< Yohana 18 >
1 Ni kogon tre biyi wa Yesu tre ba, a rju ni almajere ma hi ni gran ko rima, ni kpa ngblu, ni bubu wa irju he'a u ba zu ri hi baba almajere Ma.
Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake akayambuka Mupata weKidhironi. Parutivi penzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo.
2 Yahuda me wa ani kawu le'a a to bubu'a, nitu wa Yesu a zi hi ye ni almajere Ma.
Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake.
3 Yahuda me, ka nji soja rji ni Firistoci bi ninkon, ni Farisawa, ni bi majelisa, u ba ye ni bubu'a, ba nji ba llu fitila ni ba tochi, ni ba kpi u ta ku.
Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo.
4 U Yesu to kpye wa asi zren'a nitu ma wawuu, ahi ko shishi na mye ba, “Bi wa nha?”
Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Munotsvaka ani?”
5 U ba tre, “Yesu u Nazaret.” Yesu ka hla ni bawu, “Ame yi.” Yahuda ngame wa a le niwu'a, a kri ni sojoji ba.
Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.)
6 Ni wa a hla bawu, “Ame,” u ba kma hi ni gon, na ka rjoku meme.
Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
7 Ala mye ba ngari, “Bi wa nha?” u ba hla ngari ndi, “Yesu u Nazaret.”
Akapamhazve kuvabvunza achiti, “Ndianiko wamunoda?” Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.”
8 Yesu hla bawu, e, Mi hla ni yiwu ndi, ahi me. Anita Ime yi bi si wa, bi ka ka biyi don ndu ba hi kpa-mba.
Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.”
9 Kima ni ndu itre wa a hla ndu tsra, “Ni mi bi wa U Ne ba, ko riri me na kado na.
Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.”
10 Siman Bitrus me, nitu wu ahe ni inji gbeni, na k'ri fya chu ka tsen vren ko kikle Prist, na chu nvunvu ton ma kori, inde vren ko ma'a hi Malkus.
Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.)
11 Yesu hla ni Bitrus, ka nji ngban yo ni hra ma ni bubun, Mi na so kokon wa Iti ane na?
Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?”
12 U soja ba ni bi ninkon mba, ni majalisa Yahudawa, ba ka vu Yesu, na lo'wu.
Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga.
13 Ni mumla ba nji hi ni Annas, nitu wa a hi iyi kayafas, wa ahi wawuyi kikle Prist ni se kima.
Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro.
14 Kayafas mba ana no ba Yahudawa mre, andi ani fi bi dun indji riri ndu kwu ni tu ba indji.
Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu.
15 Siman Bitrus a hu kogon Yesu, na kime almajiri ri la ti ngame. I zizan almajiri ki me a shishi to ni kikle Prist'a, na ri hi ni kikle hra u kikle Prist me mba Yesu;
Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru,
16 U Bitrus a k'ri ni nyu gon tre ni nkohtra, naki me almajiri rima ti, u almajiri wa ahi shishi to ni kikle Prist a rju, na tre ni wa - wa ani gben ni gontra, na lu ri hi ni Bitrus.
asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati.
17 U vren wa wa ani gben ni gontra aminye Bitrus, “Iwu me una he ni mi almajire gu yi na?” wa tre, “Mi na he ni mi na.”
Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Iye akapindura akati, “Handisi.”
18 U bi ti ndu ni doka rji u hekali'a ba kri ni ki, u ba mu lu ni kla-mbrji, na son kosan ma si wo gba-ji, ni nton ki bubu ni si. Bitrus k'ri ni ba na si wo gbaji'a.
Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto.
19 Kikle Prist a minye Yesu nitu almajere ma ni tsro ma me.
Panguva iyoyo, muprista mukuru akabvunza Jesu pamusoro pavadzidzi vake uye nezvedzidziso yake.
20 Yesu ka sa niwu, e, Mi hla ni gbungblu'a ni hla tuma. Mi hla bawu nitu nitu ni majamiyan, ni hekeli ni bubu wa Yahudawa me ba ye gyen klan ki'a. Mi na hla kpyeri ni ri mbi na.
Jesu akapindura achiti, “Ndakataura pachena kunyika. Ndaigara ndichidzidzisa mumasinagoge kana patemberi, apo paiungana vaJudha vose pamwe chete. Handina kutaura chinhu muchivande.
21 U ngye ri mba sa u minye me? Minye biwa ba sren ton na wo ikpe wa mi tre'a, E, ba to ikpe Mi tre.
Munondibvunzireiko? Bvunzai avo vakandinzwa. Zvirokwazvo vanoziva zvandakareva.”
22 Ni wa Yeswu hla biyi, u ri ni mi biya ba wa kukri niki'a a wru Yesu nda tre ndi, “U sa ni kikle Prist tre naki?”
Jesu akati ataura izvi, mumwe wavatariri vakanga vari pedyo naye akamurova kumeso. Akati, “Ndiyo nzira yaunopindura nayo muprista mukuru here?”
23 Yesu tre niwu, Mi ta hla meme kpe to, u ka hu gon ma naki'a ta njanji Mi hla, to, u ngyeri ni sa u ka wru me?”
Jesu akapindura akati, “Kana ndataura chimwe chinhu chakaipa, taura kuti chakaipa ndechipi. Asi kana ndataura chokwadi, seiko wandirova?”
24 U Annas a ton ba ndu ba nji Yesu hi lowu ni Kayafas, kikle Prist.
Ipapo Anasi akamuendesa, akasungwa kuna Kayafasi muprista mukuru.
25 U Siman Bitrus a kri si wo gbaji lu. U ndji ba ba tre niwu, “Ana iwu me u na he ni mi almajere ma na?” Wa kpa tron na tre, “A'a, mi na he mina.”
Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.”
26 U ri nimi gran kikle Prist, vayi iwa Bitrus a fu nvunvu ton'a, ahla, O'oo, mina to niwu ni rju na?
Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?”
27 Bitrus la kpa-tron, hihari me igba lu t'bu.
Petro akazvirambazve izvozvo, uye panguva iyoyo jongwe rakatanga kurira.
28 Nikima Kayafas ba nji Yesu hi ni kogon'a, ni buu buu mble me, baba ni titu mba me bana ni kogon'a na, andi ndu baba n ata tre na kunyre bubu ri jibi u za gran na.
Ipapo vaJudha vakatungamirira Jesu kubva kuna Kayafasi vakaenda naye kumuzinda womubati weRoma. Zvino akanga achiri mangwanani, uye kuti varege kusvibiswa, vaJudha vakarega kupinda mumuzinda; vaida kuti vakwanise kuzodya Pasika.
29 U Bilatus me a rju ye ni ba, na tre, “Anitu ngyeri bi nha gu yi?
Saka Pirato akabuda kwavari akavabvunza achiti, “Mhosva yomurume uyu ndeyeiko?”
30 U ba sa niwu, “Igu yi ani na ti meme kpe na, angyeri me ni sa ki ka nji wu ye tro niwu.”
Vakapindura vachiti, “Dai anga asiri mutadzi, tingadai tisina kuuya naye kwamuri.”
31 Bilatus hla bawu, “Mji wu hi ni tutu mbi ni hi Furewu ni bi tron mbi!” U Yahudawa ba hla niwu,” E, kina he ni gbengblen u yo tron u wu ndji ni tu mbu na.”
Pirato akati, “Mutorei imi mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakaramba vachiti, “Asika, isu hatina mvumo yokuuraya munhu.”
32 Ba hla kima ni ndu itre Yesu tsra, ni biwa a tsra bibi kwu wa ani kwu'a.
Izvi zvakaitika kuitira kuti mashoko akanga ataurwa naJesu achiratidza mafiro aaizoita azadziswe.
33 U Bilatus la ri ni mi tra gon gona, na yo Yesu na minye, “Iwuyi U Chu Yahudawa ba?
Ipapo Pirato akadzokerazve mumuzinda, akadana Jesu akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”
34 Yesu sa niwu, “Ahi wu u hla, ka ba ndrjori mu ba yo Me naki niwu?
Jesu akati, “Kufunga kwako woga here kana kuti vamwe vataura newe pamusoro pangu?”
35 Bilatus sa niwu, “Ime mina indji u Yahuda na, ka ani he?” E, ahi ndji Me ni Pristoci bi kikle ba ba nji wu ye le ni mu. “U tie ngye?”
Pirato akapindura achiti, “Ndiri muJudha here ini? Vanhu vako navaprista vako vakuru vauya newe kwandiri. Wakaiteiko?”
36 Yesu sa, “Mulki Mu ana u gbungblu yi na, Mulki ana u gbungblu yi u mri ko Mu bana tiku ni ndu bana ka Me le ni Yahudawa na, Mulki Mu ana he ni wayi na.”
Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.”
37 U Bilatus minye, “Ashe, anaki, U Chu?” Yesu sa niwu, “Anaki u hla ndi Mi Chu. Nitu ki ba ngrji Me, nitu ki mi ye ni gbungblu yi, ni ndu mi no gban ni tu njanji. Ko nha wa ani son njanji'a ani sren ton na wo lan tre Mu.”
Pirato akati, “Saka uri mamboka!” Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.”
38 Bilatus sa niwu, “Ahi ngye njanji?” Ni kogon wa a hla naki, ala rju ni Yahudawa, na hla, “Ime de mina to guyi ni latre na.
Pirato akamubvunza akati, “Chokwadi chiiko?” Akati ataura izvozvo akabudazve kunze kuvaJudha akati, “Handiwani hwaro hwemhosva yomurume uyu.
39 Bi to bi he ni igan ri, u idin za gran a tsra, ni chu indji ri no yi bi son mi no yi Ichu Yahudawa?”
Asi itsika yenyu imi kuti ini ndikusunungurirei musungwa panguva yePasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha?”
40 U ba kpa-gro, kpan, kpan me na tre, “A'a, a wawu yi na, se Barabas.” Barabas'a me ahi indji yibi.
Vakadanidzira vachiti, “Kwete, uyu! Tipei Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.