< Yohana 21 >

1 Ni kogon bi kima, Yesu hla ka tsro Itu Ma ni almajere ma ni nyu nne Tiberiyas. Gen ya nda a tsro tuma:
Shure kwezvinhu izvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi pagungwa reTibheriasi; uye wakazviratidza sezvizvi:
2 Siman Bitrus he mba Toma wa ba yo ni dan tagwai, ni Nataniyel, ni Kana u Galili, ni mri Zabadi, ni almajere Yesu hari bari ngari.
Vaiva pamwe Simoni Petro, naTomasi anonzi Dhidhimo, naNatanieri waibva Kana yeGarirea, nevanakomana vaZebhedhi, nevamwe vaviri vevadzidzi vake.
3 Siman Bitrus hla bawu, “mi hi vu lambe.” U ba tre, “Kita me, ki huwu hi me.” U ba lu rju hi naka ri ni mi ingyu'a, ni chu chachuki bana vu kperi na.
Simoni Petro akati kwavari: Ndoenda kunobata hove. Vakati kwaari: Nesu toenda newe. Vakabuda ndokupinda muchikepe pakarepo, asi usiku uhwo havana kubata chinhu.
4 Se imble ni kpan, u Yesu kri ki ni nye nne, u almajere bana to me nda a Yesu na.
Zvino kwakati kwatova mambakwedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu.
5 U Yesu tre ni ba, “Mri nze, bi he ni kpe wa bi ri'a?” U ba ti san na tre, “A'a.”
Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Vana vadiki, mune chero usavi here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.
6 A hla ni bawu, “ta walawa u bu lambe hi ni wo kori ni gyu'a, bi vu bari.” U ba ta walawa mba, yo ni mma, na chu wo kran nitu wa lambe ba ku babran.
Ndokuti kwavari: Kandai mumbure kurutivi rwerudyi rwechikepe, uye muchawana. Naizvozvo vakakanda, zvino vakasazogonazve kuukweva nekuwanda kwehove.
7 U almajere ma wa Yesu ni son zan ba hla ni Bitrus, “Ahi Bachi.” U Siman Bitrus a wo naki Ashe ahi Irji, na lu sru kpi ma u ko tu'a (ana son ni kpa kuklu), na ton ku ni mi nne.
Naizvozvo mudzidzi uya Jesu waaida wakati kuna Petro: NdiIshe. Ipapo Simoni Petro anzwa kuti ndiIshe, wakamonera nguvo yake yekunze (nokuti wakange akashama), akazviwisira mugungwa.
8 Imbru almajere ba ba ye ni mi gyu vi tsitsa, (nitu wa bana gbonron gon ni bubu'a na, ina kamu deri ha hi ni ko tu), wa chu walawa shu ni lambe rju ni mi mma.
Asi vamwe vadzidzi vakauya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure une hove, nokuti vakange vasiri kure nenyika, asi mbimbi dzinenge mazana maviri.
9 Ni ka walawa yo kora ni lambe'a, u ba to kla nu ni lambe ni tuma ni bredi.
Zvino vakati vachisvika panyika, vakaona moto wemazimbe wakaiswapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.
10 Yesu bla nji bari ye ni mi lambe'a niwa bi vu zizan.”
Jesu akati kwavari: Uisai dzimwe dzehove dzamabata ikozvino.
11 U Siman Bitrus a hon, na gbi walawa shu ni lambe deri ni hamsi don tra. Ni bran mba me, walwa na ya ba na.
Simoni Petro akakwira, akakwevera mumbure panyika, uzere nehove huru, zana nemakumi mashanu nenhatu; uye kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka.
12 U Yesu hla ni bawu, ye ni ye kle ye.” U riri me ni mi almajere ma me na ya miyen na, “A wu nha?” Ba to nda Yesu.
Jesu akati kwavari: Uyai mudye. Asi hakuna kuvadzidzi wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimwi ani imwi? vachiziva kuti ndiIshe.
13 Yesu ye, na ban bredi'a, na ga ba, nilambe me.
Naizvozvo Jesu wakauya, ndokutora chingwa, akavapa, nehove saizvozvo.
14 Iki a hi gyu u tra mba Yesu ni tsro tu ma ni almajere ma ni kogon wa a lunde ni be.
Urwu rwatova rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amutswa kubva kuvakafa.
15 Ni kogon wa ba kle ya, Yesu hla ni Siman Bitrus, Bitrus vren Yohana, u son me zan biyie?” Bitrus hla niwu, “Ee Bachi, U to ndi mi son wu.” Yesu hla niwu ndi, “No ntma mu ba biri.”
Zvino vakati vadya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni waJona, unondida kupfuura ava here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Chedza makwayana angu.
16 Ala tre niwu ngari ni nkpu u ha, Siman ivren Yohana, U son me? Bitrus hla niwu, “E, ana Bachi, U to ndi mi son wu.” Yesu hla niwu, “krju ntma mu.”
Akati kwaarizve rwechipiri: Simoni waJona, unondida here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwai angu.
17 Ala tre niwu u gyu u tra, “Siman ivren Yohana, u son Me?” U Bitrus a ku niri mre nitu wa Yesu a hla tre niwu u gyu tra, “U son Me?” A hla niwu “Bachi, U to wawu kpi, U to ndi mi son wu.” Yesu hla niwu, “No ntma mu biri.
Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona, unondida here? Petro akarwadziwa nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvese; imwi munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chedza makwai angu.
18 Njanji, njanji, Mi hla ni yiwu, ni wa u na he ni nze me, U ta zon kpame, ni hi wurji iwa u son'a, u ta cheye, u nme wo ba me son, u ndji ri mu ni zon kpa ni wu na ban wu hi ni wurji wa u na son hi'a na.
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Pawaiva mudiki, waizvisunga bhande, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatandavadza maoko ako, uye umwe achakusunga bhande, achikuisa kwausingadi.
19 Yesu hla naki nitu bibi ikwu wa Bitrus ni kwu'a ni ndu Irji kpa gbre san, ni kogon wa a hla naki, na ni Bitrus, hu me.
Wakareva izvi, achiratidza kuti mafiro rudzii aaizokudza Mwari nawo. Zvino wakati areva izvi, akati kwaari: Nditevere.
20 Bitrus ka ban ya na to almajiri wa Yesu ni son asi hu ba, ni wa a ku yeren ni san Yesu ni ton wa ba si ta ri jibi wa tre, “Bachi, a nha mba ni ka wu le'a?”
Petro achitendeuka wakaona mudzidzi Jesu waaida achitevera, ndiyewo wakazendamira pachifuva chake pachirairo, akati: Ishe, ndiani achakutengesai?
21 Wa Bitrus a to'a na tre Yesu, “Bachi, ahi ngye igu mu ni ti?”
Petro wakati achimuona akati kuna Jesu: Ishe, ko uyu?
22 U Yesu tre, “Mi ti ni son ni ndu son gben Me niwayi hi ni nton wa Mi kma ye, ume hi ngye? Ye hu Me.”
Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo? Nditevere iwe.
23 Itre ki yra shu ni mi Yahudawa andi, almajiri ki na kwu na. U wana naki na Yesu hla ni Bitrus na, almajiri mba ana kwu na, a tre Mita ni son ndu san, u ime ahi ngye?”
Zvino shoko iri rakabudira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haazofi; asi wakati: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo?
24 A wawu yi almajere wa asi sheda ikpi biyi, iwa a nha ba, u ki to gbigbi sheda ma njanji.
Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvezvinhu izvi, nekunyora zvinhu izvi; uye tinoziva kuti uchapupu hwake ichokwadi.
25 U mbrun ikpi bari gbugbuwu wa Yesu atie, u ba ni nha ba ni yiyri, mi hla ni yiwu, gbungblu wawu ani na ya ban nvunvu wa ba nha ni ba na.
Uyewo zvimwe zvizhinji zviriko Jesu zvaakaita; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinofunga kuti kunyange nyika pachayo haizaiva nenzvimbo yemabhuku anganyorwa. Amen.

< Yohana 21 >