitu sisir Yahudawa.
Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.
14 Niwa ba ri igan indji ka ri ni zuzma, u Yesu lu ri ye hekali na (fara) ni tsroroba.
Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa.
15 Yahudawa ba luni ti sisir na ni tre, “Ani he iguyi he ni bibi kpran gbugbu'u na yi? Iwa na hi ni magrata na.
VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”
16 Yesu kasa ni bawu, “Itsroro mu'a ana umu na, a u Indji wa a ton me ye'a.”
Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma.
17 Indji wa ani son ti kpi iwa ani son'a ani ya to tsoro mu'a ko a rji ni Irji, ko mi tre u mu kimu.
Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.
18 Ko inha wa ani tre u tuma, ani wa kpandema mu, ko ahi nha iwa awa kpande Indji iwa a ton me, Indji ki a wu njanji, ikpiri meme ma na he niwu na.
Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.
19 Musa na nuyi ndu na? Ni naki iriri ni mi mbi ana hu ndu'a na. U ahi geri mba ni yoyui ni ndu yi wu me?
Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?”
20 Ison indji ba hla niwu, “U he ni brji. Ahi nha mba ni son wu'u?”
Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?”
21 Yesu hla bawu, mi ti indu iriri migen, u bi ti sisir wawu mbi.
Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo.
22 Musa noyi ji (ana ri ni Musa na, a rji ni ba Ti-Iti, Tima), ni ivi u Asabar bi no indji iji.
Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata.
23 Indji nita kpa ji, ni ivi u asabar nitu, nduba na lahtre ni du Musa na, ahi ngeri mba noyi infu ni wa ndi mi chu lilo wawu rju ni indji wa a hi lo'a ni ivi asabar?
Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata?
24 Na tron ni ya shishi na, tron ni u njanji.”
Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”
25 Bari mba rji ni Urushelima ba tre, “Iwa ana indji iwa ki si wa ndi ki wu ana?
Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye murume uya wavari kuedza kuuraya here?
26 To, a tre dedeme, u ba na tre kperi meniwu na. Ana bi na ni ndu bi chu ndi ba to a ndi i wayi a hi Kristi na, ka ana naki na?
Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu?
27 Naki, kito i wurji iwa a rji. Ni ton iwa Kristi ni ye, idiori ana to iwurji wa ani rji'a na.”
Asi tinoziva kunobva murume uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.”
28 Yesu tre ngbngban me ni mi heke li'a na ni tsoro ba na ni tre, “Bi to me ni to i wurji iwa mi rji. Mina ye ni tu muna, mi ye nitu indji wa a ton ye a hi njanji biyi bina to wu na.
Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi,
29 Ime mi to mi rji ni wawuyi, a wawuyi ton me.”
asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.”
30 Balu ni son vu u diori na ya bre wo niwu na iton na tsira rina.
Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika.
31 Indji gbugbu ni mi mba ba kpa nyeme niwu, u ba tre, “Yesu ni ta ye, ani ti zan wayi wa ndi ati ba yi?
Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?”
32 Farisawa ba wo indji ba tre toto nitu Yesu, Malami bi nikon ni Farisawa ba ton bi gben ndu ba hi vu.
VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga.
33 Yesu tre, “Miri he ni yi za mi ni vi ton ni k'ban hi ni Indji wa a ton Me.
Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye mushure maizvozvo ndichazoenda kuna iye akandituma.
34 Bi wa me bi na to mena, bubu iwa mi hi'a, bina ya hina.
Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.”
35 Yahudawa ba lu ni miyen kpamba, ani tsen iguyi ni hi wa kina ya hi to'a na? Ko ani hi ni Helinawa ba si yar ani hi tsoro Helinawa?
VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki?
36 A hi lan birime a ni tre naki, bi wa me u bina to me na, iwurji me hi'a na, bina ya hi na?”
Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?”
37 Ni vi u kekle'a, ki kle ivi u idin, Yesu lu kri kri na yar yin gbangban, na hla, “Indji wa lan ma nita ni tiwu wa ka ye nime na so.
Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa.
38 Indji wa a kpayenme ni me, ina wa itre Irji'a a la, ni mi ma iba u re (iviri) ba gukbon ni mi ne ma.”
Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”
39 A tre naki nitu Ruhu (Ibrji ndindi), ni biwa ba kpa yeme niwu'a iki ba kpa, bana nu Ruhu (ibrji) rina, nitu wa bana gbre Yesu san rina.
Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati apinda mukubwinya kwake.
40 Bari ni mi son'a ba lan tre ba naki, na tre, gbigbi iwa yin a hi ana ebi yi.”
Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.”
41 Bari ba tre, iwayi a hi Almasihu.” U bari ba tre, “Almasihu ni rji ni Galili?
Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea?
42 Nda tre Irji hla Almasihu ni rji ni mi mla Dauda ni Batalami na, rji ni mi vi gbu wa Dauda rji?
Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?”
43 U ba ga kpa ni mi son nitu ma.
Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu.
44 Wa bari mba ba vu, idiori na yowo na.
Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari.
45 Niki bi gben'a ba kaban ye ni Firistoci bi nonkon'a ni Farisawa biwa ba tre, “Ahi ngyeri sa bina njiwu ye na?
Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?”
46 Bi gben ba tre, ko diori na ti bre tre nayi.
Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.”
47 Farisawa ba sa ni bawa, “Ba kpayi kasran?
VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo?
48 Ka iri ni mi chuba a kpanyeme niwu, ka ni mi Farisawa?
Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here?
49 Indji bi son yi ba na to tron na, ba ti meme ye.
Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.”
50 Nikodimus hla ni bawu, wawu wa a ye ni Yesu, ni ri ni mi Farisawa,
Nikodhimasi, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati,
51 Indu mbu tre ni ndu fu ton nidi ndi ri ni wo ikpe iwa a ti'a?
“Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?”
52 U ba minye, iwume u rji ni Galili? ban ya ni hla anibi wa ani ya rji Galili'a.
Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarirea? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.”
53 Niki indji wawu ba lu shan hi ni ko'mba.
Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

< Yohana 7 >