< Yohana 17 >
1 Ni kogon wa Yesu tre yi, a nzu shishi hi ni shulu na tre, “Iti, inton yeye, no Vren Me ninkonni ndu Vren Me ndu no'u ninkon -
Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei.
2 ni wa u no gbengblen nitu bi nama kpa wawu ni ndu no re (ivri) u son hi ni tuntur ko indji ri me wa wu no'a. (aiōnios )
Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. (aiōnios )
3 Iwa ahi re (ivri) u tuntur, wa ba to, ba to wuyi nkrji Me Wu Irji, niwa u ton Yesu Kristi. (aiōnios )
Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. (aiōnios )
4 Mi no ninkon me ni meme, Mi kle indu wa u ne ndi Mi tiwu'a.
Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite.
5 Zizan, “Bachi ne ninkon wa me he niwu rji niwu ri ni ndu ba me gbungblu'a.
Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa.
6 Mi ye yar inde rju ni ndi biwa u ne ba ni gbungblu'a. Bana bi Me u wu ne ba, u ba nji tre me.
“Ndakaratidza zita renyu kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu.
7 Zizan, ba to ndi ikpe wa u ne wawu ba rji ni wu yi,
Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri.
8 Mi no ba wawu lan tre Me wa wu ne. Ba kpa ba na to nda a njanji Mi rji ni Wu, na kpa nyeme ndi a wu u ton me.
Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma.
9 Mi tre niwu bawu (addu'a), Mi tre niwu ni bi gbungblu'a na, se ni bi wa u ne ni ba, biki babi Me.
Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu.
10 Ikpe wawu wa ahi u Mu'a, a hi u Me. U Me ahi u Mu. Mi kpa ninkon ni ba.
Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo.
11 Mi na la u gbungblu'a ngana, u ba ndji biyi ba he ni gbungblu'a, u Mi si yi niwu. Tsatsra Ti, zi ba ni mi nde Me wa u ne ni ndu ba riri, nawa kita me ki riri.
Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.
12 Niwa mina he ni ba, Mi ziba pyan me ni mi nde Me, ni wa u ne, Mi ka ba, u riri ni mi mbu ana yra tu na, se mri bi zyi bubu'a, ni ndu lantre'a shu.
Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe.
13 Zizan Mi si ye niwu, Mi si tre kpi biyi ni gbungblu'a ni ndu ingyiri Mu ndu shu ni ba.
“Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo.
14 Mi no ba lan tre Me'a, u gbungblu'a kama ni ba nitu wa ba u lantre na, na wa Mi na u gbungblu'a na.
Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika.
15 Mi tre ni ndu vu ba rju ni gbungblu'a na ni ndu zi ba zizyime ni mi bi meme ba.
Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa.
16 Ba na bi gbungblu'a na, na wa mina u gbungblu'a na.
Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
17 Zi ba nkan nitu Me u njanji lantre Me a njanji.
Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi.
18 Na niwa u ton Me ni gbungblu'a, naki Mi ton ba hi ni gbungblu'a.
Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika.
19 Mi mla tu Mu zi niwu nitu mba, ni ndu ba mla tu-mba zi me niwu ni mi njanji.
Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
20 Mina tre niwu nitu iwa kankrji ma na, ani biwa ba kpa nyeme ni Me nitu tre mba'a
“Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo,
21 ni ndu ba wawu mba hi ririi, nawu, Bachi, Wu he nimi Mu, u Ime nimi Me. Mi bre ni ndu ba he nimi Mbu, ni ndu gbungblu'a kpa nyeme ndi u ton Me.
kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma.
22 Ninkon wa U ne'a, Ime me Mi ka no ba, ni ndu ba hi ririi, nawa kita me ki riri'a:
Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe:
23 Ime nimi mba, u Wu nimi Mu - ndi dun ba nji tu-mba ye katu bi, ni ndi dun gbungblu'a ni to ndi u ton Me, andi U son ba na wa U son Me.
imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini.
24 Iti, Mi son biwa U kaba ne ndu ba he ni Me ni wurji wa Mi he yi, na to ninkon Mu, ninkon wa U Ne u nitu U son Me ri kuko ndi zi nchi gbungblu'a.
“Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa.
25 Tsatsra Ti, gbungblu'a na to Wu na, Ime Mi to'u, u ba ton nda ahi Wu yi U ton Me.
“Baba vakarurama, kunyange nyika isingakuziviyi, ini ndinokuzivai, uye ivo vanoziva kuti makandituma.
26 Mi hla bawu inde Me, Mi la hla ni bawu nitu son Me wa U ndu he ni Me ni mi mba.
Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”