< Yohana 16 >

1 Mi hla wayi ni yiwu ni ndu yi na kubu za na.
Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.
2 Ba ju yi rju ni majanmiyan u iton ni ye, niwa indji ni ta hola yi vu ni to'o (wuya), ani ya ndi wawu si tie ndu Rji.
Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa.
3 Ba ti naki niwa ba na toh Ti'a ko Me na.
Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini.
4 Mi si hla biyi ni yiwu, inde iton nita ye, waba ti'a, bika ri mren Mi na hla ni yiwu,” Mi na hla kpe biyi ni yiwu ri na rji ni mumla, niwa Mi he niyi.
Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.
5 Zizan yi Mi si hi ni Indji wa a ton me'a, naki me ni mi mbi, ba wa a minye Me, u hi ntsen?
Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi?
6 Ni wa Mi hla ikpi biyi ni yiwu, damuwa shu ni yiwu ni sron.
Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.
7 Ime mi si hla njanji mu ni yiwu, abi ni yiwu ni ndu Mi hi kpamu, u Mi ta na hi kpamu na, wawu indji u sisron ana ye ni yi na, u Mi ta hi, u Mi ton ye niyi.
Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8 Ani ta ye, wawu Indji u nji si sron ye ani tsro gbungblu'a meme ti lahtre'a, nitu njanji ni tron me -
Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;
9 nitu lahtre, nitu wa bana kpa nyeme ni Me na;
zvechivi, nokuti havatendi kwandiri;
10 nitu tsatsra, Mi hi ni Ti'a, u bina la tie bre to mena;
uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve;
11 nitu hukunci me niwa ba han hukunci ni ndji u nji gbungblu'a hukunci.
uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.
12 Ikpi gbugbuwu ba he wa Mi hla ni yiwu'a, u bina ya to zizan na.
Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;
13 Nitu ki, u Ibrji tsatsra u njanji aye'a, ani nji ni mi njanji wawu, niwa ana tre u tuma kankrji ma na, se ikpe wa awo, ani hla ki, ani hla ni yiwu ikpe wa ani tie.
asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake, asi chega chega chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.
14 Ani gbre Me san, nitu wa ani ban ikpi wa a u mu na hla ni yiwu.
Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri.
15 Ikpe iwa Iti'a ahe ni wu ahi u mu. Nitu ki, Mi hla da ani ban kpi wa a hu mu na hla ni yiwu.
Zvese Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri.
16 Ni kogon vi ton, bina tie bre la to Me na, ni kogon vi nton fime ngari, bi la toh me.
Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba.
17 U bari ni mi almajere Ma, ba tre ndi, “Ahi ngyeyi mba Igu yi ni son hla nitawu, 'Ni vi nkpurju nton bina la toh Me na, u ni vi nkpurju nton ngari bi la toh me,' u, 'Nitu wa Mi hi ni Ti'a?'”
Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba?
18 Nitu ki ba tre ndi, “Ahi ngyeri wa asi tre'a, 'Ni vi nkpurju nton'a?' Kina to kpw wa asi tre nitu ma na.”
Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.
19 Yesu to ba si son Mye wu, na hla ni bawu ndi, “U bi kma ni mye kpa mbi Mu ikpe wa Mi si son hla andi, “Ni kogon vi nton fime u bina to me na, u ngari ni kogon vi nton fime bi la to Me?'
Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?
20 Njanji, njanji, Mi hla ni yiwu, bi yi ni mren, u gbungblu ni ngyiri, imre mbi ni shu ni yi nyu ni sron, u imre u yi mbi ani ka tie u ngyiri.
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.
21 Iwa ni to lo ngrji, ni nton wa a si yi nne nitu wa inton u ngrji ye. Inde a ngri vren yo ye, ana la bre rimren ilon Ma ngana, nitu wa a si ngyiri wa ba ngrji indji ni gbungblu'a.
Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.
22 Zizan mba bi ri mre, Mi la to yi, u sron mbi ni ngyiri, u indrjori na ya ban ngyiri mbi'a rji ni yi na.
Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu.
23 Chachu ki, bina mye Me kperi na. Njanji, njanji, Mi si hla ni yiwu, ko ngyeri bi bre ni mi Nde Ti'a ni mi Nde Mu ani no yi.
Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.
24 Ye zizan me bi na bre kperi nimi nde Mu na. Bika bre, u bi kpa, niwa ingyiri mbi a shu.
Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.
25 Mi hla kpi biyi ni yiwu ni mi karin magana, inton ni ye wa Mina la hla kperi ni yiwu na ni mi karin magana na, Mi sran hla ni yiwu ni rira, nitu Ti'a wa ani karin magana.
Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.
26 Ni chahu ki, bu tre ni mi nde Mu u Mina hla yiwu ndi Mi tre ni Ti; a nitu mbi na.
Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;
27 Niwa Iti ni son yi kima, niwa bu'a bi son Me, u bi kpa nyeme ndi Mi rji ni Ti'a.
nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.
28 Mi rji ni Ti'a, ni ri ni gbungblu'a, ye zizan, ngari, Mi bri ni gbungblu'a ni kma ni hi ni Ti.”
Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.
29 Almajere Ma ba tre ndi, “To mba, zizan u si tre kpe wheme mba, una ka yiyi na.
Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira.
30 Zizan ki to u to ko ngyeri, ana wa ndrjori ni la mye na. Ni nakima, ki kpanyeme ndi u rju rji ni Irji.
Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvese, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.
31 Yesu a ka sa ni bawu ndi, “Bi kpa nyeme zizan?
Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?
32 Bika to, inton ni ye, ee, inton ye wa ba vra yi ti nkankan, ko nha ni kma hi ni ko ma, bi ka me don ni grji Mu. Ko nakime Mi na he ni nkrji Mu na, Iti Mu ahe ni Me.
Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni.
33 Mi hla wayi ni yiwu ndi bi he ni me Mu ni fe si sron. Ni gbungblu'a ba ki ti yi je, bika kri gbangban, Mi kpaka ni gbungblu'a.
Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.

< Yohana 16 >