< Yohana 21 >

1 Ni kogon bi kima, Yesu hla ka tsro Itu Ma ni almajere ma ni nyu nne Tiberiyas. Gen ya nda a tsro tuma:
Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake, paGungwa reTibheriasi.
2 Siman Bitrus he mba Toma wa ba yo ni dan tagwai, ni Nataniyel, ni Kana u Galili, ni mri Zabadi, ni almajere Yesu hari bari ngari.
Vakanga vakaungana ipapo vaiva vanaSimoni Petro, Tomasi (ainzi Dhidhimo), Natanieri aibva kuKana yeGarirea, vanakomana vaZebhedhi, pamwe chete navamwe vadzidzi vaviri.
3 Siman Bitrus hla bawu, “mi hi vu lambe.” U ba tre, “Kita me, ki huwu hi me.” U ba lu rju hi naka ri ni mi ingyu'a, ni chu chachuki bana vu kperi na.
Petro akati kwavari, “Ndava kuenda kundoredza,” uye ivo vakati, “Nesuwo tichaenda newe.” Vakabuda vakapinda mugwa, asi usiku ihwohwo havana chavakabata.
4 Se imble ni kpan, u Yesu kri ki ni nye nne, u almajere bana to me nda a Yesu na.
Mangwanani-ngwanani, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti akanga ari Jesu.
5 U Yesu tre ni ba, “Mri nze, bi he ni kpe wa bi ri'a?” U ba ti san na tre, “A'a.”
Akadanidzira kwavari akati, “Vana mune hove here?” Vakapindura vakati, “Kwete.”
6 A hla ni bawu, “ta walawa u bu lambe hi ni wo kori ni gyu'a, bi vu bari.” U ba ta walawa mba, yo ni mma, na chu wo kran nitu wa lambe ba ku babran.
Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove.
7 U almajere ma wa Yesu ni son zan ba hla ni Bitrus, “Ahi Bachi.” U Siman Bitrus a wo naki Ashe ahi Irji, na lu sru kpi ma u ko tu'a (ana son ni kpa kuklu), na ton ku ni mi nne.
Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura.
8 Imbru almajere ba ba ye ni mi gyu vi tsitsa, (nitu wa bana gbonron gon ni bubu'a na, ina kamu deri ha hi ni ko tu), wa chu walawa shu ni lambe rju ni mi mma.
Vamwe vadzidzi vakatevera vari mugwa, vachikweva mambure akanga azara nehove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe, asi makubhiti anenge mazana maviri.
9 Ni ka walawa yo kora ni lambe'a, u ba to kla nu ni lambe ni tuma ni bredi.
Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa.
10 Yesu bla nji bari ye ni mi lambe'a niwa bi vu zizan.”
Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamuchangobva kubata.”
11 U Siman Bitrus a hon, na gbi walawa shu ni lambe deri ni hamsi don tra. Ni bran mba me, walwa na ya ba na.
Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombekombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka.
12 U Yesu hla ni bawu, ye ni ye kle ye.” U riri me ni mi almajere ma me na ya miyen na, “A wu nha?” Ba to nda Yesu.
Jesu akati kwavari, “Uyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akabvunza kuti, “Ndimi aniko?” Vakaziva kuti ainge ari Ishe.
13 Yesu ye, na ban bredi'a, na ga ba, nilambe me.
Jesu akauya, akatora chingwa akavapa, akaita saizvozvo nehovewo.
14 Iki a hi gyu u tra mba Yesu ni tsro tu ma ni almajere ma ni kogon wa a lunde ni be.
Uku kwakava kuzviratidza kwaJesu kuvadzidzi vake kwechitatu shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.
15 Ni kogon wa ba kle ya, Yesu hla ni Siman Bitrus, Bitrus vren Yohana, u son me zan biyie?” Bitrus hla niwu, “Ee Bachi, U to ndi mi son wu.” Yesu hla niwu ndi, “No ntma mu ba biri.”
Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwayana angu.”
16 Ala tre niwu ngari ni nkpu u ha, Siman ivren Yohana, U son me? Bitrus hla niwu, “E, ana Bachi, U to ndi mi son wu.” Yesu hla niwu, “krju ntma mu.”
Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?” Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Chengeta makwai angu.”
17 Ala tre niwu u gyu u tra, “Siman ivren Yohana, u son Me?” U Bitrus a ku niri mre nitu wa Yesu a hla tre niwu u gyu tra, “U son Me?” A hla niwu “Bachi, U to wawu kpi, U to ndi mi son wu.” Yesu hla niwu, “No ntma mu biri.
Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?” Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwai angu.
18 Njanji, njanji, Mi hla ni yiwu, ni wa u na he ni nze me, U ta zon kpame, ni hi wurji iwa u son'a, u ta cheye, u nme wo ba me son, u ndji ri mu ni zon kpa ni wu na ban wu hi ni wurji wa u na son hi'a na.
Ndinokuudza chokwadi kuti, zvawakanga uchiri muduku waizvipfekedza uye uchienda kwaunoda; asi kana wakura, uchatambanudza maoko ako, uye mumwe zvake achakufukidza agokutungamirira kwausingadi kuenda.”
19 Yesu hla naki nitu bibi ikwu wa Bitrus ni kwu'a ni ndu Irji kpa gbre san, ni kogon wa a hla naki, na ni Bitrus, hu me.
Jesu akataura izvi achiratidza mafiro aizoita Petro achikudza Mwari. Ipapo akati kwaari, “Nditevere!”
20 Bitrus ka ban ya na to almajiri wa Yesu ni son asi hu ba, ni wa a ku yeren ni san Yesu ni ton wa ba si ta ri jibi wa tre, “Bachi, a nha mba ni ka wu le'a?”
Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”)
21 Wa Bitrus a to'a na tre Yesu, “Bachi, ahi ngye igu mu ni ti?”
Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?”
22 U Yesu tre, “Mi ti ni son ni ndu son gben Me niwayi hi ni nton wa Mi kma ye, ume hi ngye? Ye hu Me.”
Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.”
23 Itre ki yra shu ni mi Yahudawa andi, almajiri ki na kwu na. U wana naki na Yesu hla ni Bitrus na, almajiri mba ana kwu na, a tre Mita ni son ndu san, u ime ahi ngye?”
Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?”
24 A wawu yi almajere wa asi sheda ikpi biyi, iwa a nha ba, u ki to gbigbi sheda ma njanji.
Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvinhu izvi, uye akazvinyora. Tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.
25 U mbrun ikpi bari gbugbuwu wa Yesu atie, u ba ni nha ba ni yiyri, mi hla ni yiwu, gbungblu wawu ani na ya ban nvunvu wa ba nha ni ba na.
Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa.

< Yohana 21 >