< Yohana 19 >
1 U Bilatus tsi Yesu ni panlan.
Ipapo Pirato akatora Jesu akaita kuti arohwe.
2 Soja ba chan inchon tie na u bi ta chu. Ba ban son ni Yesu nitu nda sru nklon u bi chu niwu.
Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru
3 Ba wlu ye niwu, nda tre, “Ndu Irji ziwu gbron nkon, Ichu Yahudawa!” nda wru'u.
vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso.
4 U Bilatus la kma rju ye ra nda hla, “To mba, mi nji wu ni ye ni yiwu ni ra ndu yi toh ndi mi na vu ni lahtre na.”
Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, “Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari.”
5 U Yesu a rju hi ni ra ni nchon tu chu'a ni tuma. Bilatus a tre, “Toyi, ngye ndji'a yi.”
Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, “Hoyo munhu!”
6 Ni Pristoci bi ninkon-ninkon ma ni bi no chu'a mren ba to Yesu, u ba lu ni tre gbangban me, u du ba giciye wu, ndu ba giciye wu.” U Bilatus hla bawu, “Ban hi giciye, ime me mina to ni lahtre ni kpeti na.”
Vaprista vakuru navatariri vavo vakati vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.”
7 U Yahudawa ba hla niwu, “Ai ki he ni tron, ni du tron abi ni ndu kwu ni tu wa ka tuma tie Vren Irji.”
VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.”
8 Wa Bilatus a wo naki na tie sissri kpukpome.
Pirato akati anzwa izvi akanyanyisa kutya,
9 Wa la lu ri hi ni trangon, u gona minye Yesu, “U rji ni ntsen?” u Yesu na la sa niwu ngana.
uye akadzokerazve mumuzinda. Akasvikobvunza Jesu achiti, “Unobvepiko iwe?” Asi Jesu haana kupindura.
10 U Bilatus tre ni wu, u na sa nimu na? Una to ndi me he ni gbengblen wa mi kpa'u chuwo a na, ni la giciye niwu na?
Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?”
11 Yesu hla niwu, “Ai u na he ni gbengble na se ka ba no gbengble rji ni shu. Niti ki, indji wa a ka nowu a zan ni lahtre.”
Jesu akapindura akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu kana usina kuripiwa richibva kumusoro. Naizvozvo uyo andiisa kwauri ane mhosva yechivi chikuru.”
12 Niwo wu naki, u Bilatus ni wa gon wa ani chuwu chuwo, u Yahudawa ba ba lu tre ngban me andi, “U ta ka guyi chuwo, una ikpan Kaisar na, indji wa a ka tuma tie chu, a kpa Kaisar tsri.”
Kubva ipapo zvichienda mberi, Pirato akaedza kusunungura Jesu, asi vaJudha vakaramba vachidanidzira vachiti, “Kana ukasunungura murume uyu, zvoreva kuti hausi shamwari yaKesari. Ani naani anozviti mambo anopikisana naKesari.”
13 Ni wa Bilatus a wo bi tre mba wa ba si tre'a, na nji Yesu rju ni hra na kuson ni riron ma ni bubu wa ba yo ndi, tragon u bla tre ni Yahudawa ba yo, “Gabbata.”
Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata).
14 U ni vi kima ba mla ki ti ni gben idin u za gran, ni nton krifi tanne mba ni gbengbe rji. Bilatus hla ni Yahudawa “yayi, ingye Ichu mbi!”
Rakanga riri zuva rokugadzirira vhiki yePasika, awa inenge yechitanhatu. Pirato akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.”
15 U ba lu yra gro, ndu ba njiwu hi, ndu ba njiwu hi, ndu ba giciye niwu, Bilatus minye ba, “Mi giciye ni Chu mbi?” Pristoci bi ninkon ba tre, “Kina he ni ichu rina se Kaisar.”
Asi vakadanidzira vachiti, “Endai naye! Endai naye! Murovererei!” Pirato akati, “Ndoroverera mambo wenyu here?” Vaprista vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mambo isu, asi Kesari.”
16 U Bilatus a ka Yesu chuwo ni bawu ni ndu ba hi giciye wu.
Pakupedzisira Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe. Saka varwi vakatora Jesu.
17 U ba nji Yesu na hi, na ban giciye'a kima, ni hi ni bubu wa ba yo, “Bubu kwukwu ni Yahudawa mba (Golgota).”
Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru).
18 U ba giciye niki, ni indji hari bari, iri ni ko ni nhama ko rime, Yesu mba he ni tsutsu.
Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navamwe vaviri, mumwe kuno rumwe rutivi nomumwe kuno rumwe rutivi, uye Jesu ari pakati.
19 Bilatus mba nha yo gban nitu giciye. Niki ba nha ndi: “YESU U NAZARET, ICHU YAHUDAWA.
Pirato akanyora chiziviso akachiisa pamuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: jesu wenazareta, mambo wavajudha.
20 Yahudawa gbugbuwu ba krawu igban nitu bubu wa giciye Yesu i whewhre ni mi gbu. Yo gban a he ni l'be Yahudawa, ni Romawa, ni Helenawa.
VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwani ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki.
21 U Pristoci bi ninkon bi Yahudawa ba ndi, ndu na nha ndi Ichu Yahudawa na, u tre, 'Iwa yi tre ndi, “Ime yi Mi Chu Yahudawa.'””
Vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora kuti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Munhu uyu akazviti mambo wavaJudha.’”
22 Bilatus tre, “Ikpe wa mi nha mi nha naki.”
Pirato akapindura akati, “Zvandanyora, ndanyora.”
23 Ni kogon wa soja ba giciye Yesu, u ba ban nklon ma, nda y'ba ga'u tie nhama nzah, ko nha niwu ma, ngbala, u nklon ba na wran na ba ka klo ki klo ni shu ye ni meme.
Varwi vakati varoverera Jesu pamuchinjikwa, vakabvisa nguo dzake, vakadziita migove mina, mumwe chete kuno mumwe nomumwe wavo, nguo yomukati iriyo yakasara. Nguo iyi yakanga isina pakasonwa, yakangorukwa kubva kumusoro kusvika pasi.
24 U ba hla ni kpamba, kina y'ba nklon na, ye ki ta chacha ni tuma ni to indji wa ani ban wu. Ba tie naki ni ndu lan tre Irji ndu shu wa a tre ndi, “Ba ga nklon Mu ni kpamba, na ta chacha nitu nklon Mu.” Wayi a kpe wa Sojoji ba tie.
Vakataurirana vakati, “Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora.” Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Vakagovana nguo yangu pakati pavo uye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi.
25 Iyii Yesu, u vayi yima vren wa, Maryamu iwa Klofas, ni Maryamu Magdaliya ba kri whi ni giciye u Yesu'a.
Pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, mununʼuna wamai vake, naMaria mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharena.
26 Niwa Yesu a toh yima ni vren koh ma wa ani son'a, ba kri whewhre, a hla ni Yi Ma, “Iwa, toh Vren me!”
Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, “Mai, hoyu mwanakomana wenyu,”
27 Nda hla ni almajiri, “To, Iyi me!” Rji ni nton kima ivren koh ma a njiwu nda hi ni koh ma.
uye kumudzidzi akati, “Ava mai vako.” Kubva pazuva iro zvichienda mberi, mudzidzi uyu akavatora akaenda navo kumba kwake.
28 Ni kogon kima, ni toh ndi ko ngyeri a tie kleye, u ni ndu lantre Irji'a he towa ba hla, Yesu a tre ndi, “Hlan mma ni tie Me.”
Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, “Ndava nenyota.”
29 Ni ngbala ko mba imma inabi a he ngbala shu ni gbu lan nda sa yra, u ba ka soso sun ni mi imma inabi wa'a sayra na lowu ni kpala na zu ka sun ni wu ni nyu.
Pakanga pane mudziyo waiva nevhiniga ipapo, saka vakanyika chipanje imomo, vakaisa chipanje pachitanda chehisopi, vakachisimudzira kumuromo waJesu.
30 Niwa Yesu mah imma wa a sayra, na tre, “A kle.” Na ka tu ma ti grji na chu vri ma.
Akati anwa Jesu akati, “Zvapera.” Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake.
31 U Yahudawa, ba to a hi vi u mlati mati, bana son ni ndu kpon'a kru ni giciye'a na, ni nton u idin na (idin'a a vi u ndindima) (special), u ba bre Bilatus ni ndu nzi za mba ni grji ba zi.
Zvino rakanga riri zuva rokugadzirira, uye mangwana acho, rakanga riri zuva rakasanangurwa reSabata. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vasingadi kuti mitumbi isiyiwe iri pamuchinjikwa panguva yeSabata, vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhunwe uye kuti mitumbi ibviswe.
32 U soja ba ye nzi za indji u mumla na nzi wu ha waba giciye ba baba Yesu.
Naizvozvo varwi vakauya vakavhuna makumbo omunhu wokutanga uyo akanga arovererwa pamwe chete naJesu, uye vakazovhuna omumwe wacho.
33 U ba ye nitu Yesu na to nda a kwu ye, u bana nzi za mana.
Asi vakati vasvika pana Jesu, uye vachiona kuti atofa, havana kuvhuna makumbo ake.
34 Naki me, iri ni mi soja ba, akama na tu bu ni mashi ni san, hihari me iyi mba mma ba rju.
Asi, mumwe murwi akamubaya nepfumo parutivi, pakarepo ropa nemvura zvikabuda.
35 Indji wa to iki'a, wawu yi shaida, shaida ma a u njanji. A to ndi ikpe wa a tre a njanji ni ndu yi me kpa nyeme.
Murume akazviona ndiye akapa umboo, uye uchapupu hwake ndohwechokwadi. Anoziva kuti ari kutaura chokwadi, uye anopupura kuitira kuti nemiwo mutende.
36 Ba ti naki ni ndu lantre ma, ndi shu, “kwukwu ma riri me bana mre na.”
Zvinhu izvi zvakaitika kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Hakuna kana bvupa rake rimwe richavhunwa,”
37 U lan tre ri tre, “Ba ya indji wa ba t'bu'a.”
uye sezvinoreva rumwe Rugwaro runoti, “Vachatarisa iye wavakabaya.”
38 Ni kogon biyi, Yusufu igu u Arimatiya, wa ahi almajiri Yesu (A riri, nitu sissri Yahudawa) a bre Bilatus ndu wawu gon ndu wawu ban k'mo Yesu. Bilatus no gon, u Yusufu ye ban ik'mo'a.
Shure kwaizvozvo, Josefa weArimatea akakumbira Pirato kuti apiwe mutumbi waJesu. Zvino Josefa akanga ari mudzidzi waJesu, asi muchivande nokuti aitya vaJudha. Akati abvumirwa naPirato, akauya akatora mutumbi waJesu.
39 Nikodimus ngame aye, wa ni mumla a ye ni Yesu ni chu. A nji turare u myrrh mba aloes, a tiewhre lita deri ni ron ma.
Akanga achiperekedzwa naNikodhimasi, murume uya akashanyira Jesu usiku. Nikodhimasi akauya nezvakavhenganiswa zvemura negavakava, zvinenge makirogiramu makumi matatu namana.
40 U ba ban kmo Yesu na nyewu, ni pri ni kpi be nyen whi riro, ni ndu ba rju na wa du Yahudawa he.
Vakatora mutumbi waJesu, vakauputira vari vaviri nomucheka pamwe chete nezvinonhuhwira. Izvi zvaifambirana netsika dzokuviga dzavaJudha.
41 Ni bubu wa ba giciye niwu la bu ri he niki, ni mi labu'a ibe ri a he ni ki wa bana rju ndrjori to na.
Panzvimbo iyo pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa, paiva nebindu, uye mubindu imomo, maiva neguva idzva, rakanga risina munhu akamboradzikwamo.
42 Nitu wa a hi vi u mlati-mlati u Yahudawa, ibe'a he whewhre, u ba ka Yesu yo ni mi.
Nokuti rakanga riri zuva rokugadzirira ravaJudha, uye sezvo guva raiva pedyo, vakaradzika Jesu imomo.